Enda pane zvauri kuda

Zvinorevei Kuti Vakafa Vachamutswa?

Zvinorevei Kuti Vakafa Vachamutswa?

Mhinduro yeBhaibheri

 MuBhaibheri, shoko rinoshandurwa kuti “kumuka” rinobva pashoko rechiGiriki rokuti a·naʹsta·sis, zvichireva “kusimudza” kana kuti “kumira zvakare.” Munhu paanomutswa murufu anodzorerwazve upenyu orarama sezvaaiita asati afa.​—1 VaKorinde 15:12, 13.

 Shoko rokuti “kumuka” harimo muMagwaro echiHebheru, anowanzonzi Testamende Yekare asi dzidziso yokumutswa irimo. Somuenzaniso, Mwari achishandisa muprofita Hosiya, akavimbisa kuti: “Ndichavadzikinura pasimba reSheori; ndichavanunura parufu.”—Hosiya 13:14; Jobho 14:13-15; Isaya 26:19; Dhanieri 12:2, 13.

 Vanhu vachamutswa vachararama kupi? Vamwe vachamutsirwa kudenga kwavachanotonga naKristu semadzimambo. (2 VaKorinde 5:1; Zvakazarurwa 5:9, 10) Bhaibheri rinoti kumuka uku “kumuka kwekutanga” kureva kuti pane kumwe kumuka kunozotevera. (Zvakazarurwa 20:6; VaFiripi 3:11) Vanomutswa pashure vachazorarama pano panyika, uye ndivo vakawanda vacho.​—Pisarema 37:29.

 Vanhu vachamutswa vaine muviri wakaita sei? Mwari ndiye anopa Jesu simba rokumutsa vakafa. (Johani 11:25) Jesu achamutsa “vose vari mumakuva” kuti vararame, mumwe nomumwe akangoita sezvaakanga akaita, aine unhu hwaakanga anahwo uye achiyeuka zvaakamboita kana kuti zvakamboitika kwaari. (Johani 5:28, 29) Vaya vanomutsirwa kudenga vanopiwa muviri womudzimu, nepo vaya vanomutsirwa panyika vanopiwa muviri wenyama wakagwinya, usina chakakanganisika pauri.​—Isaya 33:24; 35:5, 6; 1 VaKorinde 15:42-44, 50.

 Ndevapi vachamutswa? Bhaibheri rinoti “kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mabasa 24:15) Vakarurama ava vanosanganisira vanhu vaiva vakavimbika vakaita saNoa, Sara, naAbrahamu. (Genesisi 6:9; VaHebheru 11:11; Jakobho 2:21) Vasina kururama vanosanganisira vaya vakatadza kuita zvinodiwa naMwari nemhaka yokushaiwa mukana wokuzvidzidza kana kuzviita.

 Asi vaya, vanoita zvakaipa uye vachiratidza kuti havadi kuchinja mararamire avo havasi kuzomutswa. Pavanofa, vanenge vasisina tariro yokuzomutswa.​—Mateu 23:33; VaHebheru 10:26, 27.

 Vanhu vachamutswa riini? Bhaibheri rakafanotaura kuti kumutswa kwevanhu vachienda kudenga kwaizoitika panguva yokuvapo kwaKristu, yakatanga muna 1914. (1 VaKorinde 15:21-23) Kumutswa kwevanhu panyika kuchaitika munguva yokutonga kwaJesu Kristu yemakore 1 000, pachachinjwa nyika kuva paradhiso.​—Ruka 23:43; Zvakazarurwa 20:6, 12, 13.

 Nei dzidziso yokuti vanhu vachamutswa iri yechokwadi? Bhaibheri rinonyatsotsanangura kumutswa kwevanhu 9 kwakaitika vanhu vachiona. (1 Madzimambo 17:17-24; 2 Madzimambo 4:32-37; 13:20, 21; Ruka 7:11-17; 8:40-56; Johani 11:38-44; Mabasa 9:36-42; 20:7-12; 1 VaKorinde 15:3-6) Kumutswa kwaRazaro naJesu kunonyanya kushamisa nokuti Razaro akanga atova nemazuva mana afa uye Jesu akaita chishamiso chokumumutsa paine boka revanhu vaiona. (Johani 11:39, 42) Kunyange vaya vaishora Jesu havana kupikisa nezvokumutswa kwaRazaro, asi vakatofunga zvekutouraya vose vari vaviri Jesu naRazaro.—Johani 11:47, 53; 12:9-11.

 Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari ane simba uye chido chokumutsa vakafa. Mwari anonyatsoyeuka zvanga zvakaita munhu woga woga waachamutsa achishandisa simba rake guru. (Jobho 37:23; Mateu 10:30; Ruka 20:37, 38) Mwari anogona kumutsa vakafa uye anotoda kuvamutsa! Richirondedzera kumutswa kwevanhu kuchazoitika, Bhaibheri rinoti nezvaMwari: “Muchasuwa basa remaoko enyu.”—Jobho 14:15.

Nhema dzinotaurwa nezvokumutswa kwevakafa

 Nhema: Kumutswa zvinoreva kubatanidzwa zvakare kwemweya nomuviri.

 Chokwadi: Bhaibheri rinodzidzisa kuti munhu ndiye mweya kwete kuti mweya unobuda mumuviri kana afa. (Genesisi 2:7, Ezekieri 18:4) Munhu anomutswa haabatanidzwi nemweya wake; asi anosikwa zvakare kuti ave mweya mupenyu.

 Nhema: Kana vanhu vakamutswa vachatongerwa zvivi zvavakaita pavaiva vapenyu.

 Chokwadi: Bhaibheri rinoti “vaya vaiva netsika yokuita zvakaipa vachamukira kutongwa.” (Johani 5:29) Vachatongwa maererano nezvavachaita pashure pekunge vamutswa, kwete zvavaiita vasati vafa. Jesu akati: ‘Vakafa vachanzwa inzwi roMwanakomana waMwari uye vanenge vateerera vachararama.’ (Johani 5:25) Vaya vanenge “vateerera” kana kuti vaita zvinoenderana nezvavanodzidziswa pavanenge vamutswa vachanyorwa mazita avo mu“mupumburu woupenyu.”​—Zvakazarurwa 20:12, 13.

 Nhema: Munhu anomutswa nomuviri waakanga anawo asati afa.

 Chokwadi: Kana munhu afa, muviri wake unoora wobva waparara.—Muparidzi 3:19, 20