Enda pane zvauri kuda

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Kuzvichenesa Kunoita Svosve

Kuzvichenesa Kunoita Svosve

 Zvipukanana zvinofanira kugara zvakachena kuti zvikwanise kubhururuka, kufamba uye kuziva zvinhu zvakapoteredza. Semuenzaniso, kana tunyanga twesvosve twakasviba, zvinoita kuti rinetseke pakufamba, pakukurukura uye pakunzwa munhuhwi wezvinhu. Mumwe muongorori wezvemhuka anonzi Alexander Hackmann akati, “Haumbofi wakaona zvipukanana zviine tsvina. . . Zvine maitiro azvinoita kuti zvigare zvakachena.”

 Funga izvi: Hackmann nevamwe vake vakaongorora machenesero anoita svosve rinonzi Camponotus rufifemur tunyanga twaro. Vakaona kuti rinogonyesa gumbo, rofambisa tunyanga nepakati pegumbo rakagonya, richibvisa tsvina. Pacho panenge pagonyeswa panenge paine tumvere tunenge twuri muzvikwata zvitatu. Tumvere twekutanga ndotwakakora uye tunobvisa tsvina yakakura yacho. Inenge yasara inobviswa netwakati tetepei twakaenzana neturi patunyanga twesvosve. Tumvere twekupedzisira tutete-tete kupfuura zvakaita vhudzi remunhu, uye tunobvisa tsvina yese inenge yasaririra.

 Ona svosve richichenesa tunyanga twaro

 Hackmann nevamwe vake vanofunga kuti zvinoitwa nesvosve iri pakuzvichenesa zvinogona kushandiswa mumaindasitiri. Semuenzaniso, zvinogona kushandiswa pakugadzira zvinhu zvidiki-diki zvemagetsi zvekuti zvikangosviba hazvichashandi.

 Unofungei: Zvakangoitika zvega here kuti svosve rikwanise kuzvichenesa kana kuti zvakaitwa neMusiki?