Enda pane zvauri kuda

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Ganda Repomelo Risingatsemuki

Ganda Repomelo Risingatsemuki

 Pomelo muchero wakakura unotapira uye uri muchikwata chemichero yakadai semaorenji nemaremoni. Kunyange muchero uyu ukadonha pakareba mamita anopfuura 10 hautsemuki! Chii chinoita kuti usatsemuka?

 Funga izvi: Vaongorori vakaona kuti chikamu chichena chiri nechemukati meganda repomelo chine masero akaita sesiponji, asina kubatana-batana asi anosiya nzvimbo pakati. Nzvimbo iri pakati pemasero aya inoramba ichiwedzera kukura nechemukati meganda racho uye inenge yakazara nemhepo kana kuti mvura. Muchero wacho paunodonha worovera pasi, mvura iya inobatsira kudzivirira kuti usatsemuka. Ganda repomelo rinoita kakudzoka roti omei, zvichiita kuti simba rekurovera ripararire pane kuti ritsemure ganda racho.

 Nyanzvi dzesainzi dzakagadzira simbi dzichitevedzera zvakaita ganda repomelo uye dziri kuongorora kuti yakasimba zvakadini. Vanoti zvakaita ganda repomelo zvinogona kushandawo pakugadzira zvinhu zvakadai semaherumeti anoshandiswa pamidhudhudhu, simbi dzinodzivirira mota painorovera, uye kudzivirira zvitundumusere zviri muchadenga kana zvikarohwa nematombo anovhiririka imomo.

 Unofungei? Zvakangoitika zvega here kuti muchero uyu uve neganda rakadaro?