Tsamba yaJakobho 1:1-27

  • Kwaziso (1)

  • Kutsungirira kunounza mufaro (2-15)

    • Kutenda kwakaedzwa (3)

    • Ramba uchikumbira uine kutenda (5-8)

    • Ruchiva runobereka chivi nerufu (14, 15)

  • Zvipo zvese zvakanaka zvinobva kumusoro (16-18)

  • Kunzwa shoko nekuita (19-25)

    • Munhu anotarisa mugirazi (23, 24)

  • Kunamata kwakachena uye kusina kusviba (26, 27)

1  Ini Jakobho,+ muranda waMwari uye waShe Jesu Kristu, ndinoti kumadzinza 12 akapararira kwese kwese: Kwaziwai!  Hama dzangu, pamunosangana nemiedzo yakasiyana-siyana, farai kwazvo,+  sezvo muchiziva kuti kutenda kwenyu uku kwakaedzwa kunoita kuti mutsungirire.+  Asi kutsungirira ngakupedze basa rakwo, kuti muve vakakwana uye vakanaka pazvinhu zvese, pasina chamusina.+  Saka kana mumwe wenyu asina uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari+ uye achahupiwa,+ nekuti iye anopa munhu wese nemwoyo wese, asingazvidzi.*+  Asi ngaarambe achikumbira aine kutenda+ uye aine chivimbo chizere,+ nekuti munhu asina chivimbo akafanana nefungu regungwa rinofambiswa nemhepo richisairirwa kwese kwese.  Chokwadi, munhu iyeye ngaarege kutarisira kuti ane chaachapiwa naJehovha.*  Munhu iyeye ane mwoyo miviri+ uye haana kutsiga pane zvese zvaanoita.  Asi hama yakaderera ngaipembere nemufaro pamusoro pekukwidziridzwa kwayo,+ 10  uye mupfumi ngaapembere nekuti ava panzvimbo yepasi,+ nekuti achaparara seruva remusango. 11  Sezvinoita zuva rinobuda richipisa rosvavisa zvinomera, maruva azvo odonha, zvosara zvisingayevedzi, mupfumi achapararawo ari mushishi kutsvaga pfuma.+ 12  Anofara munhu anoramba achitsungirira muedzo,+ nekuti paanokunda achapiwa korona yeupenyu,+ yakavimbiswa naJehovha* kune vaya vanoramba vachimuda.+ 13  Munhu paanenge achiedzwa ngaarege kuti: “Ndiri kuedzwa naMwari.” Nekuti hapana angaedza Mwari nezvinhu zvakaipa, uye iye haaedzi munhu. 14  Asi mumwe nemumwe anoedzwa paanotorwa mwoyo, oputirwa neruchiva rwake.*+ 15  Ruchiva parunenge rwakura,* runobva rwabereka chivi; chiviwo pachinenge chaitwa, chinokonzera rufu.+ 16  Musatsauswa, hama dzangu dzinodiwa. 17  Zvipo zvese zvakanaka nezvipo zvese zvakakwana zvinobva kumusoro,+ kuna Baba vezviedza zvekudenga avo vasingachinji,+ vakasiyana nemumvuri unochinja.+ 18  Nekuti ndizvo zvaaida, akaita kuti tiberekwe neshoko rake rechokwadi,+ kuti tive imwe mhando yezvibereko zvekutanga pazvisikwa zvake.+ 19  Zivai izvi hama dzangu dzinodiwa: Munhu wese anofanira kukurumidza kuteerera, kunonoka kutaura,+ uye kunonoka kutsamwa,+ 20  nekuti kutsamwa kwemunhu hakuiti kuti pave nekururama kunodiwa naMwari.+ 21  Saka bvisai zvese zvisina kuchena nekanhu kese kakaipa,*+ uye bvumai neunyoro kusimwa kweshoko rinokwanisa kukuponesai.* 22  Ivai vaiti veshoko kwete vanzwi chete,+ muchizvinyengera nezvinhu zvenhema. 23  Nekuti kana munhu achingonzwa shoko asingariiti,+ akafanana nemunhu anotarisa chiso chake mugirazi. 24  Nekuti anozvitarisa, oenda, obva atokanganwa kuti iye munhu akaita sei. 25  Asi munhu anonyatsotarisa mumutemo wakakwana werusununguko,+ asingausiyi, achafara pane zvaanoita; haana kuva munzwi anokanganwa, asi aita zvaanzwa.+ 26  Kana munhu achifunga kuti ari kunamata Mwari asi asingadzori rurimi rwake zvakasimba,*+ ari kunyengera mwoyo wake, uye kunamata kwake hakuna zvakunobatsira. 27  Kunamata kwakachena uye kusina kusviba kuna Mwari wedu uye Baba vedu ndeuku: kuchengeta nherera+ nechirikadzi+ pakutambudzika kwadzo,+ uye kuramba usina kusvibiswa nenyika.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “asingapi mhosva.”
Kana kuti “ruchiva rwake rwomukwezva sehwambo.”
ChiGir., “rwabata pamuviri.”
Kana kuti “kuponesa mweya yenyu.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “nezvakaipa zvizhinji.”
Kana kuti “asingaisi matomu parurimi rwake.”