Tsamba yaJakobho 4:1-17

  • Musashamwaridzana nenyika (1-12)

    • Rwisanai naDhiyabhorosi (7)

    • Swederai pedyo naMwari (8)

  • Yambiro panyaya yekuzvikudza (13-17)

    • “Kana Jehovha achida” (15)

4  Chii chiri kukonzera hondo nekurwa pakati penyu? Hazvisi kukonzerwa neruchiva rwenyama yenyu ruri kurwa mamuri* here?+  Munoda zvinhu asi hamusi kuzviwana. Munoramba muchiuraya uye muchichiva, asi hapana chamunokwanisa kuwana. Munoramba muchirwa uye muchiita hondo.+ Hamuna chamuinacho nekuti hamukumbiri.  Pamunokumbira pacho, hapana chamunopiwa nekuti munokumbirira zvisina kunaka, kuti mushandise zvinhu zvacho kuita zvido zvenyama yenyu.  Imi mhombwekadzi,* hamuzivi here kuti kushamwaridzana nenyika kuvengana naMwari? Saka munhu wese anoda kuva shamwari yenyika anenge achitozviita muvengi waMwari.+  Munofunga kuti rugwaro runotaura pasina here, parunoti: “Mweya weshanje ugere matiri unoita kuti tirambe tichingochiva zvinhu zvese”?+  Zvisinei, nyasha dzatinoratidzwa naMwari dzakakura kupfuura izvi. Saka rugwaro rwacho runoti: “Mwari anopesana nevanozvikudza,+ asi ane nyasha kune vanozvininipisa.”+  Saka zviisei pasi paMwari;+ asi rwisanai naDhiyabhorosi,+ uye achakutizai.+  Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.+ Chenesai maoko enyu imi vatadzi,+ munatse mwoyo yenyu+ imi vane mwoyo miviri.  Suwai uye chemai musvimhe misodzi.+ Kuseka kwenyu ngakuchinje kuve kuchema, uye mufaro wenyu ngauve kupererwa. 10  Zvininipisei pamberi paJehovha,*+ uye iye achakukwidziridzai.+ 11  Hama, regai kutaura zvakaipa pamusoro pehama dzenyu.+ Munhu wese anotaura zvakaipa pamusoro pehama yake kana anotonga hama yake anenge achishora mutemo uye achitonga mutemo. Zvino kana uchitonga mutemo, hausi kuita zvinodiwa nemutemo asi uri mutongi. 12  Pane mumwe chete anopa mitemo uye Mutongi,+ iye anokwanisa kuponesa nekuparadza.+ Asi iwe ndiwe ani kuti utonge hama yako?+ 13  Chinzwai zvino imi munoti: “Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta iri uye tichapedza gore tiri ikoko, uye tichaita bhizimisi towana mubereko,”+ 14  asi musingazivi zvichange zvakaita upenyu hwenyu mangwana.+ Nekuti muri mhute inooneka nguva pfupi yobva yanyangarika.+ 15  Pane kudaro, munofanira kuti: “Kana Jehovha* achida,+ tichararama toita ichi kana icho.” 16  Asi zvino munodada nekuzvirumbidza kwenyu muchizvitutumadza. Kuzvirumbidza kwese kwakadaro kwakaipa. 17  Saka kana munhu achiziva zvinhu zvakarurama asi orega kuzviita, anenge achiita chivi.+

Mashoko Emuzasi

ChiGir., “munhengo dzenyu.”
Kana kuti “vasina kuvimbika.”