Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 22

Akanga Akavimbika Pasinei Nemiedzo

Akanga Akavimbika Pasinei Nemiedzo

1, 2. Petro angangodaro aitarisirei Jesu paaitaura ari muKapenaume, asi panzvimbo pezvo chii chakaitika?

PETRO aitarisa zviso zvevanhu vaiteerera Jesu. Vaiva pasinagogi muKapenaume. Petro aigara mutaundi iri; ndimo maaiitira bhizimisi rake rekubata hove, pamhenderekedzo yokuchamhembe yeGungwa reGarireya; shamwari dzake dzakawanda, hama dzake nevamwe vaaiita navo zvebhizimisi vaigara imomo. Hapana mubvunzo kuti Petro aitarisira kuti vanhu vomutaundi rake vaizoona Jesu semaonero aaimuita uye vaizowanawo mufaro wokudzidza nezveUmambo hwaMwari kubva kumudzidzisi mukuru kupfuura vose. Asi handizvo zvakaitika.

2 Vakawanda vakanga vasingachateereri. Vamwe vaigunun’una zvainzwika, vachiramba zvaitaurwa naJesu. Zvisinei, Petro ainyanya kunetseka nezvakaitwa nevamwe vadzidzi vaJesu pachake. Zviso zvavo zvakanga zvisisina mufaro wairatidza kuti vainge vari kujekerwa, vachidzidza zvinhu zvitsva, uye vachidzidza chokwadi. Pari zvino, vairatidza kunetseka, kunyange kugumbuka. Vamwe vaitoti zvaitaurwa naJesu zvaishamisa kwazvo. Vasingachadi kuramba vachiteerera zvaaitaura, vakabva pasinagogi uye vakaregawo kutevera Jesu.—Verenga Johani 6:60, 66.

3. Kutenda kwaPetro kwakamubatsira kuti aitei kakawanda?

3 Yaiva nguva yakaoma kuna Petro nevamwe vaapostora. Petro haana kunyatsonzwisisa zvakataurwa naJesu musi iwoyo. Hapana mubvunzo kuti akakwanisa kuona chikonzero nei mashoko aJesu aigona kuita seaigumbura kana aizotorwa sezvaari. Petro aizoita sei? Aka kakanga kasiri kokutanga kuti kuvimbika kwake kuna Tenzi wake kuedzwe; uyewo kaisazova kokupedzisira. Ngationei kuti kutenda kwaPetro kwakamubatsira sei kuramba akavimbika pasinei nemiedzo yakadaro.

Ainge Akavimbika Vamwe Pavakaratidza Kusavimbika

4, 5. Jesu akanga aita sei zvinhu nenzira dzaipesana neizvo vanhu vaitarisira kwaari?

4 Petro aiwanzoshamiswa nezvaiitwa uye zvaitaurwa naJesu. Dzimwe nguva, Tenzi wake aiita uye aitaura nenzira yaipesana neizvo vanhu vaitarisira kwaari. Zuro wacho, Jesu ainge aita chishamiso chokudyisa zviuru zvevanhu. Vanhu vacho vakabva vaedza kumuita mambo. Kunyange zvakadaro, akashamisa vakawanda nokubva pavaiva, achirayira vadzidzi vake kuti vakwire chikepe uye vaende kuKapenaume. Vadzidzi zvavainge vachienda vari mugungwa usiku hwacho, Jesu akavashamisazve nokufamba pamusoro peGungwa reGarireya raiva nedutu, zvichipa Petro chidzidzo chinokosha pamusoro pokutenda.

5 Ava mangwanani, vakabva vaona kuti mapoka evanhu vacho akanga akwira zvikepe ndokuvatevera. Zvisinei, zviri pachena kuti vanhu ava vakauya nokungoti vaida kuti Jesu aite chishamiso chokuvapa zvokudya, kwete nokuti vaida kudzidza kubva kwaari. Jesu akavatsiura nokuti vainyanya kuda zvinhu zvenyama. (Joh. 6:25-27) Kukurukurirana ikoko kwakaenderera mberi pasinagogi muKapenaume, uko Jesu akaitazve zvakanga zvisingatarisirwi paaiedza kudzidzisa chokwadi chinokosha asi chakaoma kunzwisisa.

6. Jesu akapa mufananidzo upi, uye vateereri vake vakaita sei?

6 Jesu aida kuti vanhu ivavo vasamuona somunhu anongopa zvokudya, asi anovabatsira pane zvokunamata, sezvo upenyu hwake nerufu zvaizoita kuti vamwe vawane upenyu husingaperi. Saka akapa mufananidzo achizvienzanisa nemana, chingwa chakabva kudenga mumazuva aMosesi. Vamwe pavasina kubvumirana nazvo, akashandisa mufananidzo wakajeka, achitsanangura kuti zvaikosha kuti vadye nyama yake uye vanwe ropa rake kuti vawane upenyu. Paakataura izvozvo, vanhu vakagumbuka kwazvo. Vamwe vakati: “Kutaura uku kunoshamisa kwazvo; ndiani angakuteerera?” Vakawanda vevadzidzi vaJesu vakasarudza kurega kumutevera. *Joh. 6:48-60, 66.

7, 8. (a) Petro akanga asati anzwisisa chii nezvebasa raJesu? (b) Petro akapindura sei mubvunzo waJesu kuvaapostora?

7 Petro aizoita sei? Anofanirawo kunge akavhiringidzwa nemashoko aJesu. Akanga asati anzwisisa kuti Jesu aifanira kufa kuti aite kuda kwaMwari. Petro akava pamuedzo wokurega kutevera Jesu sezvakaitwa nevadzidzi vaya vainge vasina kuvimbika vakasiya Jesu zuva iroro here? Kwete; chimwe chinhu chinokosha chakaita kuti Petro ave akasiyana nevarume ivavo. Chaiva chii?

8 Jesu akabva ati kuvaapostora vake: “Munoda kuendawo here?” (Joh. 6:67) Akabvunza vaapostora 12, asi Petro ndiye akapindura. Ndizvo zvaaiwanzoita. Petro angangodaro aiva mukuru pane vose. Chero zvazvingava, ndiye ainyanya kutaura kupfuura vose paboka racho; zvinoita sokuti kaiva kashoma kuti Petro azeze kutaura zvaaifunga. Panguva ino, akanga ari kufunga nezvemashoko aya akanaka uye asingakanganwiki okuti: “Ishe, tichaenda kuna ani? Ndimi mune mashoko oupenyu husingaperi.”—Joh. 6:68.

9. Petro akaratidza sei kuvimbika kuna Jesu?

9 Mashoko iwayo haakubayi mwoyo here? Kutenda kwaPetro muna Jesu kwakanga kwamubatsira kuva neunhu hunokosha kwazvo—kuvimbika. Petro akanyatsoona kuti Jesu ndiye chete Muponesi akanga agoverwa naJehovha uye kuti Jesu aiponesa nemashoko ake, kureva zvaaidzidzisa nezvoUmambo hwaMwari. Petro aiziva kuti kunyange zvazvo paiva nezvimwe zvinhu zvaainge asinganzwisisi, hapana kumwe kwaaigona kuenda kana aida kufarirwa naMwari uye kuwana chikomborero choupenyu husingaperi.

Tinofanira kuvimbika kudzidziso dzaJesu, kunyange padzinopesana nezvatinenge tichitarisira kana kuti zvatinofarira

10. Tingatevedzera sei kuvimbika kwaPetro mazuva ano?

10 Unonzwawo saizvozvo here? Zvinosuruvarisa kuti vanhu vakawanda munyika yanhasi vanoti vanoda Jesu asi havana kuvimbika kwaari. Kuti tive vakavimbika zvechokwadi kuna Kristu tinofanira kuona dzidziso dzaJesu sezvaiita Petro. Tinofanira kudzidza dzidziso dzacho, kunzwisisa zvadzinoreva, uye kurarama maererano nadzo kunyange patisingadzinzwisisi kana kuti padzisingaenderani nezvatinofarira. Tinogona kutarisira kuwana upenyu husingaperi uhwo Jesu anoda kuti tiwane kana chete tichiratidza kuti takavimbika.—Verenga Pisarema 97:10.

Akaramba Akavimbika Paakaruramiswa

11. Jesu akaenda kupi nevateveri vake?

11 Nguva pfupi pashure penguva iyoyo yavainge vaine zvakawanda zvokuita, Jesu akafamba rwendo rurefu nevaapostora vake nevamwe vadzidzi vakananga kuchamhembe. Nhongonya yeGomo reHemoni, iro raiva kunoperera Nyika Yakapikirwa nechokuchamhembe, dzimwe nguva yaioneka kunyange nemunhu aiva mumvura yeGungwa reGarireya. Jesu nevadzidzi vake vaienda kumisha yaiva pedyo neKesariya Firipi uye vakanga vachiswedera pedyo neGomo reHemoni. Vari munzvimbo iyi yaiyevedza, mavaigona kuona chikamu chakakura cheNyika Yakapikirwa nechokumaodzanyemba, Jesu akabvunza vateveri vake mubvunzo unokosha.

12, 13. (a) Nei Jesu aida kuziva kuti vanhu vaifunga kuti aiva ani? (b) Mumashoko aakataura kuna Jesu, Petro akaratidza sei kutenda kwechokwadi?

12 “Mapoka evanhu ari kuti ndini ani?” Jesu aida kuziva. Tinogona kungofungidzira Petro achitarisa mumaziso aJesu, achiona zvakare kuti Tenzi wake aiva nemutsa nepfungwa dzakapinza. Jesu aida kuziva kuti vanhu vaifunga kuti aiva ani kubva pane zvavakanga vaona nokunzwa. Vadzidzi vaJesu vakapindura mubvunzo wacho, vachidzokorora mamwe emashoko asiriwo aitaurwa nevakawanda nezvokuti Jesu aiva ani. Asi Jesu aida kuziva zvakawanda. Vateveri vake vepedyo vaiitawo zvikanganiso zvakadaro here? Akabvunza kuti, “Ko imi munoti ndini ani?”—Ruka 9:18-20.

13 Zvakare, Petro akakurumidza kupindura. Akataura nemashoko akajeka zvaiva mumwoyo yevakawanda vaivapo. Akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” Tinogona kufungidzira Jesu achinyemwerera Petro achiratidza kubvumirana naye sezvaaimurumbidza noushamwari. Jesu akayeuchidza Petro kuti Jehovha Mwari, kwete munhu chero upi zvake, ndiye ainge aita kuti chokwadi ichi chinokosha chinzwisiswe nevaya vaiva nokutenda kwechokwadi. Petro akanga aitwa kuti akwanise kunzwisisa chimwe chechokwadi chinokosha chakanga chaziviswa naJehovha—kuzivikanwa kwaMesiya, kana kuti Kristu akanga afanotaurwa kare!—Verenga Mateu 16:16, 17.

14. Jesu akapa Petro ropafadzo dzipi dzinokosha?

14 Kristu uyu ndiye ainzi muuprofita hwekare dombo raizorambwa nevavaki. (Pis. 118:22; Ruka 20:17) Achifunga nezvouprofita ihwohwo, Jesu akaratidza kuti Jehovha aizotanga ungano padombo guru rakanga richangobva kuziviswa naPetro. Akabva apa Petro ropafadzo dzinokosha chaizvo muungano iyoyo. Haana kumupa chinzvimbo chinokosha kupfuura vamwe vaapostora sezvinofungwa nevamwe, asi akamupa zvimwe zvokuita. Akapa Petro “kiyi dzoumambo.” (Mat. 16:19) Petro aizova neropafadzo yokuita kuti vanhu vemapoka matatu akasiyana-siyana vave netariro yokupinda muUmambo hwaMwari—kutanga vaJudha, kwozotevera vaSamariya, uye pakupedzisira Vemamwe Marudzi, kana kuti vasiri vaJudha.

15. Chii chakaita kuti Petro atsiure Jesu, uye nemashoko api?

15 Zvisinei, pave paya Jesu akati vaya vanopiwa zvakawanda vaizova nezvakawanda zvavanozvidavirira pamusoro pazvo, uye zvakaitika kuna Petro zvinoratidza kuti mashoko iwayo ndeechokwadi. (Ruka 12:48) Jesu akaenderera mberi achibudisa pachena chokwadi chinokosha nezvaMesiya, kusanganisira kutambura uye kufa kwaaizoita muJerusarema. Petro akavhiringidzika nokunzwa zvinhu zvakadaro. Akaenda naJesu padivi ndokumutsiura achiti: “Zviitirei mutsa, Ishe; hamungambovi nomugumo uyu.”—Mat. 16:21, 22.

16. Jesu akaruramisa sei Petro, uye izano ripi rinoshanda ratingawana mumashoko aJesu?

16 Petro akafunga kuti akanga achibatsira Jesu, saka mhinduro yaJesu inofanira kunge yakamushamisa. Akatendeuka, akatarira vamwe vadzidzi vose—avo vangangodaro vaifunga zvakada kufanana ndokuti: “Enda shure kwangu, Satani! Uri chinhu chinogumbura kwandiri, nokuti haufungi zvinofungwa naMwari, asi zviya zvinofungwa nevanhu.” (Mat. 16:23; Mako 8:32, 33) Mashoko aJesu ane zano rinoshanda kwatiri tose. Zviri nyore zvikuru kuti tikoshese mafungiro evanhu kupfuura mafungiro aMwari. Kana tikadaro, kunyange patinenge tichishuva kubatsira mumwe munhu, tingangove tichimukurudzira tisingazivi kuti aite zvinhu zvinofadza Satani panzvimbo pekufadza Mwari. Zvisinei, Petro akapindura sei?

17. Jesu airevei paakaudza Petro kuti ‘aende shure’ kwake?

17 Petro anofanira kunge akaziva kuti Jesu akanga asiri kumuti aiva Satani Dhiyabhorosi. Uyewo, Jesu haana kutaura kuna Petro sezvaakanga aita kuna Satani. Kuna Satani, Jesu akanga ati: “Ibva”; kuna Petro, akati: “Enda shure kwangu.” (Mat. 4:10) Jesu haana kurasa muapostora uyu waakanga aona kuti aiva nezvakawanda zvakanaka paari, asi akangoruramisa mafungiro asiri iwo aiva naPetro panyaya iyi. Hazvina kuoma kuona kuti Petro aifanira kurega kuenda mberi kwaTenzi wake sechinhu chinogumbura asi kuti aifanira kuenda shure kwake semutsigiri wake.

Kana chete tikagamuchira chirango nokuzvininipisa todzidza kubva pachiri tinoramba tichiswedera pedyo naJesu Kristu naBaba vake, Jehovha Mwari

18. Petro akaratidza sei kuvimbika, uye tingamutevedzera sei?

18 Petro akaita nharo, akatsamwa, kana kuti akangoti kwindi here? Kwete; akabvuma kururamiswa nokuzvininipisa. Saka akaratidzazve kuvimbika. Vose vanotevera Kristu vanoda kururamiswa pane dzimwe nguva. Kana chete tikagamuchira chirango nokuzvininipisa todzidza kubva pachiri tinoramba tichiswedera pedyo naJesu Kristu naBaba vake, Jehovha Mwari.—Verenga Zvirevo 4:13.

Petro akaratidza kuvimbika kunyange paaifanira kururamiswa

Anopiwa Mubayiro Wokuvimbika

19. Jesu akataura mashoko api anoshamisa, uye Petro angangodaro akanetseka kutii?

19 Pasina nguva, Jesu akataurazve mamwe mashoko anoshamisa: “Chokwadi ndinoti kwamuri pane vamwe vamire pano vasingazomboraviri rufu kusvikira vatanga vaona Mwanakomana womunhu achiuya muumambo hwake.” (Mat. 16:28) Hapana mubvunzo kuti mashoko iwayo akaita kuti Petro ade kwazvo kuziva. Jesu angave airevei? Zvichida Petro akanetseka kana kururamiswa zvakasimba kwaainge achangobva kuitwa kwaireva kuti aisazova neropafadzo dzinokosha dzakadaro.

20, 21. (a) Rondedzera zvakaonekwa naPetro pane zvakaratidzwa. (b) Kukurukurirana kwaiita vanhu vaiva mune zvakaratidzwa kwakabatsira sei pakururamisa Petro?

20 Zvisinei, papera rinenge vhiki, Jesu akaenda naJakobho, Johani, naPetro akakwira navo “mugomo refu refu”—zvichida muGomo reHemoni, raiva kure nemakiromita 25. Hungangodaro hwaiva usiku sezvo varume ava vatatu vairwisana nehope. Asi Jesu paainyengetera, pane chimwe chinhu chakaitika chakaita kuti vasatsimwaire.—Mat. 17:1; Ruka 9:28, 29, 32.

21 Jesu akatanga kuchinja vachiona. Chiso chake chakatanga kubwinya uye kupenya kusvikira chava kupenya sezuva. Zvipfeko zvake zvakava zvichena zvichin’aima. Varume vaviri vakabva vaoneka vakamira naJesu, mumwe achimiririra Mosesi uye mumwe wacho achimiririra Eriya. Vakataura naye “nezvokuenda kwake kwaaifanira kuzadzika ari muJerusarema” zviri pachena kuti vaireva rufu rwake nokumutswa kwake. Petro akaona kuti ainge akarasika paakafunga kuti Jesu aisazotambura ofa!—Ruka 9:30, 31.

22, 23. (a) Petro akaratidza sei kuti aiva munhu ane mutsa uye aiita zvinhu nechido? (b) Petro, Jakobho naJohani vakawana mumwezve mubayiro upi usiku ihwohwo?

22 Petro akanzwa achida kubatanidzwawo pane zvakaratidzwa izvi zvinoshamisa—uye zvimwe kutoda kuti zvienderere mberi. Zvakaita sokuti Mosesi naEriya vakanga vava kubva pana Jesu. Saka Petro akabva ati: “Murayiridzi, zvakanaka kuti tive pano, naizvozvo ngativakei matende matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi uye rimwe raEriya.” Chokwadi, vaviri ava vaiva mune zvakaratidzwa, avo vaimiririra vashumiri vaviri vaJehovha vakanga vakafa kare kare, vaisada havo matende. Kutaura zvazviri, Petro aisaziva zvaakanga achitaura. Zvisinei, haunzwi here uchida kushamwaridzana nemunhu akadaro aiva nemutsa uye aiita zvinhu nechido?—Ruka 9:33.

Pamwe chete naJakobho naJohani, Petro akakomborerwa nokuratidzwa zvinhu zvinonakidza

23 Petro, Jakobho naJohani vakawana mumwezve mubayiro usiku ihwohwo. Pakava negore rikavafukidza vari pagomo racho. Mugore iroro makabuda inzwi—inzwi raJehovha Mwari! Akati: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, akasarudzwa. Muteererei.” Zvavairatidzwa zvakabva zvapera, uye vakanga vasara voga naJesu mugomo racho.—Ruka 9:34-36.

24. (a) Zvakaratidzwa zvekuchinja chitarisiko zvakabatsira sei Petro? (b) Isu nhasi tingabatsirwa sei nezvakaratidzwa zvekuchinja chitarisiko?

24 Chokwadi zvavakaratidzwa zvekuchinja chitarisiko izvozvo zvaiva chipo chikuru kuna Petro uyewo kwatiri! Papera makumi emakore akanyora nezveropafadzo yaakanga awana usiku ihwohwo yekunyatsoona kufanoratidzwa kwaJesu saMambo wokudenga anobwinya uye yekuva mumwe we“zvapupu zvakaona ukuru hwake.” Zvaakaona izvozvo zvakapupurira uprofita hwakawanda huri muShoko raMwari uye zvakasimbisa kutenda kwaPetro kuti azotsungirira miedzo yaiva mberi. (Verenga 2 Petro 1:16-19.) Kufanana naPetro, zvaakaona zvinogonawo kusimbisa kutenda kwedu, kana tikaramba takavimbika kuna Tenzi akagadzwa patiri naJehovha, tichidzidza kwaari, tichibvuma kurangwa uye kururamiswa naye, uye tichimutevera nokuzvininipisa zuva nezuva.

^ ndima 6 Tinogona kuona kuti vanhu vacho vainge vari pasinagogi vaingochinja-chinja kana tikaenzanisa zvavakaita pane zvakataurwa naJesu pano nezvavakanga vataura zuro wacho pavakamurumbidza nemwoyo wose vachiti aiva muprofita waMwari.—Joh. 6:14.