Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mhedziso

Mhedziso

“[Ivai] vatevedzeri vevaya vanogara nhaka yezvipikirwa pachishandiswa kutenda nokushivirira.”​—VAHEBHERU 6:12.

1, 2. Nei zvakakosha kuti tivake kutenda iye zvino? Ipa muenzaniso.

KUTENDA. Iri ishoko rakazonaka, uye chinhu chinodiwa nevakawanda. Asi patinoona shoko iroro, pane chimwe chinhu chatinofanira kufunga nezvacho. Tinofanira kufunga nezvekuti nguva yapera. Kana tisina kutenda, tinofanira kutoita zvekukurumidza kuti tive nako. Uye kana tichitova nokutenda tinofanira kuedza kukuchengetedza sezvo nguva yapera. Nei?

2 Fungidzira uchifamba mugwenga rakakura. Unoda mvura zvikuru. Paunoiwana unofanira kuichengetedza kuti isarohwa nezuva. Zvadaro unofanira kuiwedzera mumudziyo wako kuitira kuti ikusvitse kwauri kuenda. Nhasi tose tiri kurarama munyika yakaita segwenga panyaya dzekunamata nokuti kutenda kwechokwadi, kungofanana nemvura yemugwenga, kunonetsa kuwana uye kunogona kupera kana kukasachengetedzwa uye kukasawedzerwa. Sezvo tisingakwanisi kurarama tisina mvura, ukama hwedu naJehovha haugoniwo kuramba huripo kana tisina kutenda.​—VaR. 1:17.

3. Chii chatakapiwa naJehovha chichatibatsira kuvaka kutenda, uye zvinhu zvipi zviviri zvatinofanira kuyeuka kuti tiite?

3 Jehovha anoziva makoshero azvinoita kuti tive nokutenda, uye anoziva kuti mazuva ano zvakaoma zvikuru kuti tivake kutenda uye kuti tirambe tiinako. Ndicho chikonzero nei akatipa mienzaniso yekuti titevedzere. Jehovha akafemera muapostora Pauro kunyora kuti: “[Ivai] vatevedzeri vevaya vanogara nhaka yezvipikirwa pachishandiswa kutenda nokushivirira.” (VaH. 6:12) Uye ndokusaka sangano raJehovha ratikurudzira kuti tiedze kutevedzera mienzaniso yevarume nevakadzi vakatendeka, vakaita sevatadzidza mubhuku rino. Asi iye zvino tinofanira kuita sei? Ngatiyeukei zvinhu zviviri: (1) Tinofanira kuramba tichisimbisa kutenda kwedu; (2) tinofanira kuita kuti tariro yedu irambe yakajeka mupfungwa dzedu.

4. Satani akaratidza sei kuti anovenga kutenda, asi nei tisingafaniri kuora mwoyo?

4 Ramba uchisimbisa kutenda kwako. Pane muvengi mukuru wokutenda​—Satani. Mutongi wenyika akaita kuti nyika ino ive nzvimbo yakaoma kuti tirambe tiine kutenda. Simba rake rinopfuura redu nekure. Izvi zvinofanira kutiodza mwoyo torega kuvaka uye kusimbisa kutenda kwedu here? Kwete! Jehovha ndiye Shamwari hombe yevose vanotsvaka kutenda kwechokwadi. Anotivimbisa kuti kana tiinaye tinogona kudzivisa Dhiyabhorosi uye kutoita kuti atitize. (Jak. 4:7) Tinomudzivisa nokuwana nguva zuva nezuva yekuvaka kutenda kwedu uye kukusimbisa. Tingazviita sei?

5. Varume nevakadzi vakatendeka vemuBhaibheri vakava sei nokutenda? Tsanangura.

5 Sezvataona, varume nevakadzi vemuBhaibheri vaiva nokutenda havana kuberekwa vakatendeka. Kurarama kwavakaita kwakaratidza kuti kutenda chibereko chemudzimu mutsvene waJehovha. (VaG. 5:​22, 23) Vakanyengetera kuti vabatsirwe uye Jehovha akaramba achisimbisa kutenda kwavo. Ngatiiteiwo sezvavakaita, tisingakanganwi kuti Jehovha anopa mudzimu wake kune vaya vanoukumbira uye vanoita zvinoenderana nezvavanonyengeterera. (Ruka 11:13) Pane zvimwe zvatingaita here?

6. Zvii zvatingaita kuti tinyatsobatsirwa nekudzidza nyaya dzemuBhaibheri?

6 Mubhuku rino, tangokurukura mienzaniso mishoma yevanhu vaiva nokutenda kwakakura. Asi kune mimwe yakatowanda! (Verenga VaHebheru 11:32.) Tine zvakawanda zvatinogona kudzidza pamuenzaniso mumwe nemumwe kana tikadzidza nezvawo nemwoyo wose uye tichinyengetera. Kana tikangoverenga tichimhanya nyaya dziri muBhaibheri dzevanhu vane kutenda, hatikwanisi kuzosimbisa kutenda kwedu. Kuti tinyatsobatsirwa nezvatinoverenga, tinofanira kuwana nguva yekunyatsoongorora kuri kubva nyaya dzemuBhaibheri nekwadzinenge dzichienda uye mamiriro akanga akaita zvinhu. Kana tikagara tichiyeuka kuti vanhu ivavo vaivawo nechivi uye “manzwiro akafanana needu,” tichanyatsobatsirwa nemienzaniso yavo. (Jak. 5:17) Tinogona kufungidzira manzwiro avangangodaro vaiita pavaisangana nezvinetso zvakafanana nezvedu.

7-9. (a) Vamwe varume nevakadzi vaiva nokutenda vemunguva inotaurwa muBhaibheri vaizonzwa sei nezvekunamata Jehovha nenzira yatinoita nayo mazuva ano? (b) Nei tichifanira kusimbisa kutenda kwedu nezvatinoita?

Tinosimbisawo kutenda kwedu nezvatinoita. Sezvatinoziva, “kutenda kusina mabasa kwakafa.” (Jak. 2:26) Chimbofungidzira kuti varume nevakadzi vatadzidza nezvavo vaizofara sei kudai vakanzi vaite basa ratakanzi naJehovha tiite mazuva ano!

8 Somuenzaniso, ko dai Abrahamu akanga audzwa kuti aigona kunamata Jehovha, kwete ari paatari dzematombo dzaiva musango, asi ari pamwe chete nemapoka akarongwa evamwe vanamati muDzimba dzoUmambo dzakanaka nepamagungano makuru, pachikurukurwa uye pachitsanangurwa muudzame zvipikirwa zvaaingogona kuona ‘zvichiri kure’? (Verenga VaHebheru 11:13.) Uye ko dai Eriya akanga audzwa kuti basa rake raisanganisira kushanyira vanhu murugare achivapa mashoko anonyaradza uye etariro, kwete kuuraya vaprofita vakaipa vaBhaari uku achiedza kushumira Jehovha pasi poutongi hwamambo akaipa akanga apandukira Jehovha? Zvechokwadi vanhu ivavo vemuBhaibheri vaisazofara zvikuru here kudai vaizowana mukana wokushumira Jehovha sezvatiri kuita mazuva ano?

Saka ngatirambei tichisimbisa kutenda kwedu nemabasa. Sezvatinodaro, tinenge tichitevedzera muenzaniso wakanaka wevarume nevakadzi vaiva nokutenda vari muShoko raMwari rakafemerwa. Sezvakataurwa muSumo yebhuku rino, tichasvika pakuvaona seshamwari dzedu chaidzo. Zvisinei, munguva pfupi iri kutevera ushamwari uhwu hungatova hwekunyatsoonana chiso nechiso.

10. Tichafadzwa nechii muParadhiso?

10 Tariro yako ngairambe yakajeka mupfungwa. Varume nevakadzi vakatendeka vagara vachisimbiswa netariro yavo inobva kuna Mwari. Iwe ndizvo zvaunoitawo here? Somuenzaniso, imbofungidzira kufadza kwazvingaita kusangana nevashumiri vaMwari vakatendeka pavachamutswa pa“kumuka kwevakarurama.” (Verenga Mabasa 24:15.) Ungada kuzovabvunza kutii?

11, 12. Munyika itsva, mibvunzo ipi yaungada kubvunza (a) Abheri? (b) Noa? (c) Abrahamu? (d) Rute? (e) Abhigairi? (f) Esteri?

11 Pauchasangana naAbheri, uchada here kuzomubvunza kuti vabereki vake vakanga vakaita sei? Kana kuti ungamubvunza kuti: “Wakambobvira wataura nemakerubhi aichengetedza nzira yaienda kuEdheni here? Akakupindura here?” Ko ukasangana naNoa? Ungamubvunza kuti: “Wakanga usingatyiswi nevaNefirimu here? Wakachengeta sei mhuka dziya dzose muareka kwegore rose?” Kana ukasangana naAbrahamu unogona kumubvunza kuti: “Wakambobvira wataura naShemu here? Wakadzidziswa naani nezvaJehovha? Zvainge zvakaoma here kubuda muUri?”

12 Fungawo mimwe mibvunzo yaungada kubvunza vakadzi vakatendeka vanenge vamutswa. “Nhai Rute, chii chakaita kuti ude kuva munamati waJehovha?” “Ko iwe Abhigairi, wakanga usingatyi here kuudza Nabhari nezvekubatsira kwawakanga waita Dhavhidhi?” “Esteri, chii chakazoitika kwauri naModhekai kubva panoperera nyaya iri muBhaibheri?”

13. (a) Vanhu vachamutswa vangakubvunza kutii? (b) Unonzwa sei nezvetarisiro yokuzoonana nevarume nevakadzi vekare vakanga vakatendeka?

13 Zviri pachena kuti varume nevakadzi ivavo vakatendeka vangava neshungu dzekukubvunzawo mibvunzo. Hakusi kufadza kwazvichaita kuvatsanangurira nezvemazuva okupedzisira uye kukomborera kwaiita Jehovha vanhu vake munguva dzakaoma! Hapana mubvunzo kuti vachanakidzwawo pavachaziva kuti Jehovha akazozadzisa zvose zvaakanga avimbisa. Panguva iyoyo zvinenge zvisisatiomere kunzwisisa nezvevashumiri vaJehovha vakavimbika vari muBhaibheri. Vachange varimo nesu, muParadhiso! Saka ramba uchiita zvose zvaunogona kuti unyatsonzwisisa vanhu ivavo. Ramba uchitevedzera kutenda kwavo. Ramba uchishumira Jehovha navo seshamwari dzako dzepamwoyo nekusingaperi!