Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!

Mashoko api akanaka anobva kuna Mwari? Chii chinoita kuti tibvume kuti ndeechokwadi? Bhuku rino rinopindura mibvunzo inowanzobvunzwa nevanhu pamusoro peBhaibheri.

Kubatsirwa Kwaungaitwa Nebhuku Rino

Bhuku rino richakubatsira kuti udzidze Shoko raMwari Bhaibheri. Ona kuti ungawana sei vhesi muBhaibheri rako.

CHIDZIDZO 1

Mashoko Api Akanaka?

Dzidza kuti ndeapi mashoko anobva kuna Mwari, nei tichifanira kuanzwa, uye zvaungaita.

CHIDZIDZO 2

Mwari Ndiani?

Mwari ane zita here uye anotida here?

CHIDZIDZO 3

Ichokwadi Here Kuti Mashoko Akanaka Akabva Kuna Mwari?

Tinoziva sei kuti Bhaibheri nderechokwadi?

CHIDZIDZO 4

Jesu Kristu Ndiani?

Dzidza kuti Jesu akafirei, chii chinonzi rudzikinuro, uye kuti Jesu ari kuitei iye zvino.

CHIDZIDZO 5

Mwari Akasikirei Nyika?

Bhaibheri rinotsanangura kuti Mwari akasikirei nyika, kuti kutambura kuchapera riini, nyika ichaitwa sei uye kuti vanhu vachaitirwei.

CHIDZIDZO 6

Tichazomboona Vakafa Here?

Chii chinoitika kwatiri patinofa? Tichazomboona hama dzedu dzakafa here?

CHIDZIDZO 7

Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?

Ndiani Mambo weUmambo hwaMwari, uye chii chichaitwa neUmambo hwaMwari?

CHIDZIDZO 8

Nei Mwari Achirega Panyika Paine Uipi Nekutambura?

Uipi hwakatanga sei uye nei Mwari achirega uipi huripo? Kutambura kuchazombopera here?

CHIDZIDZO 9

Mungaitei Kuti Mhuri Yenyu Ifare?

Jehovha ndiMwari anofara uye anodawo kuti mhuri dzifare. Ona mazano ari muBhaibheri anobatsira varume, nemadzimai, vabereki nevana.

CHIDZIDZO 10

Ungaziva Sei Kunamata Kwechokwadi?

Pane chitendero chechokwadi chimwe chete here? Inzwa zvinhu zvishanu zvinoratidza chitendero chechokwadi.

CHIDZIDZO 11

Mitemo yaMwari Inotibatsira Sei?

Jesu akataura mitemo mikuru miviri uye kuti sei tichifanira kutungamirirwa.

CHIDZIDZO 12

Ungaitei Kuti Uve Pedyo naMwari?

Ona kuti Mwari anonzwa minyengetero yese here, kuti tinganyengetera sei, uye zvatingaita kuti tive pedyo naMwari.

CHIDZIDZO 13

Mashoko Api Anofadza Pamusoro Pechitendero?

Zvichaitika here kuti vanhu vese vabatane pakunamata Mwari wechokwadi chete?

CHIDZIDZO 14

Nei Mwari Aine Sangano?

Bhaibheri rinoratidza kuti nei vaKristu vechokwadi vachiita zvinhu zvakarongeka, uye kuti vanoita sei basa ravo.

CHIDZIDZO 15

Nei Uchifanira Kuramba Uchidzidza Bhaibheri?

Ruzivo rwako pamusoro paMwari uye Shoko rake ruchabatsira sei vamwe? Mwari achakuona sei?