Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 2

Mwari Ndiani?

Mwari Ndiani?

1. Nei tichifanira kunamata Mwari?

Mwari wechokwadi ndiye Musiki wezvinhu zvese. Haana paakatangira uye haazombofi akava nepaanogumira. (Pisarema 90:2) Mashoko akanaka ari muBhaibheri akabva kwaari. (1 Timoti 1:11) Ndiye chete watinofanira kunamata nekuti akatipa upenyu.​—Verenga Zvakazarurwa 4:11.

2. Mwari akaita sei?

Hapana munhu akamboona Mwari nekuti Mwari Mweya. Izvi zvinoreva kuti haana muviri wenyama neropa sezvisikwa zvake zviri panyika. (Johani 1:18; 4:24) Kunyange zvazvo tisingagoni kuona Mwari tinogona kumuziva kuburikidza nekuona zvinhu zvaakasika. Patinotarisa michero nemaruva tinoona rudo rwake neuchenjeri. Kukura kwakaita denga nenyika kunoratidza simba rake.​—Verenga VaRoma 1:20.

Tinodzidza zvakatowanda nezvaMwari patinoverenga Bhaibheri. Bhaibheri rinotiudza zvaanoda nezvaasingadi, mabatiro aanoita vanhu, uye zvaanoita mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana.​—Verenga Pisarema 103:7-10.

3. Mwari ane zita here?

Jesu akati: “Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngaritsveneswe.” (Mateu 6:9) Mwari ane mazita ekuremekedza akawanda, asi ane zita rake chairo rimwe chete. Zita racho rinoshevedzwa zvakasiyana-siyana zvichienderana nemutauro. MuchiShona rinowanzoshevedzwa kuti Jehovha asi vamwe vanoti “Yave” kana kuti “Yahwe.”​—Verenga Pisarema 83:18.

Zita raMwari rakabviswa mumaBhaibheri akawanda rikatsiviwa nemashoko ekuti Ishe kana kuti Mwari. Asi pakanyorwa Bhaibheri, zita raMwari raivamo kanenge ka7 000. Jesu akaita kuti vanhu vazive zita raMwari paaivadzidzisa.​—Verenga Johani 17:26.

Ona vhidhiyo inonzi Mwari Ane Zita Here?

4. Jehovha anotida here?

Sababa ava vane rudo, zviri kuitwa naMwari zvichatibatsira kwenguva refu

Panyika pakazara nhamo nematambudziko. Izvi zvinoreva here kuti Mwari haatidi? Vamwe vanoti Mwari anoita kuti titambure kuti atiedze, asi ichocho hachisi chokwadi.​—Verenga Jakobho 1:13.

Mwari akapa vanhu rusununguko rwekusarudza zvavanoda. Tinotenda Mwari nechipo ichi chaakatipa chekuti tisarudze tega kumunamata. (Joshua 24:15) Asi vanhu vakawanda vanosarudza kuitira vamwe zvinhu zvakaipa, saka panyika pakazara matambudziko. Izvi zvinoita kuti Jehovha arwadziwe.​—Verenga Genesisi 6:5, 6.

Jehovha anotida. Anoda kuti tinakidzwe neupenyu. Munguva pfupi iri kuuya, achabvisa kutambura nevanhu vanokukonzera. Pari zvino Mwari ane chikonzero chakanaka chekumbosiya vanhu vachitambura, asi hazvisi kuzoramba zvakadaro. Tichadzidza chikonzero chacho muChidzidzo 8 chebhuku rino.​—Verenga 2 Petro 2:9; 3:7, 13.

5. Tingaitei kuti tive pedyo naMwari?

Jehovha anotiudza kuti tiswedere pedyo naye kuburikidza nekutaura naye tichinyengetera. Anoda munhu mumwe nemumwe. (Pisarema 65:2; 145:18) Anoda kuregerera vanhu. Kunyange zvazvo tichimbotadza, anoona zvatinoita kuti timufadze. Saka tinogona kuva pedyo naMwari, pasinei nekuti tinotadza.​—Verenga Pisarema 103:12-14; Jakobho 4:8.

Jehovha ndiye akatipa upenyu, saka ndiye watinofanira kuda kupfuura vamwe vese. (Mako 12:30) Kuti uve pedyo naMwari, unofanira kuramba uchidzidza nezvaMwari uye uchiita zvaanoda. Paunoita izvozvo unenge uchitoratidza kuti unomuda.​—Verenga 1 Timoti 2:4; 1 Johani 5:3.