Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUGADZIRISWA KUCHAITWA DAMBUDZIKO RACHO

Umambo hwaMwari Huchaita Kuti Pave ‘Nerugare Rukuru’

Umambo hwaMwari Huchaita Kuti Pave ‘Nerugare Rukuru’

Kwasara nguva pfupi kuti Umambo hwaMwari, hurumende yake ichatonga nyika yese, iite kuti panyika pave nerugare nekubatana. Sezvakavimbiswa pana Pisarema 72:7, ‘pachava nerugare rukuru.’ Asi Umambo uhwu huchatanga kutonga panyika riini? Huchatonga sei? Uye zvii zvaunofanira kuita kuti uzotongwa neUmambo uhwu?

UMAMBO HWAMWARI HUCHATANGA KUTONGA PANYIKA RIINI?

Bhaibheri rakataura kuti pane zvaizoratidza kuti Umambo hwaMwari hwava pedyo. Zvinhu izvozvo zvikabatanidzwa ndizvo zvinoumba “chiratidzo” uye zvinosanganisira hondo, nzara, zvirwere, kudengenyeka kwenyika uye kuwedzera kwekusateerera mutemo.​—Mateu 24:3, 7, 12; Ruka 21:11; Zvakazarurwa 6:2-8.

Humwe uprofita hunoti: “Mumazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, . . . vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, . . . vanozvitutumadza nokuda kwokudada, vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari.” (2 Timoti 3:1-4) Vanhu vane unhu uhwu vagara variko kubvira kare. Asi mazuva ano zvazonyanya.

Uprofita uhwu hwakatanga kuzadziswa muna 1914. Vanoongorora nyaya dzakaitika kare, vezvematongerwo enyika uye vamwewo vanyori vakataura kuti zvinhu zvakachinja kubva mugore iroro. Mumwe anoongorora zvakaitika kare wekuDenmark anonzi Peter Munch akanyora kuti: “Hondo yakaitika muna 1914 yakachinja zvinhu zvakawanda muupenyu hwevanhu. Zvinhu zvaiita sezvaivandudzika asi kubva mugore iri, zvinhu zvakatanga kutotyisa, kuvengana kwakawedzera, uye nyika yese yakawedzera kusagadzikana.

Asi pane chinoita kuti tive netariro. Zvinhu izvi zvakaipa zvinoratidza kuti Umambo hwava pedyo kuti hutonge pasi rese. Aya mashoko anozorodza. Jesu akataura kuti mumazuva ano ekupedzisira, “aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.”​—Mateu 24:14.

Mashoko akanaka iwayo ndiwo dingindira remashoko anoparidzwa neZvapupu zvaJehovha. Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha ndiyo magazini yavanonyanya kubudisa. Iye zvino, yava kuwanika mumitauro inopfuura 338, uye inogara ichataura zvinhu zvakanaka zvichaitirwa vanhu neUmambo hwaMwari.

UMAMBO HWAMWARI HUCHATONGA SEI?

Pane zvinhu 4 zvinokosha zvaunofanira kuziva:

  1. Umambo hwaMwari hahusi kuzotonga huchishandisa vatungamiriri venyika ino.

  2. Vatungamiriri venyika ino vacharamba kutongwa neUmambo hwaMwari nekuti vanenge vachida kuramba vari pazvigaro.​—Pisarema 2:2-9.

  3. Umambo hwaMwari huchaparadza hurumende dzinoda kuramba dzichitonga vanhu. (Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 19:17-21) Hurumende idzi dzichaparadzwa naMwari pahondo yekupedzisira inonzi Amagedhoni.​—Zvakazarurwa 16:14, 16.

  4. Vese vachabvuma kutonga neUmambo hwaMwari vachapona paAmagedhoni uye vachararama munyika itsva ine rugare. Ndivo vanonzi neBhaibheri “boka guru,” iro richange riine mamiriyoni evanhu.​—Zvakazarurwa 7:9, 10, 13, 14.

ZVII ZVAUNOFANIRA KUITA KUTI UZOTONGWA NEUMAMBO UHWU?

Chekutanga chinodiwa kuti munhu ave pasi peUmambo hwaMwari izivo. Jesu akataura nezvazvo paainyengetera kuna Mwari achiti: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.”​—Johani 17:3.

Kuziva Jehovha kune zvakawanda zvakunobatsira. Chekutanga, vanhu pavanoziva Mwari vanova nekutenda kwakasimba maari. Kutenda ikoko kunoita kuti vave nechokwadi chekuti Umambo hwaMwari huriko zvechokwadi uye kuti hwava pedyo kuti hutonge. (VaHebheru 11:1) Chechipiri, vanowedzera kuda Mwari uye vanhu. Kuda Mwari kunovaita kuti vamuteerere zvichibva pamwoyo. Kuda vanhu kunoita kuti vade kushandisa zvakadzidziswa naJesu paakati “zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.”​—Ruka 6:31.

Sezvinoita baba vane rudo, Musiki wedu anoda kuti zvitifambire zvakanaka. Anoda kuti tive nehunonzi neBhaibheri “upenyu chaihwo.” (1 Timoti 6:19) Upenyu hwatiinahwo iye zvino hausi “upenyu chaihwo.” Mamiriyoni evanhu anotoita zvekutamburira kuti ararame. Kuti uzive zvichange zvakaita “upenyu chaihwo,” ona zvimwe zvinhu zvakanaka zvichaitirwa vaya vachatongwa neUmambo hwaMwari.

Umambo hwaMwari pahuchange huchitonga, vanhu vachange vasisina chekutya uye vachava nezvekudya zvakawanda