Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MUKAI! Nhamba 2 2018 | Zvinhu 12 Zviri Kubatsira Mhuri Kuti Dzifare

Zvinhu 12 Zviri Kubatsira Mhuri Kuti Dzifare

Tinogara tichinzwa nezvemhuri dzakawanda dziri kuparara. Asi chii chiri kubatsira dzimwe mhuri kuti dzifare?

  • Kubva muna 1990 kusvika muna 2015, nhamba yevanhu vakarambana kuUnited States yakawedzera. Nhamba yevane makore 50 zvichikwira yakapetwa kaviri uye yevane makore 65 zvichikwira yakapetwa katatu.

  • Vabereki havachazivi kuti voita sei: Dzimwe nyanzvi pakurera vana dzinoti vana ngavagare vachingorumbidzwa asi vamwe vanoti ngavarangwe kuti vakure vari vana kwavo.

  • Vechidiki vari kukura vasina ruzivo ruchazovabatsira muupenyu.

Asi chokwadi ndechekuti . . .

  • Wanano inogona kuita kuti mufare uye muchembedzane.

  • Vabereki vanogona kuranga vana vavo zvine rudo.

  • Vechidiki vanogona kuwana ruzivo ruchazovabatsira kana vakura.

Magazini ino ine zvinhu 12 zviri kubatsira mhuri kuti dzifare.

 

1: Kuzvipira

Zvinhu zvitatu zvinogona kubatsira vakaroorana kuti varambe vari vese.

2: Kushanda Pamwe Chete

Muri kugara muimba imwe chete asi muchiita mazvake mazvake here?

3: Kuremekedzana

Inzwa zvaunofanira kutaura kana kuti kuita kuitira kuti mumwe wako anzwe kuti ari kuremekedzwa.

4: Kuregererana

Zvii zvingakubatsira kuti uregerere mumwe wako?

5: Kukurukura

Zvinhu zvitatu zvinogona kukubatsirai kuti muve pedyo nevana venyu.

6: Kuranga

Kuranga mwana kunoita kuti akure achizvitarisira pasi here?

7: Tsika Neunhu

Unofanira kudzidzisa vana vako tsika dzakaita sei?

8: Zvamunoita

Kana muchida kuti vana venyu vaite zvamunotaura, munofanira kuita zvinoenderana nezvamunotaura.

9: Zvauri

Vechidiki vangaitei kuti vaite zvinoenderana nezvavanotenda?

10: Kuvimbika

Zvakakosha kuti uve munhu anovimbwa nevabereki vako paunenge uchikura.

11: Kushanda Nesimba

Kudzidzira kushanda nesimba uchiri mudiki kunogona kukubatsira kuti zvinhu zvikufambire muupenyu.

12: Zvinangwa

Kuzadzisa zvinangwa kunoita kuti uve nechivimbo, usimbise ushamwari hwako nevamwe uye uwedzere kufara.

Mamwe Mazano Ekubatsira Mhuri

Bhaibheri rinogona kukubatsira kuti uve nemhuri inofara.