Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kushanda nesimba kwakafanana nekuekisesaiza pakuti kunokubatsira iye zvino uye kana wakura

VECHIDIKI

11: Kushanda Nesimba

11: Kushanda Nesimba

ZVINOREVEI?

Vanhu vanoshanda nesimba havazezi basa. Vanotonakidzwa nekushanda nesimba kuti vakwanise kuzviriritira uye kubatsirawo vamwe kunyange basa ravanoita risingashamisiri.

NEI ZVICHIKOSHA?

Muupenyu tinotofanira kushanda. Vanhu vakawanda havadi kushanda nesimba, asi kana uri munhu anoshanda nesimba zvinokubatsira.​—Muparidzi 3:13.

“Ndakaona kuti kana ukashanda nesimba unonzwa kufara uye kugutsikana. Izvozvo ndizvo zvinoita kuti ndinakidzwe nekushanda. Kana uri munhu anofarira basa zvichaita kuti uve nemukurumbira wakanaka.”​—Reyon.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Kushanda zvakaoma kwose kune zvakunobatsira.”​—Zvirevo 14:23.

ZVAUNGAITA

Kuita zvinhu zvinotevera kuchakubatsira kuti ufarire basa.

Dzidza kuita basa zvakanaka. Kana uchiita mabasa epamba, homuweki kana kuti uchienda kubasa, ita nemwoyo wese. Kana wava kugona kuita basa racho, ramba uchitsvaga nzira dzekuti uvandudze uye dzekuti ukurumidze kuripedza. Kunyatsogona kuita basa racho ndiko kuchaita kuti uwedzerewo kunakidzwa naro.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Unoona munhu ane unyanzvi pabasa rake here? Iye achamira pamberi pemadzimambo; haazomiri pamberi pevanhuwo zvavo.”​—Zvirevo 22:29.

Ona kubatsira vamwe kwarinoita. Kakawanda kacho, paunoita mabasa ako zvakanaka, pakupedzisira zvichabatsirawo vamwe. Semuenzaniso, kana ukashanda nesimba pamabasa aunoita pamba, unorerutsira vamwe vemumhuri yenyu.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”​—Mabasa 20:35.

Ita zvinopfuura zvawanzi uite. Ukadaro unenge uchiratidza kuti unoziva zvauri kuita uye kuti hauiti zvakawanda nekuti wamanikidzwa asi nekuti ndiwe unenge wazvisarudzira.​—Mateu 5:41.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Basa rako rakanaka rive rokuzvidira kwete rokugombedzerwa.”​—Firimoni 14.

Iva nemwero. Vanhu vanoshanda nesimba havana nungo asiwo havashandi zvekuzviuraya. Vanonakidzwa nebasa asi vachiwanawo nguva yekuzorora.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Zviri nani kuzorora zvishoma pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri asi uchidzingana nemhepo.”​—Muparidzi 4:6.