Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Ane Hanya Newe’

‘Ane Hanya Newe’

Kunyange vamwe vanhu vakakusiya, aripo asingambofi akakusiya. Ndiani iyeye?

Mambo Dhavhidhi akati: “Kunyange kana baba vangu naamai vangu vaizondisiya, Jehovha aizonditora.”​—Pisarema 27:10.

Jehovha ndiye “Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose, anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.”​—2 VaKorinde 1:3, 4.

‘Kanda kuzvidya mwoyo kwako kwose paari, nokuti iye ane hanya newe.’​—1 Petro 5:7.

Kuti uzive kuti Mwari angakubatsira sei, verenga chitsauko 12 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinotidzidzisei? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Rinowanikawo pawebsite yedu inonzi www.mt711.com