Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chiripo Chekuraramira

Chiripo Chekuraramira

Faizal aifanira kuoparetwa mwoyo. Mudzimai wake akanga angova negore ashaya. Faizal akati: “Pandinoverenga bhuku raJobho ndinonyatsoona kuti nei Jehovha akaita kuti rinyorwe. Tinonzwa kunyaradzwa patinoverenga imwe nyaya muBhaibheri yemunhu aiva nedambudziko rakafanana neredu.” Anowedzera kuti: “Chiripo chikonzero chekuti urambe uchirarama.”

Tarsha akashayikirwa naamai vake achiri mudiki. Anoti: “Kuziva Musiki wedu ndiko kunoita kuti upenyu huve nechinangwa, tariro uye mufaro pasinei nematambudziko atinosangana nawo. Jehovha anokwanisa kutibatsira kutsungirira zuva rimwe nerimwe.”

MUNYAYA dzapfuura taona kuti matambudziko atinosangana nawo anogona kuita kuti tione sekuti hatichakwanisi kutsungirira. Nematambudziko auri kusangana nawo, unogona kufunga kuti hapana chekuraramira kana kuti hapana ane hanya newe. Chokwadi ndechekuti Mwari anokuda chaizvo uye anorwadziwa nezviri kuitika kwauri.

Munyori wePisarema 86 akaratidza kuti aivimba naMwari paakati: “Ndichadana kwamuri pazuva rokutambudzika kwangu, nokuti muchandipindura.” (Pisarema 86:7) Asi unogona kufunga kuti, ‘Mwari achandipindura sei “pazuva rokutambudzika kwangu”?’

Mwari anogona hake kusabva abvisa matambudziko ako ipapo ipapo, asi Shoko rake Bhaibheri rinovimbisa kuti achakubatsira kuti uve nerugare mupfungwa uye utsungirire. Rinoti: “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu [nepfungwa] pachishandiswa Kristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Tarisa uone mavhesi anotevera kuti anoratidza sei kuti Mwari anokuda.

Mwari Anokuda

“Hapana [shiri diki] inokanganwika pamberi paMwari. . . . Imi munokosha kupfuura shiri duku zhinji.”​Ruka 12:6, 7.

FUNGA IZVI: Tushiri tudiki tunogona kuonekwa setusina basa nevanhu, asi kuna Mwari tunokosha. Kunyange shiri diki imwe chete, Mwari anoikoshesa. Vanhu vanokosha pamberi paMwari kutopfuura shiri. Chinoita kuti vanhu vakoshe zvakanyanya kudaro ndechekuti vakasikwa “nomufananidzo” waMwari uye vanokwanisa kuratidza unhu hwake.​—Genesisi 1:26, 27.

“Haiwa Jehovha, makandiongorora, uye munondiziva. . . . “Makanzwisisa kufunga kwangu . . . Ndinzverei, muzive [zviri kundidya mwoyo].”​Pisarema 139:1, 2, 23.

FUNGA IZVI: Mwari anonyatsokuziva. Anoziva zviri pasi pemwoyo wako uye zviri kukunetsa. Vamwe vanhu vanogona kutadza kukunzwisisa asi Mwari anokunzwisisa uye anoda kukubatsira. Kuziva izvi kunoita kuti uve nechekuraramira.

Mwari Achakubatsira

“Haiwa Jehovha, inzwai munyengetero wangu; kuchemera kwangu kubatsirwa ngakuuye kwamuri. . . . Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; pazuva randinoshevedza, [ndipindureiwo]. . . . Achateerera munyengetero wevaya [vanotambura].”​Pisarema 102:1, 2, 17.

FUNGA IZVI: Zvinoita sekuti Jehovha akatanga kuchengeta misodzi yevanhu vese kubvira pavakatanga kutambura. (Pisarema 56:8) Izvi zvinosanganisirawo nemisodzi yako. Mwari anoyeuka nhamo dzese dzawakasangana nadzo dzakakuchemedza nekuti anokuda.

“[Usanetseka], nokuti ndiri Mwari wako. Ndichakusimbisa. Chokwadi ndichakubatsira. . . . Ini, Jehovha Mwari wako, . . . ndiri kuti kwauri, ‘Usatya. Ini ndichakubatsira.’”​Isaya 41:10, 13.

FUNGA IZVI: Mwari anoda kukubatsira. Kana ukadonhedzwa pasi nematambudziko, anokusimudza.

Ramangwana Rakajeka

“Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”​Johani 3:16.

FUNGA IZVI: Mwari akakuda chaizvo zvekusvika pakupa Mwanakomana wake Jesu kuti akufire. Kufirwa kwawakaitwa naJesu kunoita kuti ukwanise kuzorarama nekusingaperi uchifara. *

Pasinei nezviri kukunetsa, zviri kuita kuti uone sekuti hauchakwanisi kutsungirira, tinokukurudzira kudzidza Bhaibheri uye kuramba uchisimbisa kutenda kwako muzvinhu zvatinovimbiswa naMwari. Ukadaro uchafara uye uchaona kuti chiripo chekuraramira.

^ ndima 19 Kana uchida kunzwa zvakawanda nezvekuti ungaitei kuti ubatsirwe nekufirwa kwatakaitwa naJesu, ona vhidhiyo inonzi Kuyeuka Rufu rwaJesu iri pawebsite yedu inonzi www.mt711.com. Enda pakanzi MABHUKU NEZVIMWEWO > MAVHIDHIYO > MISANGANO YEDU UYE USHUMIRI.