Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Asa, Jehoshafati, Hezekiya, uye Josiya

Shumira Jehovha Nemwoyo Wakakwana!

Shumira Jehovha Nemwoyo Wakakwana!

“Haiwa Jehovha, ndapota, yeukai kufamba kwandakaita pamberi penyu muchokwadi uye nomwoyo wakakwana.”—2 MADZ. 20:3.

NZIYO: 52, 65

1-3. Kushumira Jehovha ‘nemwoyo wakakwana’ kunosanganisirei? Taura muenzaniso.

SEZVO tiine chivi tinokanganisa. Kunyange zvakadaro, Jehovha haatiitiri “maererano nezvivi zvedu” kana tikapfidza tonyengetera tichizvininipisa kuti atikanganwire kuburikidza nechibayiro cherudzikinuro chaJesu. (Pis. 103:10) Asi sezvakaudzwa Soromoni naDhavhidhi, kuti kunamata kwedu kufadze Jehovha tinofanira ‘kumushumira nemwoyo wakakwana.’ (1 Mak. 28:9) Sezvo tiri vanhu vane chivi tingazviita sei izvozvo?

2 Kuti tione kuti tingazviita sei, ngatienzanisei upenyu hwaMambo Asa nehwaMambo Amaziya. Madzimambo maviri aya akaita zvakarurama pamberi paJehovha asi Asa akazviita nemwoyo wakakwana. (2 Mak. 15:16, 17; 25:1, 2; Zvir. 17:3) Vose vaiva nechivi uye vaikanganisa. Kunyange zvakadaro, Asa haana kutsauka pane zvaidiwa naMwari nekuti mwoyo wake wainge wakazvipira zvakakwana kuna Mwari. Asi Amaziya akanga asina kuzvipira zvizere kuna Jehovha. Pashure pekukunda vavengi vaMwari, akatora vanamwari vavo akatanga kuvanamata.—2 Mak. 25:11-16.

3 Kushumira Mwari ‘nemwoyo wakakwana’ kunosanganisira kuramba takazvipira kwaari. MuBhaibheri shoko rekuti “mwoyo” rinoreva zvose zvakaita munhu nechemukati. Rinosanganisira mafungiro aanoita, zvaanoda, zvinangwa zvake muupenyu uye zvinoita kuti aite zvaanoita. Saka munhu anoshumira Jehovha nemwoyo wose anomushumira zvisina unyengeri. Haangoshumiri Jehovha nemhaka yekuti ndizvo zvaanotarisirwa kuita asi anomushumira zvichibva pamwoyo. Zvakadini nesu? Kunyange zvazvo tiri vanhu vane chivi, kana tikaramba takazvipira zvakazara kuna Mwari zvisina unyengeri, tinenge tichimushumira nemwoyo wakakwana.—2 Mak. 19:9.

4. Iye zvino tichakurukura nezvei?

4 Kuti tinzwisise kuti kushumira Mwari nemwoyo wakakwana kunorevei, ngationgororei upenyu hwaAsa uyewo hwemamwe madzimambo aJudha akashumira Mwari nemwoyo wose anoti: Jehoshafati, Hezekiya uye Josiya. Kunyange zvazvo vose vakaita zvikanganiso, vakasvika pakudiwa naJehovha. Nei Mwari akavaona sevanhu vakamushumira nemwoyo wakakwana uye tingavatevedzera sei?

‘MWOYO WAASA WAKANGA WAKAKWANA KUNA JEHOVHA’

5. Asa akaitei paakava mambo?

5 Asa aiva mambo wechitatu waJudha pashure pekunge vaIsraeri vapatsanuka pachibva pava neumambo hwaIsraeri neumambo hwaJudha. Akaita kuti vanhu vasanamate zvidhori muumambo hwake uye akadzinga pfambi dzechirume dzepatemberi. Akatobvisawo ambuya vake Maaka ‘pakuva vahosi, nekuti vakanga vagadzira chidhori chinonyadzisira.’ (1 Madz. 15:11-13) Uyewo Asa akakurudzira vanhu “kuti vatsvake Jehovha . . . uye kuti vachengete mutemo nomurayiro.” Asa akaita zvose zvaaigona kuti abatsire vamwe kuti vanamate Jehovha.—2 Mak. 14:4.

6. Asa akaita sei vaItiopiya pavakauya kuzorwisa nyika yeJudha?

6 Jehovha akaita kuti Judha ive nerugare mumakore gumi ekutanga Asa ava mambo. Zera muItiopiya akabva auya kuzorwisa Judha aine varume 1 000 000 nengoro 300. (2 Mak. 14:1, 6, 9, 10) Asa akaitei nedambudziko iri? Akaratidza kuti aivimba zvizere naJehovha. (Verenga 2 Makoronike 14:11.) Mwari akapindura munyengetero waAsa ndokutsvaira uto rose revaItiopiya. (2 Mak. 14:12, 13) Kunyange madzimambo paainge asina kutendeka kwaari, Jehovha aigona kuita kuti akunde vavengi achiitira zita rake. (1 Madz. 20:13, 26-30) Asi Asa akavimba naMwari uye Jehovha akapindura munyengetero wake. Zvisinei, Asa ane zvimwe zvaakazokanganisa. Semuenzaniso, akakumbira kubatsirwa namambo weSiriya pane kuti akumbire kubatsirwa naJehovha. (1 Madz. 15:16-22) Asi pasinei naizvozvo, Mwari akaona kuti ‘mwoyo waAsa wakanga wakakwana kuna Jehovha mazuva ake ose.’ Tingatevedzera sei Asa pakuita zvakanaka?—1 Madz. 15:14.

7, 8. Ungatevedzera sei Asa pakushumira Jehovha?

7 Mumwe nemumwe wedu anogona kuongorora mwoyo wake kuti aone kuti wakazvipira zvakazara kuna Mwari here. Zvibvunze kuti, ‘Ndakatsunga here kufadza Jehovha, kudzivirira kunamata kwechokwadi uye kuita kuti ungano irambe yakachena?’ Funga kuti zvaida ushingi hwakadini kuti Asa abvise Maaka pachinzvimbo chaaiva nacho muumambo ihwohwo. Zvimwe hapana munhu waunoziva anoita zvinhu zvakaipa sezvaiita Maaka, asi panogona kunge paine pamwe paunogona kutevedzera kushingaira kwaAsa. Semuenzaniso, ko kana mumwe wemumhuri yako kana kuti shamwari yako yepedyo ikaita chivi, yorega kupfidza uye yodzingwa? Waizotsunga kurega kuwadzana nemunhu iyeye here? Mwoyo wako waizokukurudzira kuitei?

8 Unogona kuratidza kuti une mwoyo wakakwana kuna Mwari sezvakaitwa naAsa kuburikidza nekuvimba naye zvizere paunopikiswa, kunyange kumwe kupikiswa kwacho kuchiita sekuti hakukundiki. Ungasekwa kana kunyombwa nevamwe kuchikoro nemhaka yekuti uri Chapupu chaJehovha. Kana kuti vaunoshanda navo vangakushora nemhaka yekuti unotora mazuva ako ekuzorora kuti uashandise pakuita mabasa ekunamata kana kuti hauwanzoshandi ovhataimu kuti uwane imwe mari. Paunosangana nezvinhu zvakadaro, nyengetera kuna Mwari sezvakaitwa naAsa. Vimba naJehovha, woramba uchiita zvaunoziva kuti zvakanaka. Yeuka kuti Mwari akasimbisa uye akabatsira Asa saka achakusimbisawo.

9. Tingaratidza sei kuti tine mwoyo wakakwana patinenge tichiparidza?

9 Vashumiri vaMwari vanofungawo nezvevamwe vanhu. Asa akabatsira vamwe kuti vanamate Jehovha. Isuwo tinobatsira vamwe kuti “vatsvake Jehovha.” Jehovha anofara zvikuru paanoona kuti tinotaura nevavakidzani vedu nevamwe vanhu nezvake nemhaka yekuti tinomuda zvechokwadi uye kuti tinoda kuti vanhu vave neupenyu husingaperi.

JEHOSHAFATI AKATSVAKA JEHOVHA

10, 11. Ungatevedzera sei zvakaitwa naJehoshafati?

10 Mwanakomana waAsa, Jehoshafati, “akaramba achifamba nenzira yababa vake Asa.” (2 Mak. 20:31, 32) Akazviita sei? Kufanana nababa vake, Jehoshafati akakurudzira vanhu kuti vatsvake Jehovha. Akaita izvozvo nekuronga kuti vanhu vadzidziswe pachishandiswa “bhuku romutemo waJehovha.” (2 Mak. 17:7-10) Akatoenda kunharaunda yeumambo hwekuchamhembe hwaIsraeri, kunzvimbo ine makomo yaEfremu, “kuti avadzose kuna Jehovha.” (2 Mak. 19:4) Mambo Jehoshafati “akatsvaka Jehovha nomwoyo wake wose.”—2 Mak. 22:9.

11 Tinogona kuitawo basa guru raJehovha rekudzidzisa vanhu mazuva ano. Mwedzi wega wega unova nechinangwa chekudzidzisa vamwe Shoko raMwari, uchiedza kuita kuti mwoyo yavo ide kushumira Mwari here? Kana ukawedzera kushanda nesimba Mwari anogona kukubatsira kutanga chidzidzo cheBhaibheri. Unonyengetera kuti uve nechidzidzo cheBhaibheri here? Une chido chekuita basa iri uchitoshandisa nguva yaunofanira kumbozorora kuti uriite here? Uye kungofanana nekuenda kwakaita Jehoshafati kunharaunda yaEfremu kuti abatsire vanhu kudzoka kuna Jehovha, tinogona kukurudzira vaya vasingachaiti basa. Uyewo vakuru vanogona kuronga kuti vaende kunobatsira vanhu vakadzingwa vari mundima yeungano yavo avo vangangodaro vakarega kuita zvivi.

12, 13. (a) Jehoshafati akaita sei paaitya? (b) Nei tichifanira kutevedzera muenzaniso waJehoshafati?

12 Kufanana naBaba vake, Asa, Jehoshafati akaramba akazvipira kuna Mwari kunyange paaida kurwiswa neuto guru remuvengi. (Verenga 2 Makoronike 20:2-4.) Jehoshafati akatya. Asi “akatsunga kutsvaka Jehovha.” Akanyengetera achibvuma kuti vanhu vake ‘vaisava nesimba rekurwa neboka guru revanhu iri’ uye kuti iye nevanhu vake vainge vapererwa. Akavimba zvizere naJehovha, achiti: “Maziso edu akatarira kwamuri.”—2 Mak. 20:12.

13 Kufanana naJehoshafati, dzimwe nguva tingasaziva zvekuita nedambudziko ratinenge tasangana naro uye tingatotya. (2 VaK. 4:8, 9) Asi yeuka kuti mumunyengetero waakaita vanhu vose vachinzwa, Jehoshafati akabvuma kuti iye nevanhu vake vainzwa vasina simba. (2 Mak. 20:5) Vaya vanotungamirira mhuri pakunamata vanogona kutevedzera Jehoshafati kuburikidza nekukumbira Jehovha kuti avatungamirire uye avape simba rekutsungirira dambudziko ravanenge vasangana naro. Usanyara kuti mhuri yako inzwe uchitetererawo saizvozvo. Ichaona kuti unovimba naJehovha. Mwari akabatsira Jehoshafati, uye achakubatsirawo.

HEZEKIYA AKARAMBA ACHIITA ZVAKANAKA

14, 15. Hezekiya akaratidza sei kuti aivimba naMwari zvizere?

14 Hezekiya aizivikanwa samambo “akaramba akanamatira kuna Jehovha.” Akaita izvozvo pasinei nekuti baba vake vaisava muenzaniso wakanaka uye vainamata zvidhori. Hezekiya ‘akabvisa nzvimbo dzakakwirira, akaputsa-putsa shongwe tsvene, akatema danda dzvene uyewo akaputsa-putsa nyoka yemhangura yakanga yagadzirwa naMosesi,’ iyo yakanga yava kunamatwa nevaIsraeri. Akanga akazvipira zvizere kuna Jehovha. “Akaramba achichengeta mirayiro yake yakanga yarayirwa Mosesi naJehovha.”—2 Madz. 18:1-6.

15 Kunyange Asiriya, iyo yaiva nesimba kupfuura nyika dzose panguva iyoyo, payakauya kuJudha ichida kuparadza Jerusarema, Hezekiya akavimba naJehovha nemwoyo wose. Saniheribhi Mambo weAsiriya akashora Jehovha uye akaedza kutyisidzira Hezekiya kuti akande mapfumo pasi. Asi Hezekiya akanyengetera achiratidza kuti aiva nechivimbo chekuti Jehovha ane simba rekuponesa. (Verenga Isaya 37:15-20.) Mwari akapindura munyengetero wake kuburikidza nekutuma ngirozi kuti iuraye vaAsiriya 185 000.—Isa. 37:36, 37.

16, 17. Ungatevedzera sei Hezekiya sezvaunoshumira Mwari?

16 Hezekiya akazorwara zvekusvika pakuda kufa. Akateterera Jehovha kuti ayeuke kufamba kwaakanga aita pamberi pake. (Verenga 2 Madzimambo 20:1-3.) Magwaro anotiratidza kuti mazuva ano hatingatarisiri kuti Mwari aite zvishamiso zvekutirapa kana kuwedzera makore edu. Asi kungofanana naHezekiya, mumwe nemumwe wedu anogona kunyengetera kuna Jehovha achiti: ‘Ndakafamba pamberi penyu muchokwadi uye nomwoyo wakakwana.’ Unotenda here kuti Jehovha anokwanisa uye anoda kukubatsira kunyange paunorwara?—Pis. 41:3.

17 Patinofungisisa muenzaniso waHezekiya, tingaona kuti tinofanira kubvisa kana kurega zvimwe zvinhu zviri kukanganisa ushamwari hwedu naMwari kana zviri kutipedzera nguva yekumushumira. Hatidi kutevedzera vanhu vari munyika vanotevera vamwe vanhu pamasocial network vachiita sevachavanamata. Ichokwadi kuti vamwe vaKristu vanogona kunakidzwa nekutaura nehama neshamwari dzepedyo pamasocial network. Asi vakawanda munyika vanogara vari pamasocial network, vachitevera varume nevakadzi vavasingatombozivi. Kana kuti vanopedza nguva yakawanda vachitarisa mapikicha evanhu vakadaro kana kuverenga nezvavo. Munhu anogona kupedzerwa nguva nezvinhu zvisingakoshi. MuKristu anogona kutotanga kuzvikudza kana vanhu vakawanda vakaratidza kuti vanofarira zvinhu zvaanoisa pamasocial network, kana kuti angatogumbuka vakarega kumutevera. Ungafungidzira here muapostora Pauro kana kuti Akwira naPrisira vachiwana nguva zuva rega rega yekuisa mapikicha pamasocial network kana yekutevera mumwe munhu asinganamati Jehovha? Tinoverenga kuti Pauro ainge ‘akabatikana kwazvo nokuparidza shoko.’ Uye Prisira naAkwira vaishandisa nguva yavo kutsanangurira vamwe “nzira yaMwari zvakanyatsorurama.” (Mab. 18:4, 5, 26) Tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Ndinongwarira kuti ndisanamata vanhu here kana kupedza nguva yakawanda ndichiita zvinhu zvisina basa?—Verenga VaEfeso 5:15, 16.

JOSIYA AKACHENGETA MIRAYIRO YAJEHOVHA

18, 19. Ungada kufanana naJosiya munzira dzipi?

18 Mambo Josiya, muzukuruchibvi waHezekiya, akachengetawo mirayiro yaJehovha “nomwoyo wake wose.” (2 Mak. 34:31) Paakanga achiri mudiki, “akatanga kutsvaka Mwari watateguru vake Dhavhidhi” uye paakazosvika makore 20 akatanga kubvisa zvidhori muJudha. (Verenga 2 Makoronike 34:1-3.) Josiya aishingaira pakuita zvaifadza Mwari kupfuura zvakaitwa nemadzimambo akawanda aJudha. Kunyange zvakadaro, Josiya paakaverengerwa chinyorwa cheMutemo waMosesi chakanga chawanikwa, icho chingangodaro chakanyorwa naMosesi pachake, akaona kuti aifanira kuwedzera kuita kuda kwaMwari. Akakurudzira vamwe kuti vashumire Jehovha. Nemhaka yaizvozvo, vanhu “havana kutsauka pakutevera Jehovha” Josiya paaiva mupenyu.—2 Mak. 34:27, 33.

19 Kufanana naJosiya, vechidiki vanofanira kutanga kutsvaka Jehovha vachiri vadiki. Mambo Manase, uyo akanga apfidza, anofanira kunge akadzidzisa Josiya nezvengoni dzaMwari. Vechidiki, ivai pedyo nevechikuru vakatendeka vemumhuri menyu uye vemuungano, modzidza kuti Jehovha akavaitira sei zvakanaka. Uyewo yeukai kuti kuverenga Shoko raMwari kwakabaya mwoyo waJosiya kukamuita kuti agadzirise zvinhu. Kuverenga Shoko raMwari kunogona kukubatsirai kuti muite zvinhu zvichawedzera mufaro wenyu, zvosimbisa ushamwari hwenyu naMwari uyewo zvokukurudzirai kuti mubatsire vamwe kutsvaka Mwari. (Verenga 2 Makoronike 34:18, 19.) Kudzidza Bhaibheri kunogonawo kukubatsirai kuona kuti mungavandudza sei kushumira kwamunoita Mwari. Kana mukaona pamunofanira kuvandudza, shandai nesimba sezvakaita Josiya.

SHUMIRA JEHOVHA NEMWOYO WAKAKWANA!

20, 21. (a) Madzimambo mana atakurukura nezvawo ainge akafanana papi? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

20 Waona here kubatsira kwazvinoita kuongorora kuti varume vana vaiva madzimambo aJudha vatakurukura nezvavo vakashumira sei Jehovha nemwoyo wakakwana? Vaishingaira uye vainge vakanyatsozvipira pakuita kuda kwaMwari. Vakaramba vachiita kuda kwaMwari kunyange pavaida kurwiswa nevavengi vaiva nesimba. Chinotonyanya kukosha ndechekuti vaishumira Jehovha nevavariro yakanaka.

21 Sezvatichaona munyaya inotevera, varume vana vatakurukura nezvavo vakambokanganisa. Asi Muongorori wemwoyo paakavaongorora, akaona kuti mwoyo yavo yainge yakakwana kwaari. Isuwo tine chivi. Jehovha paanotiongorora anoona here kuti tiri kumushumira nemwoyo wakakwana? Ngatikurukurei izvozvo munyaya inotevera.