Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

TEVEDZERA KUTENDA KWAVO | JOSEFA

‘Ndiri Pachinzvimbo chaMwari Here?’

‘Ndiri Pachinzvimbo chaMwari Here?’

ZUVA rava kupinda muna amai varo, uye Josefa akamira mugadheni rake. Zvimwe ari kuona miti yemichindwe nemimwewo yemichero, madziva ane tumiti tunokura mumvura, uyewo kachikamu kemuzinda waFarao. Fungidzira Josefa achinzwa nechekure zviri kuitika mumba make; mwana wake Manase achitamba naEfremu munun’una wake, iko kaEfremu kachigegedzera. Josefa anoita seari kuona zviri kuitika mumba imomo, mudzimai wake achinyemwerera paanoona vakomana ava vachitamba havo. Josefa anonyemwerera. Anobva angoona kuti akakomborerwa.

Josefa ainge atumidza dangwe rake zita rekuti Manase nekuti rine chekuita nekukanganwa. (Genesisi 41:51) Makomborero akapiwa Josefa mumakore akanga achangodarika ainge amuzorodza kuti arege kuramba achisuwa kumba, uye vakoma vake nababa vake. Vakoma vake avo vainge vakamuvenga vakaita kuti upenyu hwake huchinje. Vakambomurwisa, vakambofunga zvekumuuraya, vakazomutengesa semuranda kuvanhu vanofamba vachiita bhizimisi. Kubvira ipapo, upenyu hwake hwakanga hwangova nhamo nematambudziko. Kwemakore anenge 12, akatambura ari muranda, akaiswa mujeri, maakaita nguva yakati kuti akasungwa nezvisungo zvesimbi. Asi iye zvino akanga ava mutevedzeri waFarao, munyika ine simba yeIjipiti! *

Kwemakore akati kuti, Josefa ainge aona zvinhu zvichiitika sezvainge zvataurwa naJehovha. Makore 7 akanga agara ataurwa egoho rakanaka muIjipiti ainge afamba, uye Josefa ainge atungamirira pakuchengetwa kwezviyo zvaisara. Munguva iyi akanga ava nevana vaviri nemudzimai wake Asenati. Kunyange zvakadaro, pfungwa dzake dzaiwanzodzoka kumhuri yavo yainge iri kure, kunyanya munun’una wake Bhenjamini, nababa vavo vaaida, Jakobho. Josefa angadaro ainetseka kuti zvinhu zvainge zvakavamirira sei? Uye angadaro aifungawo nezvevakoma vake, kuti vainge vachinja here maitiro avo echisimba uye kuti aizokwanisa here kuwirirana nevemumhuri make.

Kana mhuri yenyu isingawirirane nekuti pane godo, kusavimbana kana kuti ruvengo, ungangodaro wakati fananei naJosefa. Tingadzidzei pakutenda kwakaratidzwa naJosefa paairiritira mhuri yekumba kwavo?

“ENDAI KUNA JOSEFA”

Josefa aigara akabatikana, uye makore aimhanya. Sekuratidza kwakaita Jehovha hope kuna Farao, gore rechi7 remaguta rakateverwa nemakore ainge akaoma. Zvirimwa hazvina kuita! Pasina nguva nyika dzainge dzakapoteredza Ijipiti dzakava nenzara. Sezvinotaurwa neBhaibheri, ‘munyika yose yeIjipiti maiva nezvokudya.’ (Genesisi 41:54) Zviri pachena kuti mashoko akafemerwa Josefa kuti ataure pamusoro pezvaizoitika uye kugona kwake kuronga kwaibatsira vaIjipiti.

Josefa akaramba achizvininipisa, zvikaita kuti Jehovha amutume kuti aite basa rake

VaIjipiti vanofanira kunge vakatenda Josefa uye vakamurumbidza pamusana pekugona kwake kuronga. Kunyange zvakadaro, Josefa haaizomboda kuti vanhu vamutende, asi kuti vatende Jehovha Mwari wake. Kana tikashandisa zvipo zvatiinazvo pakushumira Mwari wedu tichizvininipisa, anogona kuita kuti tikwanise kubudirira pakushandisa zvipo izvozvo kupfuura zvatingafungidzira.

Nekufamba kwenguva, muIjipiti makavawo nenzara. Pavakachemera Farao, akabva angovaudza kuti: “Endai kuna Josefa. Itai chero zvaanokuudzai.” Saka Josefa akatanga kuvhura matura ezvekudya zvainge zvachengetwa makore emaguta, uye vanhu vaitenga kwaari.—Genesisi 41:55, 56.

Asi vanhu vaigara munyika dzainge dzakapoteredza Ijipiti vainge vakaomerwa. Mhuri yaJosefa yakanga ichitambura iri kure zvikuru, kunyika yeKenani. Jakobho uyo ainge akwegura, akanzwa kuti kuIjipiti kwaiva nezviyo, saka akatuma vanakomana vake kuti vanotenga zvekudya ikoko.—Genesisi 42:1, 2.

Jakobho akatuma vanakomana vake gumi, asi akati Bhenjamini asare. Jakobho akanga achiri kudemba zvakaitika paakatuma mwana wake waaida Josefa kunoona vakoma vake. Apa ndipo paakanga apedzisira kumuona. Vakoma vacho vakadzoka kumba nenguo yaJosefa yainge yakanaka yairatidza kuti baba vake vaimuda, yakazara ropa uye yakabvaruka-bvaruka. Izvi zvakaita kuti Jakobho apererwe uye afunge kuti Josefa ainge adyiwa nechikara.—Genesisi 37:31-35.

“JOSEFA AKABVA AYEUKA”

Vafamba rwendo rwurefu, vanakomana vaJakobho vakazosvika kuIjipiti. Pavakabvunza kwaitengeswa zviyo, vakaudzwa kuti vanoona mukuru wehurumende ainzi Zafenati-paneya. (Genesisi 41:45) Pavakamuona vakazviziva here kuti aiva Josefa? Aiwa. Vakangomuonawo semutongi ane simba wemuIjipiti aigona kuvabatsira. Vakamuratidza ruremekedzo sezvaiitwa panguva yacho: “Vakamukotamira zviso zvavo zvakatarira pasi.”—Genesisi 42:5, 6.

Ko iye Josefa wacho akaita sei? Akabva angoziva vakoma vake! Uye paakavaona vachikotama pamberi pake, akafunga zvakaitika achiri mukomana. Bhaibheri rinotiudza kuti “Josefa akabva ayeuka hope” dzaakaroteswa naJehovha achiri mukomana, dzenguva yaizouya yekuti vakoma vake vaizokotamisa zviso zvavo pamberi pake, uye izvi ndizvo chaizvo zvakanga zvava kutoitika! (Genesisi 37:2, 5-9; 42:7, 9) Josefa aizoita sei? Aizovambundira here kana kuti aizotsiva?

Josefa aiziva kuti aisafanira kuita zvinhu asina kufunga. Zviri pachena kuti Jehovha ndiye akanga achiita kuti zvinhu zvifambe nenzira iyi inoshamisa. Zvaiva nechinangwa. Jehovha ainge avimbisa kuti vana vaJakobho vaizova rudzi rune simba. (Genesisi 35:11, 12) Kana vakoma vaJosefa vainge vachiri vanhu vanoda zvechisimba, vasingafungi vamwe uye vane unyengeri, izvi zvaizokanganisa zvakawanda! Uyewo kudai Josefa akangoita zvinhu asina kufunga, zvingadai zvakakanganisa mhuri kumba kwavo. Pamwe zvaizoipira baba vake naBhenjamini. Kuti vakanga vachiri vapenyu here? Josefa akaita kuti vakoma vake vasamuzive achiitira kuti avaedze, nechinangwa chekuti aone kana vainge vachinja zviito zvavo. Izvi zvaigona kuzomubatsira kuziva kuti zvaidiwa naJehovha ndezvipi.

Zvimwe hauzombofi wakasangana nemamiriro ezvinhu akadaro. Kunyange zvakadaro, mazuva ano mhuri dzakawanda hadzisi kuwirirana uye hadzina kubatana. Kana zvinhu zvamira seizvi, zviri nyore kuti tingoita zvinoda mwoyo yedu nekuti tiri vanhu vane chivi. Asi zvakanaka kutevedzera Josefa, totsvaka kuti Mwari anoda kuti tiitei. (Zvirevo 14:12) Yeukawo kuti, kunyange zvazvo zvichikosha kuti tide vemumhuri, kuda Jehovha neMwanakomana wake ndiko kunotonyanya kukosha.—Mateu 10:37.

“MUCHAEDZWA”

Kuti azive kuti vakoma vake vakanga vachinja here, Josefa akavaedza. Akatanga kutaura navo nehasha achishandisa muturikiri, achivati vaiva vasori. Kuti vazvidzivirire, vakamuudza nezvemhuri yavo uye kuti vaiva nemunun’una ainge ari kumba. Josefa akaedza kuvanza kufara kwaaiita nechemukati. Kuti aone kuti vairevesa here pavakati munun’una wake aiva mupenyu, Josefa akafunga zano. Akavati “muchaedzwa nezvizvi,” akabva avaudza kuti aida kuona munun’una wavo iyeye. Akazobvuma kuti vaende kumba kunomutora, asi mumwe wavo aifanira kusara akasungwa.—Genesisi 42:9-20.

Vasingazivi kuti Josefa ari kunzwa zvavari kutaura, vakoma vake vakatanga kukurukura nezvenyaya iyi, vachizvishora pamusoro pechivi chavo chavakanga vaita makore 20 ainge adarika. Vaiti: ‘Chokwadi tine mhosva pamusoro pomunun’una wedu nokuti takaona kutambudzika kwake paakatiteterera kuti timunzwire tsitsi, asi hatina kuteerera. Ndokusaka kutambudzika uku kwatiwira.’ Josefa ainzwa zvavaitaura, uye akabva ipapo kuti varege kuona misodzi yake. (Genesisi 42:21-24) Asi aiziva hake kuti kupfidza kwechokwadi kunopfuura kungozvidemba kunoita munhu kana ava kusangana nematambudziko ezvakaipa zvaanenge aita. Saka akaenderera mberi nekuvaedza.

Akavati vadzokere kumba, asi akaita kuti Simiyoni asare ari musungwa. Akaitawo kuti mari yavo iiswe mavaitakurira zvokudya, ivo vasingazivi. Vakoma vake vakadzoka kumba, uye vakazoteterera Jakobho kuti avape mwanakomana wake waaida Bhenjamini kuti vaende naye kuIjipiti. Pavakasvika kuIjipiti, vakaudza mushandi waJosefa aiona nezvemari kuti vainge vawana mari mavainge vakatakurira zvekudya, vakati vanoda kuidzorera sezvairi. Ichi chainge chiri chinhu chakanaka, asi Josefa aida kunyatsoona zvavaiva. Akavapa zvekudya zvakawanda, achifara nekuona Bhenjamini. Adaro, akaita kuti vadzokerezve kumba, vakaita kuremerwa nezvekudya, asi iye zvino pane kapu yesirivha yakaiswa mubhegi raBhenjamini vasingazivi.—Genesisi 42:26–44:2.

Zvadaro Josefa akaita maererano nezano rake. Akaita kuti vakoma vake vateverwe, vasungwe uye vapomerwe mhosva yekuba kapu yacho. Payakawanikwa mubhegi raBhenjamini, vose vakabva vadzoswa kuna Josefa. Iye zvino Josefa akanga ava nemukana wekuziva kuti vakoma vake vaiva vanhu vakaita sei. Judha ndiye akataura akavamiririra. Akateterera kuti varegererwe, achitokumbira kuti vose vari 11 vave zvavo varanda muIjipiti. Josefa akaramba, akati Bhenjamini chete ndiye aifanira kusara muIjipiti ari muranda asi vamwe vose vaifanira kuenda.—Genesisi 44:2-17.

Izvi zvakaita kuti Judha ataure chaizvo zvaiva pasi pemwoyo. Akati: “Iye oga ndiye asara waamai vake, uye baba vake vanomuda.” Mashoko aya anofanira kunge akabaya mwoyo waJosefa nekuti ndiye akanga ari dangwe raRakeri, mudzimai aidiwa naJakobho, uyo akafa achisununguka Bhenjamini. Hapana mubvunzo kuti Josefa aisuwa amai vake Rakeri, sezvaiitawo baba vake. Pamwe izvi ndizvo zvaiita kuti Josefa ade Bhenjamini kupfuura vamwe.—Genesisi 35:18-20; 44:20.

Judha akaramba achiteterera Josefa kuti arege kuita Bhenjamini muranda. Akatozvipira kuti iye aigona hake kuva muranda panzvimbo paBhenjamini. Akazopedzisa nekutaura mashoko anonzwisa tsitsi achiti: “Ndingaenda sei kuna baba vangu ndisina mukomana wacho, ndinotyira kuti ndingabva ndaona dambudziko richawana baba vangu?” (Genesisi 44:18-34) Izvi zvakaratidza kuti ainge achinja. Akaratidza kuti ainge asiya maitiro ake akaipa uye kuti akanga ava kunzwira tsitsi, kufungawo zvakanakira vamwe, uye akanga ava nemutsa.

Josefa akaona kuti vakoma vake vainge vachizvidemba nezvavainge vamuitira

Josefa akanga ava kuremerwa nezvakanga zviri mumwoyo make. Hapana zvimwe zvaaigona kuita kunze kwekutozvibudisa. Akaita kuti vashandi vake vabude panze, ndokuridza mhere yakanzwika kumuzinda waFarao. Akazoudza vakoma vake kuti: “Ndini Josefa mwana wababa venyu.” Vakoma vake vakashamiswa nazvo uye Josefa akavambundira ndokuvaregerera nemwoyo wose zvose zvavakanga vamuitira. (Genesisi 45:1-15) Akaratidza mafungiro aJehovha, uyo anoregerera nemwoyo wose. (Pisarema 86:5) Ndozvatinoitawo here?

“UCHIRI MUPENYU”!

Farao paakanzwa nyaya yose yainge yakonzera mhere mhere muimba yaJosefa, akaita kuti Josefa aite kuti baba vake vainge vakwegura vauyewo kuIjipiti, pamwe chete nemhuri yose. Hapana kuzotora nguva yakareba Josefa asati aonanazve nababa vake vaaida. Jakobho akachema, ndokuti: “Iko zvino ndingachifa hangu, zvandaona chiso chako, zvauchiri mupenyu.”—Genesisi 45:16-28; 46:29, 30.

Asi Jakobho akatozorarama kwemamwe makore 17 muIjipiti, uye akatozokomborera vanakomana vake 12. Akapa mwanakomana wake wechi11 Josefa, makomborero akapetwa kaviri ayo aiwanzopiwa dangwe. Mamwe madzinza maviri aIsraeri aizobva kuna Josefa. Ko Judha, mwanakomana wechi4, uyo aiva pamberi pakuratidza kuti mwoyo wake wainge wachinja kupfuura vakoma vake vose nevanun’una? Akapiwa chikomborero chakakura chekuti Mesiya aizoberekwa nemudzinza rake!—Genesisi, chitsauko 48, 49.

Jakobho paakafa ava nemakore 147, vakoma vaJosefa vaitya kuti munun’una wavo uyo aiva nechinzvimbo muIjipiti aizotsiva. Asi Josefa akaratidza kuti aivada uye akavavimbisa kuti aisazombotsiva. Josefa akanga atova nenguva yakareba achiziva kuti Jehovha ndiye ainge aita kuti mhuri yavo itamire kuIjipiti, saka vakoma vake vaisafanira kuramba vachizvinetsa nezvakaitika kare. Akabva avabvunza mubvunzo unokosha wekuti: ‘Ndiri pachinzvimbo chaMwari here?’ (Genesisi 15:13; 45:7, 8; 50:15-21) Josefa aiziva kuti Jehovha ndiye Mutongi akarurama. Aizivawo kuti akanga asina kodzero yokuranga vaya vakanga varegererwa naJehovha.—VaHebheru 10:30.

Zvinombokuomera here kuregerera vamwe? Zvinogona kuoma chaizvo kuregerera munhu kana atitadzira achitoziva hake. Asi kana tikaregerera zvinobva pamwoyo vaya vanenge vasiya maitiro avo akaipa, tichaita kuti vanzwe zvakanaka, uye nesuwo tichafara. Uye tinenge tichitevedzera Josefa naBaba vake vane ngoni, Jehovha.

^ ndima 4 Ona nyaya dzinoti “Tevedzera Kutenda Kwavo” dziri mumagazini yeNharireyomurindi yaAugust 1, 2014; November 1, 2014; naFebruary 1, 2015.