Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

Ndakadzidza Kuti Jehovha Ane Ngoni Uye Anoregerera

Ndakadzidza Kuti Jehovha Ane Ngoni Uye Anoregerera
  • GORE ROKUBEREKWA: 1954

  • NYIKA: CANADA

  • NHOROONDO YOUPENYU: AIVA TSOTSI UYE AIBHEJA

MARARAMIRO ANDAIITA:

Ndakakurira munzvimbo yainetsa kuwana basa muguta reMontreal. Baba vangu vakafa ndiine mwedzi 6 chete uye takasara tichichengetwa naamai. Ndini ndaiva gotwe pavana 8 vemumba medu.

Ndichikura ndaiita zvemadhiragi, kubheja, kurwisana nevanhu uye ndaishamwaridzana nemakororo. Ndava nemakore 10, ndakatanga kuita zvekutumwa nepfambi nevanoita zvechimbadzo. Ndaigara ndichinyepa uye ndainakidzwa nekutsotsa vanhu pese pandaiwana mukana. Ndiwo akanga atova mararamiro angu.

Pandakazosvika makore 14 ndakanga ndava neunyanzvi hwekutsotsa vanhu. Somuenzaniso, ndaihodha zvinhu zvine tugoridhe tushomanana zvakadai semawachi, zvuma zvemumaoko, nemarin’i, ndozvinyora kuti zvakaiswa goridhe rinosvika magiramu 2,8 (14-carat). Ndaizozvitengesa mumugwagwa uye munzvimbo dzinopakwa motokari pazvitoro. Ndainakidzwa nekuwana mari pasina dikita. Ndakatombobata $10 000 zuva rimwe chete!

Ndava nemakore 15, ndakadzingwa kuchikoro chinoendeswa vana vane misikanzwa uye ndakanga ndisisina kwekugara. Saka ndairara mumigwagwa, mumapaki, kana kuti mudzimba dzevanhu vandinenge ndangowirirana navo.

Ndaigara ndakabvunzurudzwa nemapurisa nenyaya yekutsotsa vanhu. Zvinhu zvandaitengesa zvakanga zvisiri zvokuba saka handina kumbobvira ndaiswa mujeri. Kunyange zvakadaro ndaiwanzobhadhariswa faindi yakawanda nemhaka yekutsotsa vanhu, uye kutengesa pasina mvumo. Hapana wandaitya saka ndaitotumwa nevanhu vezvimbadzo kuti ndinotora mari dzezvikwereti. Izvi zvaigona kuurayisa saka dzimwe nguva ndaifamba nepfuti. Pamwe pacho ndaienda kunoba nezvikwata zvembavha.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI:

Ndakatanga kunzwa nezveBhaibheri ndiine makore 17. Musikana wangu paakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha ndaigara naye. Asi ndakaramba zvinotaurwa neBhaibheri nezvemararamiro atinofanira kuita saka ndakamusiya ndokunogara nemumwe wandaidanana naye.

Musikana uyu akatangawo kudzidza Bhaibheri neZvapupu ndokuchinja mararamiro ake, uye ndakafara kuona achiwedzera kuva munhu munyoro uye ane mwoyo murefu. Izvi zvakaita kuti ndichinje mafungiro angu. Ndakabvuma kuenda kumusangano weZvapupu zvaJehovha kuImba yoUmambo. Ndakatambirwa nevanhu vane rudo netsika. Hakusi kusiyana kwainge kwakaita vanhu ava nevandaiziva! Ndakakura ndichifunga kuti hapana wemumhuri medu anombondida. VeZvapupu zvaJehovha vakaratidza kuti vanondida uye urwu ndirwo rudo rwandaishaya. Pavakanditi vaida kudzidza neni Bhaibheri, ndakabvuma ndichifara.

Zvandaidzidza muBhaibheri zvakandiponesa. Ndakanga ndichironga kunoba neshamwari dzangu mbiri kuti ndikwanise kubhadhara zvikwereti zvandaiva nazvo zvekubheja zvaipfuura $50 000. Ndinofara kuti handina kuzoenda! Vamwe vangu vakaenda, asi mumwe akasungwa uye mumwe akaurayiwa.

Pandairamba ndichidzidza Bhaibheri ndaiona zvinhu zvakawanda zvandaifanira kuchinja muupenyu. Somuenzaniso, ndakadzidza zvinotaurwa neBhaibheri pana 1 VaKorinde 6:10 panoti: “Mbavha, kana vanhu vanokara, kana zvidhakwa, kana vanotuka, kana makororo havazogari nhaka yoUmambo hwaMwari.” Pandakaverenga vhesi iyi, ndakafunga zvandaiita, misodzi yangu ikatanga kuyerera. Ndakaona kuti ndaifanira kuchinja mararamiro angu zvachose. (VaRoma 12:2) Ndaifarira zvekurwa uye ndaiva nehasha, uye ndaigara ndichitaura nhema dzoga dzoga.

Asi ndakadzidzawo muBhaibheri kuti Jehovha ane ngoni uye anoregerera. (Isaya 1:18) Ndakanyengetera zvakasimba, ndichiteterera Jehovha kuti andibatsire kusiya zvakaipa zvandaiita. Akandibatsira kuchinja maitiro angu zvishoma nezvishoma. Danho rinokosha ratakatora nemusikana wangu nderokuchata zviri pamutemo.

Kuita zvinodzidziswa neBhaibheri kwandichengetedza ndiri mupenyu kusvika nhasi

Ndakachata ndiine makore 24 uye ndakanga ndatova nevana vatatu. Saka iye zvino ndaifanira kutsvaga basa rakati twasu. Asi ndakanga ndisina kudzidza uye ndisina mapepa ekutsvagisa basa. Saka ndakanyengeterazve nemwoyo wose kuna Jehovha, ndikaenda kunotsvaga basa. Kwese kwandaitsvaga basa ndaivaudza kuti ndiri kuda kuchinja mararamiro angu uye ndoitawo basa risina zvekubiridzira. Dzimwe nguva ndaivatsanangurira kuti ndiri kudzidza Bhaibheri uye kuti ndaida kugarisana nevamwe zvakanaka. Asi vakawanda vairamba kundipinza basa. Mumwe musi pandaibvunzwa neaida kundipa basa, ndakamuudza nezveupenyu hwangu, uye akabva ati: “Pane chiri kungondiudza kuti ndikupinze basa, asi hameno kuti chii.” Uku kwaiva kupindurwa kweminyengetero yangu. Ini nemudzimai wangu takazobhabhatidzwa ndokuva Zvapupu zvaJehovha.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA:

Kuita zvinodzidziswa neBhaibheri uye kurarama semuKristu kwandichengetedza ndiri mupenyu kusvika nhasi. Ndine mhuri yangu yakanaka. Ndinoziva kuti Jehovha akandiregerera, saka ndine hana yakachena.

Ndava nemakore 14 ndichiparidza kwemaawa anosvika 70 pamwedzi ndichibatsira vanhu kudzidza zvinotaurwa neBhaibheri, uye munguva ichangopfuura, mudzimai wangu akatangawo kuparidza kwemaawa 70 pamwedzi. Mumakore 30 apfuura ndinofara kuti ndakabatsira vanhu vanopfuura 22 vandaishanda navo, kuti vatangewo kunamata Jehovha. Ndichiri kuenda kuzvitoro, asi kwete kunotsotsa vanhu sezvandaiita. Iye zvino pandinoenda ikoko ndinowanzoudza vamwe zvandinotenda. Ndinenge ndichida kuvapa tariro yekuzorarama munyika itsva inenge isina matsotsi.—Pisarema 37:10, 11.