Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kusagadzikana Kwemamiriro Ekunze—Bhaibheri Rinogona Kukubatsira Here?

Kusagadzikana Kwemamiriro Ekunze—Bhaibheri Rinogona Kukubatsira Here?

 Upenyu hwemamiriyoni evanhu hwakakanganiswa nekusagadzikana kwemamiriro ekunze. Ndizvo zvakaitikawo kwauri here? Kusagadzikana kwemamiriro ekunze kunosiyana-siyana. Kunogona kuitika mhepo ine simba, madutu kana mafashamo. Kana mvura yakawanda ikanaya, zvinogona kukonzera kukukurwa kweivhu nematombo zvoparadza zvinhu, uye mheni dzinogona kukonzera kutsva kwemasango. Kusanaya kwemvura uye kupisa kwakanyanya kunogonawo kuita kuti vanhu vatambure.

 Munyika dzakawanda, njodzi dzinokonzerwa nekusamira zvakanaka kwemamiriro ekunze dziri kuramba dzichiwedzera uye dziri kuparadza kupfuura zvadzaiita kare. Sangano rinoyamura panoitika njodzi reInternational Federation of Red Cross and Red Crescent Societies rakati: “Vanhu vakawanda vava kuwirwa nematambudziko anokonzerwa nemafashamo, madutu uye kusanaya kwemvura. Izvi zviri kuita kuti gore negore vakawanda vafe, vashaye chekurarama nacho, uye mamiriyoni asare asisina pekugara.”

 Zvinhu izvi pazvinoitika zvinokonzerawo kuti vanhu vasare vava kushushikana mupfungwa. Vanenge vava kuzvidya mwoyo nekuti vanenge varasikirwa nezvinhu zvavo, misha yavo, uye pamwe pacho vatofirwa nehama dzavo.

 Kana wakambowirwawo nezvinhu izvi zvinokonzerwa nekusagadzikana kwemamiriro ekunze, Bhaibheri rinogona kukubatsira. Rinokunyaradza, rokupa tariro uye mazano aunogona kushandisa, izvo zvakabatsira vakawanda vakawirwa nematambudziko aya. (VaRoma 15:4) Rinopindurawo mibvunzo inonetsa vanhu vakawanda yekuti: Nei Mwari achirega zvinhu zvakadai zvichiitika? Ari kundiranga here?

Kusagadzikana kwemamiriro ekunze hakusi kurangwa naMwari

 Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari haasi iye anokonzera matambudziko atinosangana nawo. Rinoti: “hapana angaedza Mwari nezvinhu zvakaipa, uye iye haaedzi munhu.” (Jakobho 1:13) Izvi zvinoratidza kuti Mwari haasi iye anokonzera njodzi idzi dziri kuitika.

 Ichokwadi kuti Bhaibheri rinotaura kuti Mwari akamboshandisa zvinhu zvakadai semvura, moto nezvimwewo kuranga vanhu vakaipa. Asi izvozvo zvakasiyana nenjodzi dzemazuva ano, idzo dzinongoerekana dzaitika pasina yambiro uye dzinowira munhu wese, angava akanaka kana kuti akaipa. Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari aidzivirira vanhu vakanaka, aitanga ayambira vanhu uye aitaura chikonzero chacho. Semuenzaniso, akatsanangura kuti nei aizounza Mafashamo panguva yaNoa, akatanga ayambira vanhu, uye akadzivirira Noa nemhuri yake.—Genesisi 6:13; 2 Petro 2:5.

 Kana uchida kunzwa zvakawanda nezvenyaya iyi yekuti tinoziva sei kuti njodzi dziri kuitika mazuva ano hakusi kurangwa naMwari, verenga nyaya yakanzi “Bhaibheri Rinotii Nezvenjodzi Dzinongoitika Dzega?

Mwari ane hanya nevanhu vanenge vawirwa nenjodzi

 Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha a Mwari munhu ane hanya uye ane tsitsi. Mamwe mavhesi anonyaradza ndeaya:

  •   Isaya 63:9: “Pakutambudzika kwavo kwese naiyewo [Mwari] akanga achitambudzika.”

     Zvazvinoreva: Jehovha anorwadziwa chaizvo paanoona vanhu vachitambudzika.

  •   1 Petro 5:7: ‘Iye ane hanya newe.’

     Zvazvinoreva: Jehovha anoda kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka.

 Tsitsi dzina Jehovha dzinoita kuti aite chimwe chinhu chekubatsira. Anotinyaradza nekutipa mazano ari muBhaibheri uye anoita kuti tive netariro yekuti mune ramangwana kuchange kusisina zvese zvinokonzera njodzi.—2 VaKorinde 1:3, 4.

Dambudziko rekusagadzikana kwemamiriro ekunze richapera

 Bhaibheri rinoti Jehovha ari kutivimbisa “ramangwana rakanaka netariro.” (Jeremiya 29:11) Anoda kuti vanhu vararame panyika vachifara vasingatyi kuti kunogona kuitika njodzi.—Genesisi 1:28; 2:15; Isaya 32:18.

 Mwari achaita kuti pave neramangwana iri rakanaka achishandisa Umambo hwake, hurumende yekudenga inotongwa naJesu. (Mateu 6:10) Jesu ane simba racho uye uchenjeri hwekuita kuti njodzi idzi dzisaitika. Paaiva panyika akamboshandisa simba rake kudzora mamiriro ekunze. (Mako 4:37-41) Utongi hwake hucharatidza uchenjeri uye kunzwisisa uye achadzidzisa vanhu kuti vangachengeta sei nyika kuti pasava nenjodzi dzinoitika. (Isaya 11:2) Panguva yaanenge achitonga, vanhu havazombowirwi nenjodzi dzinokonzerwa nemamiriro ekunze asina kugadzikana.

 Zvimwe unongona kutanga kuzvibvunza kuti, ‘Jesu achashandisa riini simba rake kuti pasava nenjodzi dzinoitika?’ Kuti uwane mhinduro yacho verenga nyaya yakanzi “Umambo hwaMwari Huchatonga Riini Panyika?

Zvaungaita iye zvino panyaya yenjodzi dzinokonzerwa nekusagadzikana kwemamiriro ekunze

 Bhaibheri rine mazano anogona kukubatsira njodzi isati yaitika, painenge ichiitika uye kana yapera.

  •   Isati yaitika: Gadzirira kuzokurumidza kuona zvekuita.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu akangwara anoona njodzi ohwanda, Asi asina ruzivo anoramba achienda ozosangana nedambudziko.”—Zvirevo 22:3.

     Zvazvinoreva: Ziva nezvenjodzi dzinogona kuitika kwaunogara kuti uzokurumidza kuziva zvekuita kuti udzivirire mhuri yako.

     Zvakaitika kune vamwe: “Musi wakaitika moto kunzvimbo yataigara, takanga takagadzirira kuti kana zvikaitika tinoita sei. Takanga takarongedza mabhegi atinoshandisa kana pakaitika njodzi. Takanga takaisa mishonga nehembe. Vamwe vanhu vakanga vachiratidza kuvhiringika vachishaya kuti voita sei. Asi ndinotenda kuti isu takanga takafanorongedza zvinhu zvinokosha zvataida!”—Tamara, California, U.S.A.

  •   Painenge ichiitika: Isa pfungwa pane zvinonyanya kukosha.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kunyange kana munhu aine zvizhinji, upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.”—Ruka 12:15.

     Zvazvinoreva: Upenyu hunokosha kupfuura zvinhu.

     Zvakaitika kune vamwe: “Pakaitika dutu rine simba rinonzi Typhoon Lawin b richibva raparadza imba yedu, ndakatadza kuziva kuti ndoita sei. Chandakakwanisa kuita kunyengetera kuna Jehovha Mwari. Zvakandibatsira kuona kuti kunyange zvazvo takarasikirwa nezvinhu isu taiva vapenyu.”—Leslie, Philippines.

  •   Painenge yapera: Usanyanya kunetseka nezveramangwana.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nekuti zuva rinotevera richava nekuzvidya mwoyo kwaro.”—Mateu 6:34.

     Zvazvinoreva: Usanyanya kuzvidya mwoyo nezvekuti uchaita sei mune ramangwana.

     Zvakaitika kune vamwe: “Imba yangu yakazara mvura pakaitika dutu rinonzi Hurricane Irma uye ndakatanga kunetseka kuti zvino ndichaita sei. Ndakaedza kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri zvekusazvidya mwoyo nezveramangwana. Jehovha akandipa simba rekutsungirira zvandaisangana nazvo kupfuura zvandaifunga.”—Sally, Florida, U.S.A.

 Kana uchida kunzwa mamwe mazano verenga nyaya yakanzi “Kana Njodzi Ikaitika Zvii Zvatingaita?

a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.

b Inonziwo Typhoon Haima.