Enda pane zvauri kuda

Kuparidza Nezvingoro muGermany

Kuparidza Nezvingoro muGermany

Mumaguta makuru ari pasi rese, vanhu vanofamba netsoka vatojaira kuona zvingoro zvine mabhuku anotsanangura Bhaibheri anobudiswa neZvapupu zvaJehovha. Semuenzaniso, muGermany tine nzvimbo dzatinoisa mabhuku muBerlin, Cologne, Hamburg, Munich, nemamwe maguta ane vanhu vakawanda.

Zvingoro izvi zvingabatsira here kana zvikaiswa kumataundi madiki kunoendwa nevanhu vekuGermany panguva yavanenge vachida havo kumbofurwa nemhepo? Zvingoro izvi zvichafarirwa here mumataundi ari kuchamhembe anoendwa nevanhu kumahoridheyi uye nharaunda dziri mumhenderekedzo yegungwa, pamwe chete nekuzvitsuwa zviri kuBaltic sea neNorth sea? Muna 2016, pane zvakarongwa nebazi reZvapupu zvaJehovha rekuCentral Europe zvakapindura mibvunzo yese iyi. Kubva muna May kusvika muna October, Zvapupu zvinenge 800 zvainge zvagara zvichishandisa zvingoro pakuparidza munzvimbo dzinowanika vanhu vakawanda, zvakazvipira kuisa zvingoro munzvimbo dzinenge 60 dziri kuchamhembe kweGermany. Vamwe vacho vakabva kure chaizvo, kuguta rekuAustria rinonzi Vienna.

Kuita Sevagari Veko

Zvapupu zvakagamuchirwa zvakanaka. Mumwe akaendawo ikoko akataura kuti: “Vanhu vacho vaida kunzwa mashoko akanaka. Vaiva neushamwari, vaida kuziva zvakawanda, uye vaida kuti tikurukure navo.” Heidi, uyo akaenda kutaundi rinonzi Plön akati: “Mumazuva mashoma vanhu vainge vava kutotitora sevagari vemutaundi racho. Vamwe vainge vava kutiziva vaitisimudzira maoko.” Mumwe murume akanga ari matsi akataura nemutauro wemasaini achiti: “Muri kwese kwese!” Murume uyu akanga aine shamwari dzake, matsi, uye vakanga vachibva havo kumbonotandara kumaodzanyemba kweGermany, uye ikoko akanga ambosangana neZvapupu zvaJehovha.

Vanhu vagari veko vakatibatsira. Zvapupu pazvaiva pachitsuwa chinonzi Wangerooge, mumwe mupurisa akaenda pavaiva akavaudza nemutsa zvavaigona kuita kuti vawane vanhu vakawanda. MuWaren an der Müritz, mumwe mutyairi webhoti akatanga kuratidza vanhu vaiva mubhoti nzvimbo dzainge dzakanaka dzaiva ipapo. Akanongedza chingoro chemabhuku chaiva pachiteshi chezvikepe, achibva ati: “Mukaenda apo munogona kudzidza nezvaMwari.” Vashanyi vakaenda pazvingoro uye vakanyatsomira ipapo vachiverenga zvikwangwani zvaivapo.

Vashanyi nevagari vemunzvimbo iyi vakafarira mabhuku matatu anotevera:

  • Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here? Mumwe mushanyi akati: “Mubvunzo uyu waindinetsa kwenguva yakareba chaizvo. Iye zvino ndichawana mukana wekuverenga nezvenyaya iyi ndiri pazororo kudai.”

  • Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari! Vamwe sekuru vakaudza Zvapupu kuti vakanga vasingachadi kunzwa chinonzi chechi. Zvapupu zvakavabatsira kuti vanzwisise kuti hakuna munhu anogona kugadzirisa matambudziko edu; Mwari chete ndiye anogona. Sekuru ava vakafara chaizvo pavakapiwa bhuku iri uye vakataura kuti vaizoriverenga.

  • Zvandinodzidza muBhaibheri. Vamwe baba vakabvuma kuti kamwana kavo kamusikana katore bhuku iri revana. Baba vacho vakatorawo Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri vachibva vati: “Iri richabatsira mhuri yangu.”

Vanhu vaipfuura vakatora mabhuku anodarika 3 600. Vamwe vakakumbira kuti Zvapupu zvizovashanyira kuitira kuti vazoenderera mberi nekukurukura nezveBhaibheri.

Zvapupu zvakaita basa iri zvakanakidzwa. Jörg nemudzimai wake, Marina, vakaenda kunzvimbo yaiva pedyo neBaltic Sea. Vakati, “Takaona mukana uyu sechipo chaicho. Taiti uku tiri kuona zvinhu zvakasikwa naMwari, uku tichiudza vanhu nezvake.” Lukas, ane makore 17 akati: “Ndakanakidzwa! Chimwe chakandifadza ndechekuti ndaiudza vanhu mashoko anokosha.”