Enda pane zvauri kuda

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuGuyana

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuGuyana

 “Kufara kwaunoita kana uchishanda kunodiwa vaparidzi vakawanda hakutsananguriki!” Ndizvo zvakataurwa naJoshua, uyo anogara kuUnited States asi akamboshumira kwekanguva kuGuyana. Zvapupu zvakawanda zvakashumira munyika iyi iri kuSouth America ine vanhu vakawanda vanoda kudzidza nezvaJehovha zvakataura zvakafanana nezvakataurwa naJoshua. a Zvidzidzo zvipi zvatingawana kune vanhu ava vakatamira kunodiwa vaparidzi vakawanda? Zvidzidzo izvi zvingakubatsira sei kugadzirira kana uchida kunoshumira kune imwe nyika?

Chii Chakaita kuti Vatame?

Linel

 Isati yatamira kuGuyana, imwe hama inonzi Linel yakaparidza mundima yakanga isingawanzoshandwi kunyika kwayo kuUnited States. Linel anoti; “Boka redu tiri 20 rakanzi rinoparidza kumaruwa ekuWest Virginia. Kunakidzwa kwandakaitwa nekuparidza pamwe chete neushamwari hwatakava nahwo kwemavhiki maviri atakapedza tiri ikoko, zvakachinja upenyu hwangu! Ndakabva ndatosarudza kuti ndichaita zvese zvandinogona pakushumira Jehovha.”

Erica naGarth

 Murume nemudzimai vanonzi Garth naErica vakatanga kufunga zvekunoshumira kune imwe nyika, uye vakasarudza Guyana. Nemhaka yei? Erica anotsanangura kuti: “Ini nemurume wangu taiziva mumwe murume nemudzimai vakanga vatamira ikoko. Kufara kwavaiita pavaitaura nyaya dzeko nekuda kwavaiita basa ravo zvakaita kuti nesuwo tide kutamirako. Erica naGarth vakaita makore matatu vachifara pabasa ravo uye vakati, ‘hatifi takazvikanganwa.’ Garth anoti: “Takaravira chinonzi kushumira muri kune imwe nyika tikaona kuti zvakanaka.” Pava paya, iye nemudzimai wake vakaenda kuChikoro cheGiriyedhi uye pari zvino vari kushumira kuBolivia.

Vaya vanoshumira kune dzimwe nyika vanonakidzwa nekukurukura nevamwe nezveBhaibheri

Vakagadzirira Sei?

 Mazano ari muBhaibheri anotikurudzira kusava nezvinhu zvakawandawanda muupenyu. (VaHebheru 13:5) Tinokurudzirwawo kuti tisati taita zvisarudzo zvakakura muupenyu titange tanyatsoronga. (Ruka 14:26-33) Zviri pachena kuti izvozvo zvinosanganisirawo chisarudzo chekutamira kune imwe nyika! Garth akanyora kuti: “Tisati tasimuka kuenda kuGuyana, ini naErica taifanira kuderedza zvinhu zvataiva nazvo. Izvi zvaireva kuti taifanira kutengesa bhizinesi redu, imba yedu, nezvinhu zvese zvataisashandisa zvakanga zvakachengetwa mumba medu. Zvakatitorera makore mashoma kuti tigadzirise zvinhu izvi. Panguva iyoyo, takaita kuti chido chedu chekushumira kuGuyana chirambe chakasimba nekuramba tichifunga chinangwa chedu uyewo kushanyako gore rega rega.”

Sinead naPaul

 Chimwe chinhu chekufunga nezvacho inyaya yemari. Mune dzimwe nyika, vanoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda vanokwanisa kuwana basa munyika imomo kana mutemo wemo uchibvumira. Vamwe vanoramba vachiita mabasa avaiita kumusha kwavo vachishandisa kombiyuta. Vamwe vanosarudza kudzokera kumusha kwenguva diki kuti vanoshanda. Murume nemudzimai vanonzi Paul naSinead vaidzokera kuIreland kamwe chete pagore vachinoshanda. Izvi zvakavabatsira kushumira muGuyana kwemakore 18 akazara nemakomborero, uye mamwe makore acho 7 vakanga vava nemwanasikana.

Christopher na Lorissa

 Pisarema 37:5 inoti: “Isa nzira yako pana Jehovha; vimba naye, uye iye achagadzirisa zvinhu.” Christopher naLorissa vekuUnited States vaigara vachinyengetera nezvechinangwa chavo chekushumira kune imwe nyika. Zvakare, pakunamata kwavo kwemhuri, vaitaurirana kuti zvii zvavangaita kuti vabudirire kutama, vachinyora pasi zvakanakira zvimwe zvinhu nezvazvakaipira. Zvaisava nyore kwavari kuti vadzidze mumwe mutauro, saka vakasarudza Guyana, nekuti ikoko Chirungu ndiwo mutauro wepamutemo.

 Zvadaro, vakaita zviri pana Zvirevo 15:22 iyo inoti: “Zvirongwa zvinokundikana kana pasina kubvunza vamwe, asi kana vanhu vanopa mazano vakawanda zvinhu zvinobudirira.” Vakanyorera hofisi yebazi inotungamirira basa muGuyana, b vachitsanangura kuti vanoda kubatsira uye vachivaudza mamiriro avo ezvinhu. Panguva imwe chete vakabvunza nezvenyaya dzekurapwa, mamiriro ekunze, netsika dzemunyika yacho. Hofisi yebazi yakapindura mibvunzo yavo ikaita kuti vazivane nevakuru vemunzvimbo yavaida kuzotamira.

 Linel, ambotaurwa pekutanga, ava mutariri wedunhu muGuyana. Asati atamirako, naiyewo akashandisa mashoko aZvirevo 15:22. Anoti: “Kuwedzera panyaya yekuchengeta mari yerwendo, ndakataura nevamwe vakanga vamboshumira kune imwe nyika. Ndakataura nemhuri yangu, vakuru vemuungano yangu, nemutariri wedu wedunhu. Ndakaverengawo zvese zvandaigona kuwana mumabhuku edu zvine chekuita nekutamira kunodiwa vaparidzi.”

Joseph naChristina

 Vakawanda vanoda kunoshumira kune imwe nyika vanoratidza kuchenjera nekutanga vamboshanyira nyika yacho. Murume nemudzimai vanonzi Joseph naChristina vanoti: “Patakatanga kuenda kuGuyana, takagarako kwemwedzi mitatu. Nguva iyi yakanga yakakwana kuti tione kuti kwakadini. Takabva tadzokera kumba, tikanoronga zvinhu zvedu, ndokubva tatama.”

Zvii Zvavaifanira Kuchinja?

Joshua

 Kuti vabudirire pakushumira Mwari vari kune imwe nyika, vanoshanda kunodiwa vaparidzi vakawanda vanofanira kuva nechido chekuzvipira uye chekuchinja kuti vaite zvinoenderana nemamiriro ezvinhu netsika dzeko. Semuenzaniso, vanotama vachibva kunyika dzinotonhora vachienda kunopisa vanowanzoona kuti imba yavo itsva inenge yakazara netupukanana twakasiyana-siyana. Joshua, ambotaurwa pakutanga anoti: “Ndakanga ndisina kujaira kuona zvipukanana zvakawanda kudai. Uye zvemuGuyana zvaiita kunge zvihombe kupfuura zvandinoziva! Asi kwapera kanguva ndakanga ndajaira. Ndakazoonawo kuti kana ukaita kuti imba yako igare yakachena unogona kuita kuti zvisanyanya kuwanda. Izvi zvinobatanidza kusuka ndiro, kurasa marara, nekugara uchichenesa imba yako.”

 Kuchinja kuti uite zvinoenderana nemamiriro ezvinhu emunyika yacho kunogona kurevawo kudzidza kubika nekudya zvinhu zvitsva. Joshua anoti, “Ini nemumwe wandaigara naye takakumbira hama nehanzvadzi kuti vatidzidzise kubika zvinhu zvemunyika iyoyo. Pashure pekudzidzira kubika chimwe chikafu, taibva takoka vamwe vemuungano kuti tidye tese. Iyi yaiva imwe nzira yekuti tinyatsozivana nehama dzacho nekuumba ushamwari.”

Paul naKathleen

 Kana iri nyaya yetsika, Paul naKathleen vanoyeuka kuti: “Zvaiva zvinhu zvitsva kwatiri kupfeka nekuita zvinoenderana netsika dzeko. Saka taitofanira kuzvininipisa tochinja, panguva imwe chete tisingatyori zvinonzi neBhaibheri ndizvo zvakarurama. Kuita zvinoenderana netsika dzemo kwakatiswededza pedyo neungano uye kwakaita kuti ushumiri hwedu hubudirire.”

Vakawanei?

 Joseph naChristina vanotaura zvinowanzotaurwa nevakawanda kuti: “Makomborero atiri kuwana anopfuura nekure matambudziko atakasangana nawo. Kuita zvinhu zvitsva zvainge zvakatiomera kwakatibatsira kuchinja zvinhu zvataikoshesa muupenyu. Zvinhu zvataimboti zvinokosha zvakanyanya mupfungwa dzedu zvakanga zvisisanyanyi kukosha. Chinhu chese chaiitika chakatipa shungu dzekuti tirambe tichiitira Jehovha zvese zvataigona. Takava vanhu vanogutsikana.”

 Erica, ambotaurwa pekutanga, anoti: “Kushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda kwakaita kuti ini nemurume wangu tinyatsonzwisisa kunonzi kuvimba naJehovha. Takaona achitibatsira munzira dzatakanga tisati tamboona. Kusangana nezvinhu zvitsva pamwe chete kwakasimbisa wanano yedu.”

a Nhoroondo yebasa redu muGuyana inowanika muBhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2005.

b Bazi reTrinidad and Tobago ndiro rinoona nezvebasa ikoko.