Zvirevo 15:1-33

  • Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa (1)

  • Maziso aJehovha ari pese pese (3)

  • Munyengetero wemunhu akarurama unofadza Mwari (8)

  • Zvirongwa zvinokundikana kana pasina kubvunzana (22)

  • Fungisisa usati wapindura (28)

15  Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa,+Asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.+   Rurimi rweakachenjera runoshandisa ruzivo zvakanaka,+Asi muromo webenzi unongorutsa upenzi.   Maziso aJehovha ari pese pese,Achitarisa vakaipa nevakanaka.+   Rurimi rwakadzikama* muti weupenyu,+Asi kutaura kusina kururama kunoodza mwoyo.*   Benzi hariremekedzi baba varo kana richirayirwa,*+Asi munhu ane njere anobvuma kururamiswa.*+   Mumba memunhu akarurama makazara nepfuma,Asi zvibereko zvemunhu akaipa zvinomuunzira dambudziko.+   Muromo wemunhu akachenjera unoparadzira ruzivo,+Asi mwoyo webenzi haudaro.+   Chibayiro chevakaipa chinosemesa Jehovha,+Asi munyengetero wemunhu akarurama unomufadza.+   Jehovha anosema nzira yemunhu akaipa,+Asi anoda uya anotevera kururama.+ 10  Munhu anosiya gwara anoona kurangwa* sekwakaipa,*+Asi munhu wese anovenga kutsiurwa achafa.+ 11  Kana Guva* nenzvimbo yekuparadzwa* zviri pachena kuna Jehovha,+Ko kuzoti mwoyo yevanhu!+ 12  Museki haadi munhu anomururamisa.*+ Haatsvagi mazano kune vakachenjera.+ 13  Mwoyo unofara unoita kuti chiso chisununguke,Asi kurwadziwa kwemwoyo kunoputsa mweya.+ 14  Mwoyo unonzwisisa unotsvaga ruzivo,+Asi muromo wemapenzi unodya* upenzi.+ 15  Mazuva ese emunhu anotambudzika akaipa,+Asi munhu ane mwoyo unofara* anogara aine mabiko.+ 16  Zviri nani kuva nezvishoma uchitya Jehovha+Pane kuva nepfuma yakawanda asi uchizvidya mwoyo.*+ 17  Zviri nani kudya muriwo paine rudo+Pane kudya nyama yemombe yakakora asi paine ruvengo.+ 18  Munhu anokurumidza kushatirwa anomutsa gakava,+Asi uya anononoka kutsamwa anonyaradza bopoto.+ 19  Nzira yesimbe yakaita seruzhowa rweminzwa,*+Asi gwara revakarurama rakaita semugwagwa wakati chechetere.+ 20  Mwanakomana akachenjera anofadza baba vake,+Asi benzi rinozvidza amai varo.+ 21  Munhu asina pfungwa* anonakidzwa neupenzi,+Asi munhu ane ungwaru anofamba akananga kwaari kuenda.+ 22  Zvirongwa zvinokundikana kana pasina kubvunza vamwe,*Asi kana vanhu vanopa mazano vakawanda zvinhu zvinobudirira.+ 23  Munhu anofara paanopa mhinduro yakarurama,*+Uye shoko rinotaurwa panguva yakakodzera rakazonaka!+ 24  Kumunhu ane njere, nzira yeupenyu inotungamirira kumusoro,+Kuti asaenda kuGuva* riri pasi.+ 25  Jehovha achaputsa imba yevanozvikudza,+Asi achachengetedza muganhu wechirikadzi.+ 26  Jehovha anosema mazano emunhu akaipa,+Asi mashoko anofadza akachena kwaari.+ 27  Munhu anobiridzira kuti azvipfumise anounzira imba yake dambudziko,*+Asi uya anovenga chiokomuhomwe acharamba achirarama.+ 28  Munhu akarurama anofungisisa mumwoyo make asati apindura,*+Asi miromo yevakaipa inongorutsa zvakaipa. 29  Jehovha ari kure nevakaipa,Asi anonzwa minyengetero yevakarurama.+ 30  Maziso anopenya anoita* kuti mwoyo ufare;Mashoko akanaka anosimbisa mapfupa.*+ 31  Munhu anoteerera kutsiurwa kunopa upenyuAnogara nevakachenjera.+ 32  Munhu anoramba kurayirwa* anozvidza upenyu hwake,*+Asi munhu wese anoteerera paanotsiurwa anowana mwoyo unonzwisisa.+ 33  Kutya Jehovha kunodzidzisa munhu kuva akachenjera,+Uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “runoporesa.”
ChiHeb., “kunoputsa mweya.”
Kana kuti “richirangwa.”
Kana kuti “kutsiurwa.”
Kana kuti “sekwakaomarara.”
Kana kuti “kurayirwa.”
Kana kuti “Sheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “neAbhadhoni.”
Kana kuti “anomutsiura.”
Kana kuti “unotevera.”
Kana kuti “wakanaka.”
Kana kuti “ichikuvhiringidza.”
Kana kuti “seheji yeminzwa.”
Kana kuti “njere.”
Kana kuti “kurangana.”
ChiHeb., “paanopa mhinduro yemuromo wake.”
Kana kuti “kuSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “anonyadzisa imba yake.”
Kana kuti “anongwarira mapinduriro ake; anofunga asati ataura.”
ChiHeb., “anoita kuti mapfupa ave nemafuta.”
Kana kuti “Kutariswa nemufaro kunoita.”
Kana kuti “kurangwa.”
Kana kuti “mweya wake.”