Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Pisarema 23:4—“Kunyange Ndichifamba Mumupata Werima Gobvu Rerufu”

Pisarema 23:4—“Kunyange Ndichifamba Mumupata Werima Gobvu Rerufu”

 “Kunyange ndichifamba mumupata werima gobvu, hapana chandinotya, nekuti imi muneni; tsvimbo yenyu nemudonzvo wenyu zvinondipa chivimbo.”—Pisarema 23:4, Shanduro Yenyika Itsva.

 “Zvirokwazvo, kunyange ndikafamba mumupata womumvuri worufu, handingatongotyi zvakaipa; nokuti imi muneni; tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza.”—Pisarema 23:4, The Bible in Union Shona Version.

Zvinorehwa naPisarema 23:4 a

 Vaya vanonamata Mwari vanodzivirirwa uye vanochengetwa naye kunyange pavanenge vachitsungirira zvinhu zvakaoma. Vhesi iyi inoshandisa fananidzo yegwai rinochengetwa nemufudzi kuti iratidze kuti Mwari anochengeta sei vanhu vanomunamata. b Havanzwi sevasiyiwa pavanosangana nemamiriro ezvinhu akaoma anorondedzerwa muvhesi iyi serima gobvu kana kuti zvinhu zvinogona kukonzera rufu. Vanonzwa vakachengeteka, sekunge kuti Mwari ari padivi pavo chaipo.

 Munguva dzakanyorwa Bhaibheri, mufudzi aigona kushandisa tsvimbo yake kuti adzivirire makwai kuti asadyiwa nezvikara. Aigonawo kushandisa mudonzvo wake wainge wakakombama kune rimwe divi kuti atungamirire makwai kana kuadzora kuti asaende pane njodzi. Ndizvowo zvakaita Jehovha Mwari. Akaita semufudzi ane rudo anodzivirira uye anotungamirira vaya vanomunamata. Kunyange pavanenge vaine matambudziko akakura muupenyu hwavo, Jehovha anovachengeta nenzira dzakasiyana-siyana.

Mavhesi akapoteredza Pisarema 23:4

 Pisarema 23 rakanyorwa naDhavhidhi, uyo aiva mufudzi paaiva mudiki uye akazova mambo werudzi rwevaIsraeri. (1 Samueri 17:34, 35; 2 Samueri 7:8) Pisarema racho rinotanga nekurondedzera Jehovha seMufudzi anotungamirira, anodyisa, uye anozorodza vanomunamata, sezvinongoita mufudzi chaiye kumakwai ake.—Pisarema 23:1-3.

 Achiratidza kudzivirira kunoita Mwari, pana Pisarema 23:4, Dhavhidhi anochinja kubva pakutaura zvinoitwa naMwari otanga kuita seari kutaura naMwari. Kuchinja ikoko kunoratidza kuti Dhavhidhi aiva neushamwari hwakasimba naJehovha. Dhavhidhi aiziva kuti Mwari ane hanya naye uye kuti Mwari aiziva matambudziko aaisangana nawo. Izvi zvaiita kuti asava nechaanotya.

 Mumavhesi maviri anotevera muPisarema 23, vhesi 5 ne6, fananidzo yacho inochinja kubva pamufudzi nemakwai ake kuenda pamuridzi wemba nemuenzi wake. Semuridzi wemba ane rudo, Jehovha anobata Dhavhidhi semuenzi wake anoremekedzwa. Kunyange vavengi vaDhavhidhi havana simba rekutadzisa Mwari kuchengeta Dhavhidhi. Panoperera pisarema racho, Dhavhidhi anoratidza kuti ane chivimbo chekuti Mwari achamuratidza kunaka kwake nerudo rwake kweupenyu hwake hwese.

 Mifananidzo inoshandiswa muPisarema 23 inoratidza kuti Mwari anoramba achichengeta vanamati vake nerudo.—1 Petro 2:25.

a Mamwe maBhaibheri anoriti Pisarema 22. Kunyange zvazvo Mapisarema ese ari 150, mamwe maBhaibheri anoaronga maererano nezvinyorwa zveHebrew Masoretic, asi mamwe anotevedzera marongero eGreek Septuagint, shanduro yemagwaro echiHebheru, iyo yakapedzwa mumakore ekuma100 B.C.E.

b Mwari, uyo ane zita rekuti Jehovha, anowanzotaurwa nezvake muBhaibheri seMufudzi ane rudo. Vanamati vake, avo vanofananidzwa nemakwai, vanodzivirirwa uye vanotsigirwa naye.—Pisarema 100:3; Isaya 40:10, 11; Jeremiya 31:10; Ezekieri 34:11-16.