Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

VaFiripi 4:8—“Zvinhu Zvese Zvechokwadi, . . . Rambai Muchifungisisa Zvinhu Izvi”

VaFiripi 4:8—“Zvinhu Zvese Zvechokwadi, . . . Rambai Muchifungisisa Zvinhu Izvi”

 “Hama dzangu, regai ndipedzise nekuti, zvinhu zvese zvechokwadi, zvinhu zvese zvinokosha, zvinhu zvese zvakarurama, zvinhu zvese zvakachena, zvinhu zvese zvinodiwa, zvinhu zvese zvinotaurwa zvakanaka nezvazvo, zvinhu zvese zvakanaka, uye zvinhu zvese zvinorumbidzwa, rambai muchifungisisa zvinhu izvi.”—VaFiripi 4:8, BhaibheriShanduro yeNyika Itsva.

 “Pakupedzisira hama, zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai.”—VaFiripi 4:8, Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi.

Zvinorehwa naVaFiripi 4:8

 Mwari ane basa nezvatinofunga nekuti zvatinofunga ndizvo zvinoita kuti tiite zvatinoita. (Pisarema 19:14; Mako 7:20-23) Saka vanhu vanoda kufadza Mwari, vanosiyana nekufunga zvinhu zvinovengwa naMwari asi vanoisa pfungwa pazvinhu zvaanofarira.

 Vhesi iyi inotaura zvinhu 8 zvakanaka zvekuti vaKristu vanofanira ‘kuramba vachifungisisa’ nezvazvo.

  •   “Zvechokwadi.” Shoko iri rinoreva zvinhu zvakanaka, zvaunogona kuvimba nazvo, zvakadai sezviri muShoko raMwari.—1 Timoti 6:20.

  •   “Zvinokosha.” Shoko iri rinoreva zvinhu zvinonyanya kukosha, kwete zvinhu zvisina basa. Kana muKristu akagara achifunga zvinhu izvi achava nechido chakasimba chekuita zvakanaka.—Tito 2:6-8.

  •   “Zvakarurama.” Shoko iri rinoreva zvinhu zvinonzi naMwari ndizvo zvakanaka kwete zvinoonekwa nevanhu sekuti ndizvo zvakanaka.—Zvirevo 3:5, 6; 14:12.

  •   “Zvakachena.” Shoko iri rinoreva mafungiro akachena uye vavariro dzakachena, kwete chete panyaya dzebonde, asi pazvinhu zvese.—2 VaKorinde 11:3.

  •   “Zvinodiwa.” Shoko iri rinoreva zvinhu zvakanaka, zvinoita kuti tive nerudo kwete ruvengo, hasha kana kusawirirana.—1 Petro 4:8.

  •   “Zvinotaurwa zvakanaka nezvazvo.” Mashoko aya anoreva zvinhu zvinoita kuti munhu ave nemukurumbira wakanaka uye zvinhu zvinofarirwa nevanhu vanoremekedza Mwari.—Zvirevo 22:1.

  •   “Zvakanaka.” Shoko iri rinoreva zvinhu zvinonzi naMwari zvakanaka. Zvinhu izvi hazvina kana chinoshoreka.—2 Petro 1:5, 9.

  •   “Zvinorumbidzwa.” Zvinhu izvi zvinhu zvinorumbidzwa kunyange naMwari chaiye. Zvinosanganisirawo mabasa akakodzera kurumbidzwa naMwari. Zvinokosha kuti vanhu vafunge nezvemabasa aya.—Pisarema 78:4.

Mashoko Akapoteredza VaFiripi 4:8

 Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vaiva muFiripi tsamba iyi paakanga ari musungwa asingabvumidzwi kubva pamba muRoma. Kunyange zvazvo aiva mujeri, vanoongorora Bhaibheri vanoti tsamba iyi “itsamba yemufaro” nekuti inotaura kakawanda nezvemufaro uye ine mashoko anofadza.—VaFiripi 1:3, 4, 7, 8, 18; 3:1; 4:1, 4, 10.

 Pauro aida hama nehanzvadzi dzaiva muFiripi uye aida kuti vave nemufaro nerugare rwaaiva narwo. (VaFiripi 2:17, 18) Saka paakanga ava kupedzisa tsamba yake, akavakurudzira kuti vafare, vave vanhu vanonzwisisa, vagare vachinyengetera, uye vaise pfungwa pazvinhu zvaizovapa rugare mupfungwa uyewo rugare naMwari.—VaFiripi 4:4-9.

 Ona vhidhiyo iyi pfupi kuti unzwe pfupiso yezviri mubhuku raVaFiripi.