Enda pane zvauri kuda

Ndinokwanisa Kuva Shamwari yaMwari Ndisina Chechi Yandinopinda Here?

Ndinokwanisa Kuva Shamwari yaMwari Ndisina Chechi Yandinopinda Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 MuBhaibheri, munhu ane ushamwari hwakanaka naMwari kana kuti munhu wemweya, ane chido chakasimba chekumufadza uye anoita zvese zvaanogona kuti avewo nemafungiro ake. Munhu ane ushamwari hwakanaka naMwari anoedza kurarama zvinoenderana nezvinodiwa naMwari uye anotungamirirwa nemweya mutsvene. aVaRoma 8:5; VaEfeso 5:1.

 Bhaibheri rinotiudza zvisingaitwi nemunhu wemweya kana kuti ane ushamwari hwakanaka naMwari. Semuenzaniso, munhu wemweya akasiyana nemunhu wenyama pakuti, “munhu wenyama haabvumi zvinhu zvemweya waMwari,” kana kuti zvinodzidziswa naMwari. (1 VaKorinde 2:14-16) Kusiyana nevanhu vemweya, vanhu venyama vanowanzoita ‘godo uye vanokakavadzana’ panzvimbo pekuva vanhu vanopa uye vane rugare. (1 VaKorinde 3:1-3) Uye vaya ‘vanosvibisa mazita evamwe uyewo vanoparadzanisa shamwari dzepedyo’ vanonzi vakaita “semhuka; havana mweya waMwari.”—Judha 19; Zvirevo 16:28. b

Zviri munyaya ino

 Chii chinoita kuti tide kuva shamwari dzaMwari?

 Tinoda kuva shamwari dzaMwari kana kuti kuva pedyo naye nekuti takasikwa nemufananidzo waMwari. (Genesisi 1:27) Ndokusaka vanhu vakawanda vachikoshesa uye vachida kuziva nezvezvinhu zvavasingakwanisi kuona kana kubata.

 Takasikwa tichikwanisa kutevedzera unhu hwaJehovha c Mwari, hwakadai serugare, tsitsi, uye kusasarura. (Jakobho 3:17) Uyewo, Mwari anopa mweya wake mutsvene kune vaya vanoedza kumuteerera.—Mabasa 5:32.

 Nei zvichikosha kuva shamwari yaMwari?

 Kuva shamwari yaMwari kunoita kuti munhu ave ‘neupenyu nerugare.’ (VaRoma 8:6) Hakuna chimwe chinokosha kupfuura zvipo izvi zvatinopiwa naMwari.

  •   Upenyu: Mwari anovimbisa kupa shamwari dzake upenyu husingaperi.—Johani 17:3; VaGaratiya 6:8.

  •   Rugare: Izvi zvinoreva kuva nerugare naMwari. Vanhu vanongoisa pfungwa dzavo pazvinhu zvavanoda vavengi vaMwari. (VaRoma 8:7) Uyewo, Mwari anoita kuti vaya vanoedza kuva neushamwari naye vave ‘nerugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwese.’ (VaFiripi 4:6, 7) Rugare irworwo runoita kuti vave nemufaro.—Mateu 5:3.

 Ndingaitei kuti ndive neushamwari naMwari?

  •   Dzidza uye teerera mitemo yaMwari. Unogona kuita izvi nekuverenga Bhaibheri, umo maunowana mafungiro aMwari akanyorwa nevarume ‘vaitungamirirwa nemweya mutsvene.’ (2 Petro 1:21) Zvauchadzidza zvichakubatsira kunamata Mwari “mumweya nemuchokwadi,” uchitungamirirwa nemweya mutsvene uye uchiita zvaanoda.—Johani 4:24.

  •   Nyengetera uchikumbira kubatsirwa naMwari. (Ruka 11:13) Mwari achakubatsira kuti uve neunhu hunoratidza kuti uri munhu wemweya. (VaGaratiya 5:22, 23) Kunyengetera kuchakubatsirawo kuti uve neuchenjeri hwekutsungirira matambudziko auchasangana nawo.—Jakobho 1:5.

  •   Shamwaridzana nevanhu vane ushamwari hwakanaka naMwari. Vachakukurudzira kuti usimbise ushamwari hwako naMwari. (VaRoma 1:11, 12) Asi kushamwaridzana nevanhu vane mafungiro anopesana nezvinodiwa naMwari kunokanganisa ushamwari hwako naye.—Jakobho 4:4.

 Ndinofanira kuenda kuchechi kuti ndive neushamwari hwakanaka naMwari here?

 Kungoenda kuchechi handiko kunoita kuti munhu ave neushamwari hwakanaka naMwari. Bhaibheri rinoti: “Kana munhu achifunga kuti ari kunamata Mwari, asi asingadzori rurimi rwake zvakasimba, ari kunyengera mwoyo wake, uye kunamata kwake hakuna zvakunobatsira.”—Jakobho 1:26.

 Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinoratidza kuti vanhu vane ushamwari hwakanaka naMwari vanomunamata nenzira yaanoda. Vanobvuma kuti kungori “nemweya mumwe chete” kureva mweya mutsvene waMwari. Mweya iwoyo unoita kuti vanamate Mwari ‘semuviri mumwe chete,’ kana kuti seungano imwe chete inochengeta “kubatana kwemweya muchisungo cherugare.”—VaEfeso 4:1-4.

 Nhema dzinotaurwa nevamwe nezvekuva neushamwari naMwari kana kuti kuva munhu wemweya

 Zvavanotaura: Kuva munhu wemweya kunosanganisira kurarama nenzira chero ipi zvayo ichaita kuti ugutsikane muupenyu.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Bhaibheri rinoratidza kuti kuva munhu wemweya kunoreva kurarama uchitungamirirwa nemafungiro aMwari. Harikurudziri vanhu kuti vararame vachiedza kuita zvavanofunga kuti zvakanaka asi vasingadi kuteerera zvinotaurwa naMwari. Vanhu vemweya vanogutsikana nekubvuma kuti Jehovha ndiye Musiki wavo uye vanorarama upenyu hwavo zvinoenderana nechinangwa chake.—Pisarema 100:3.

 Zvavanotaura: Munhu wemweya anogona kusimbisa ushamwari hwake naMwari nekuzvinyima zvimwe zvinhu zvaanofarira muupenyu kana kuzvirwadzisa.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Munhu paanozvirwadzisa anenge achiita ‘manamatiro ake ekuzvisarudzira’ uye kuita izvozvo kunotoratidza kuti ane mafungiro enyama. (VaKorose 2:18, 23) Bhaibheri rinoratidza kuti munhu wemweya anogara achifara, kwete kuzvirwadzisa.—Zvirevo 10:22.

 Zvavanotaura: Kuita zvinhu zvinoita kuti ukwanise kutaura nezvisikwa zvemweya, kusanganisira kuita zvemidzimu, kunoita kuti uve munhu wemweya.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Imwe nzira yekuita zvemidzimu, ndeyekutenda kuti vanhu vakafa vanokwanisa kutaura nevapenyu. Asi Bhaibheri rinodzidzisa kuti vakafa havana chavanoziva. (Muparidzi 9:5) Kana munhu achiita zvemidzimu anenge achitotaura nezvisikwa zvemweya zvinopikisana naMwari. Kuita izvozvo kunotsamwisa Mwari uye kunoita kuti munhu atadze kuva neushamwari naye.—Revhitiko 20:6; Dheuteronomi 18:11, 12.

 Zvavanotaura: Zvisikwa zvese zvinokwanisa kuva neushamwari naMwari.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Zvinhu zvese zvakasikwa naMwari zvinoita kuti akudzwe. (Pisarema 145:10; VaRoma 1:20) Asi vanhu nengirozi chete ndivo vanokwanisa kuva neushamwari naMwari. Mhuka dzinongoita zvinhu maererano nemasikirwo adzakaitwa, uye hadzikwanisi kuva neushamwari naMwari. Zvese zvadzinoita, dzinozviita kuti dzirarame. (2 Petro 2:12) Ndokusaka Bhaibheri richisiyanisa mafungiro nemaitiro emunhu wemweya, nemafungiro nemaitiro eumhuka.—Jakobho 3:15; Judha 19.

a MuBhaibheri shoko rekuti “mweya” rinoreva “mhepo yekufema.” Rinorevawo chimwe chinhu chisingaoneki nemaziso asi uchiona basa rachinoita. Bhaibheri rinoti Mwari Mweya uye akakwirira kupfuura zvimwe zvisikwa zvese zvemweya. Munhu wemweya anosarudza kutungamirirwa nemweya mutsvene waMwari uye anoita zvinodiwa naMwari.

b Bhaibheri parinoshandisa mashoko ekuti munhu “wenyama” rinenge richireva vanhu vanoita zvinhu vaine chinangwa chekungogutsa zvido zvavo zvenyama, vasingafungi zvinodiwa naMwari.

c Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.—Pisarema 83:18.