Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinotii Nezvehasha?

Bhaibheri Rinotii Nezvehasha?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri rinotaura kuti kana munhu akasadzora hasha, zvinomukanganisa iye wacho uyewo vamwe. (Zvirevo 29:22) Zvinonzwisisika kuti pane dzimwe nguva munhu anogona kunzwa hasha, asi Bhaibheri rinoti vaya vanoramba ‘vakafufutirwa nehasha’ havazogari muUmambo hwaMwari. (VaGaratiya 5:​19-​21) Bhaibheri rine mazano anobatsira kuti munhu akwanise kudzora hasha.

 Kunzwa hasha kwakaipa nguva dzese here?

 Aiwa. Dzimwe nguva panogona kunge paine chikonzero chine musoro chaita kuti munhu anzwe hasha. Semuenzaniso, Nehemiya ‘akatsamwa kwazvo’ paakaziva kuti vamwe vaainamata navo vakanga vachidzvinyirirwa.​—Nehemiya 5:6.

 Dzimwe nguva Mwari anonzwawo hasha. Semuenzaniso, vaIsraeri pavakatanga kunamata vanamwari venhema panzvimbo pekunamata iye chete, ‘Jehovha akavatsamwira kwazvo.’ (Vatongi 2:13, 14) Kunyange zvakadaro, Jehovha Mwari haazivikanwi saMwari wehasha. Paanoita hasha panenge paine chikonzero chakanaka uye anokwanisa kudzidzora.​—Eksodho 34:6; Isaya 48:9.

 Kunzwa hasha kusina kunaka

 Kunzwa hasha kusingadzorwi uye pasina chikonzero chine musoro hakuna kunaka. Kakawanda kacho ndizvo zvatinoita nemhaka yechivi chatiinacho. Semuenzaniso:

  •   Kaini “akatsamwa kwazvo” Mwari paasina kugamuchira chibayiro chake. Akaramba akatsamwa zvekuti akatozopedzisira auraya munin’ina wake.​—Genesisi 4:3-8.

  •   Muprofita Jona “akatsamwa kwazvo” Mwari paakaregerera vaNinivhi. Mwari akatsiura Jona, achimuudza kuti akanga asina chikonzero chekutsamwa uye kuti aifanira kunzwira tsitsi vanhu ivava vainge vapfidza.​—Jona 3:10–4:1, 4,11. a

 Mienzaniso iyi inoratidza kuti hasha dzinoitwa nevanhu, “hadziiti kuti pave nokururama kwaMwari.”​—Jakobho 1:20.

 Ungadzora sei hasha?

  •   Funga zvakaipira kusadzora hasha. Vamwe vanofunga kuti kuratidza hasha kunoita kuti vasadheererwa. Asi chokwadi ndechekuti munhu asingakwanisi kudzora hasha ane dambudziko. Bhaibheri rinoti: “Munhu asingazvidzori akaita seguta rakaputswa, risina rusvingo.” (Zvirevo 25:28; 29:11) Asi kana tikakwanisa kudzora hasha, tinenge tichiratidza kuti takachenjera. (Zvirevo 14:29) Bhaibheri rinoti: “Munhu anononoka kutsamwa ari nani pane murume ane simba.”​—Zvirevo 16:32.

  •   Dzora hasha usati waita zvinhu zvaunozodemba. Pisarema 37:8 inoti, “Rega kutsamwa, usiye hasha; usashatirwa kuti ungoita zvakaipa.” Patinonzwa hasha tinogona kusarudza kurega kutsamwa tisati ‘taita zvakaipa.’ VaEfeso 4:26 inoti, “Tsamwai henyu, asi musatadza.”

  •   Kana zvichiita, ibva paunotanga kunzwa hasha. Bhaibheri rinoti, “Kutanga kwokukakavara kwakaita somunhu anovhurira mvura; saka ibva kupopotedzana kusati kwatanga.” (Zvirevo 17:14) Kunyange zvazvo zvakanaka kukurumidza kugadzirisa kusanzwisisana, mese muri vaviri munofanira kumbotanga madzikama musati matanga kukurukura.

  •    Tanga wanzwisisa nyaya yacho. Zvirevo 19:11 inoti: “Njere dzomunhu dzinodzora kutsamwa kwake.” Hatifaniri kukurumidza kutsamwa tisati tanzwisisa nyaya yacho. Kana tikanyatsoteerera zvese zvakaitika, hatizotsamwi pasina chikonzero.​—Jakobho 1:19.

  •    Nyengetera kuti uve nerugare mupfungwa. Munyengetero unogona kuita kuti uve ‘nerugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose.’ (VaFiripi 4:7) Kana tikanyengeterera mweya mutsvene, Mwari anotipa uye unotibatsira kuti tive neunhu hwakadai serugare, mwoyo murefu uye kuzvidzora.​—Ruka 11:13; VaGaratiya 5:22, 23.

  •   Ngwarira pakusarudza shamwari. Tinowanzotevedzera zvinoitwa nevanhu vatinotamba navo. (Zvirevo 13:20; 1 VaKorinde 15:33) Ndosaka Bhaibheri richiti: “Usashamwaridzana nomunhu asingatani kutsamwa; uye usafambidzana nomunhu ane hasha kwazvo, kuti urege kudzidza nzira dzake woteyera mweya wako musungo.”​—Zvirevo 22:24, 25.

a Jona akabvuma kutsiurwa uye haana kuramba akatsamwa. Izvi tinozviona nekushandiswa kwaakaitwa naMwari kunyora bhuku rine zita rake.