Enda pane zvauri kuda

Zvinorevei ‘Kukudza Baba Naamai Vako’?

Zvinorevei ‘Kukudza Baba Naamai Vako’?

Mhinduro yeBhaibheri

 Murayiro wekuti “kudza baba vako naamai vako” unowanika kakawanda muBhaibheri. (Eksodho 20:12; Dheuteronomio 5:16; Mateu 15:4; VaEfeso 6:2, 3) Murayiro uyu une zvinhu zvina zvinokosha zvinofanira kuitwa.

  1.   Vakoshese. Unokudza baba naamai vako nekutenda zvavakakuitira. Unoratidza kuti unovakoshesa nekushandisa mazano avanokupa. (Zvirevo 7:1, 2; 23:26) Bhaibheri rinokukurudzira kuti uone vabereki vako ‘serunako’ rwako, uye izvi zvinoreva kuti unofanira kudada navo.​—Zvirevo 17:6.

  2.   Vateerere. Kana uchiri mudiki, unokudza baba naamai vako paunovateerera uchiratidza kuti unobvuma kuti vakapiwa simba naMwari. VaKorose 3:20 inoudza vechidiki kuti: “Teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza kwazvo munaShe.” Kunyange Jesu paaiva mudiki aiteerera vabereki vake.​—Ruka 2:51.

  3.   Varemekedze. (Revhitiko 19:3; VaHebheru 12:9) Unofanira kuvaremekedza nezvaunotaura uye nematauriro aunozviita. Dzimwe nguva vabereki vanoita zvinhu zvinoita kuti zvikuomere kuvaremekedza. Kunyange zvakadaro, vana vanogona kukudza vabereki vavo nekusataura kana kuita zvinhu zvinoratidza kusavaremekedza. (Zvirevo 30:17) Bhaibheri rinodzidzisa kuti kutuka baba kana amai vako imhosva yakakura.​—Mateu 15:4.

  4.   Variritire. Vabereki vako pavanokwegura, vanogona kuda kubatsirwa. Unogona kuvakudza nekuedza nepese paunogona napo kuti uvape zvavanenge vachida. (1 Timoti 5:4, 8) Semuenzaniso, Jesu ava pedyo nekufa, akaronga kuti amai vake vazova neanovachengeta.​—Johani 19:25-27.

Nhema dzinotaurwa nevamwe nezvekukudza baba naamai

 Zvavanotaura: Kuti ukudze baba naamai vako, unofanira kuteerera zvese zvavanotaura, wozvishandisa mumba mako.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Bhaibheri rinodzidzisa kuti unofanira kuwirirana nemunhu wawakaroorana naye kupfuura chero ani zvake weukama. Genesisi 2:24 inoti: “Murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira mudzimai wake.” (Mateu 19:4, 5) Vanhu vakaroorana vanogona kubatsirwa nemazano avanopiwa nevabereki vavo uye navanatezvara, vanavamwene kana vanaambuya. (Zvirevo 23:22) Kunyange zvakadaro, vakaroorana vanogona kuronga kuti veukama vanofanira kugumira papi pakuvaudza zvekuita mumba mavo.​—Mateu 19:6.

 Zvavanotaura: Hakuna ane simba rakaenzana nerina baba naamai.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Kunyange zvazvo Mwari akapa vabereki simba mumhuri, simba rine munhu wese rine parinogumira uye haripfuuri rina Mwari. Semuenzaniso, rimwe dare repamusoro parakaudza vadzidzi vaJesu kuti vasateerera Mwari, vakapindura kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.” (Mabasa 5:27-29) Saizvozvowo, vana vanofanira kuteerera vabereki vavo “munaShe,” kureva kuti vanofanira kuteerera zvinhu zvese zvisingapesani nemitemo yaMwari.—VaEfeso 6:1.

 Zvavanotaura: Kuti ukudze baba naamai vako unofanira kunge uchipinda chechi yavo.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Bhaibheri rinotikurudzira kuti tiongorore zvatinenge tichidzidziswa kuti tione kuti ndezvechokwadi here. (Mabasa 17:11; 1 Johani 4:1) Munhu anoita izvozvo anogona kusarudza chechi yakasiyana neyevabereki vake. Bhaibheri rinotaura nezvevashumiri vaJehovha vakatendeka vakati kuti vakanga vasinganamati vanamwari vevabereki vavo. Vamwe vevashumiri ava ndiAbrahamu, Rute, uye muapostora Pauro.​—Joshua 24:2, 14, 15; Rute 1:15, 16; VaGaratiya 1:14-16, 22-24.

 Zvavanotaura: Kuti ukudze baba naamai vako, unofanira kuitawo mitambo yavanoita yekuremekedza madzitateguru.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Bhaibheri rinoti: “Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.” (Ruka 4:8) Munhu anonamata madzitateguru ake anogumbura Jehovha. Bhaibheri rinotodzidzisa kuti “vakafa havana kana chavanoziva.” Vakafa havatombozivi kuti pane ari kuvaremekedza; havagoni kubatsira vapenyu kana kuvakuvadza.​—Muparidzi 9:5, 10; Isaya 8:19.