Enda pane zvauri kuda

Ndingaziva Sei Chechi Yechokwadi?

Ndingaziva Sei Chechi Yechokwadi?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri rakapa mufananidzo unogona kutibatsira kuziva musiyano uri pakati pechechi yechokwadi neyenhema parakati: “Muchavaziva nezvibereko zvavo. Vanhu vanombotanha mazambiringa paminzwa kana maonde parukato here?” (Mateu 7:16) Unogona kusiyanisa muzambiringa nemuti wemunzwa nokutarisa zvibereko zvawo. Unogona kuonawo musiyano wechechi yechokwadi neyenhema nokutarisa zvinoitwamo zvakadai sezvinotevera.

  1.   Chechi yechokwadi inodzidzisa chokwadi chinobva muBhaibheri kwete zvinofungwa nevanhu. (Johani 4:24; 17:17) Izvi zvinosanganisira dzidziso yekuti chii chinonzi mweya uye tariro yekurarama nokusingaperi muparadhiso pano panyika. (Pisarema 37:29; Isaya 35:5, 6; Ezekieri 18:4) Uyewo havanyari kufumura nhema dzinodzidziswa nezvitendero zvenhema.—Mateu 15:9; 23:27, 28.

  2.   Chechi yechokwadi inobatsira vanhu kuti vazive Mwari uye kuti zita rake ndiJehovha. (Pisarema 83:18; Isaya 42:8; Johani 17:3, 6) Haidzidzisi kuti Mwari haanzwisisiki uye haana basa nesu asi inodzidzisa kuti Mwari anotoda kuti tive pedyo naye.—Jakobho 4:8.

  3.   Chechi yechokwadi inodzidzisa kuti Mwari anoponesa vanhu achishandisa Jesu. (Mabasa 4:10, 12) Vanoenda kuchechi yechokwadi vanoteerera mirayiro yaJesu uye vanoedza kutevedzera mararamiro ake.—Johani 13:15; 15:14.

  4.   Chechi yechokwadi inodzidzisa kuti Umambo hwaMwari chete ndihwo huchagadzirisa matambudziko ari panyika. Vanoshingaira kuudza vamwe nezveUmambo ihwohwo.—Mateu 10:7; 24:14.

  5.   Chechi yechokwadi inodzidzisa kuti vanhu vanofanira kudanana zvichibva pasi pemwoyo. (Johani 13:35) Vanodzidzisa kuti vanhu vanofanira kuda munhu wose pasinei nokuti ndewerudzi rwupi, dzinza ripi, anobva kupi, kana kuti ndewemutauro upi. (Mabasa 10:34, 35) Nemhaka yekuti vanoda vamwe havaendi kuhondo.—Mika 4:3; 1 Johani 3:11, 12.

  6.   Chechi yechokwadi haina vatungamiriri vanobhadharwa mari uye havapiwi mazita ekuvakwidziridza.—Mateu 23:8-12; 1 Petro 5:2, 3.

  7.   Chechi yechokwadi haiiti zvematongerwo enyika. (Johani 17:16; 18:36) Asi vanoremekedza uye vanoteerera hurumende yekwavanogara maererano nezvinodzidziswa neBhaibheri parinoti: “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari [kureva hurumende], asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”—Mako 12:17; VaRoma 13:1, 2.

  8.   Vanhu vari muchechi yechokwadi vanotevedzera zvinodzidziswa neBhaibheri mumararamiro avo ezuva nezuva, kwete kuzongozviita musi wavanoenda kuchechi. (VaEfeso 5:3-5; 1 Johani 3:18) Havararami kaupenyu kekuda kuzviomesera asi vanonakidzwa nekushumira “Mwari anofara.”—1 Timoti 1:11.

  9.   Vanhu vari muchechi yechokwadi vashoma. (Mateu 7:13, 14) Vanowanzotarisirwa pasi, kana kusekwa, kunyange kutambudzwa nemhaka yekuti vanoita zvinoda Mwari.—Mateu 5:10-12.

 Kungonakidzwa nezvinoitwa muchechi hakusiriko kunoita kuti inzi ndeyechokwadi

 Zvine ngozi kungoenda kuchechi nemhaka yekuti unonakidzwa nezvinoitwa ikoko. Bhaibheri rakataura kuti ichasvika nguva iyo vanhu ‘vaizozviunganidzira vadzidzisi kuti vafadze nzeve dzavo.’ (2 Timoti 4:3) Bhaibheri rinotikurudzira kutevedzera “kunamata kwakachena uye kusina kusvibiswa mukuona kwaMwari wedu uye Baba vedu,” kunyange kana chechi yacho isingafarirwi nevakawanda.—Jakobho 1:27; Johani 15:18, 19.