Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinoti Chii Nezvedoro? Pane Chakaipa Here Nekurinwa?

Bhaibheri Rinoti Chii Nezvedoro? Pane Chakaipa Here Nekurinwa?

Mhinduro yeBhaibheri

 Kana richinwiwa zvine mwero hapana chakaipa. Bhaibheri rinoti waini chipo chinobva kuna Mwari chinogona kuita kuti upenyu huwedzere kunakidza. (Pisarema 104:14, 15; Muparidzi 3:13; 9:7) Bhaibheri rinotaurawo kuti waini inobatsira pautano.​—1 Timoti 5:23.

 Jesu paakanga ari panyika ainwawo waini. (Mateu 26:29; Ruka 7:34) Chimwe chishamiso chinonyanya kuzivikanwa chakaitwa naJesu, chaiva chokuchinja mvura kuti ive waini pane mumwe muchato.​—Johani 2:1-10

Zvakaipira kunwisa doro

 Kunyange zvazvo Bhaibheri richitaura zvakanakira waini, rinoshora kunwisa nekudhakwa. Saka, kana muKristu akasarudza kunwa, anofanira kunwa zvine mwero. (1 Timoti 3:8; Tito 2:2, 3) Bhaibheri rinopa zvikonzero zvakawanda zvakaipira kunwisa.

  •   Kunovhiringidza mafungiro uye kunotadzisa munhu kuita zvisarudzo zvakanaka. (Zvirevo 23:29-35) Maererano nezvinorayirwa neBhaibheri, munhu anenge adhakwa haazokwanisi ‘kupa muviri wake sechibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari, iro basa dzvene nesimba rake rokufunga.’​—VaRoma 12:1.

  •   Kunwisa kunoita kuti munhu atadze kuzvidzora pane zvaanoita uye kunomutadzisa ‘kuita zvinhu zvakanaka.’​—Hosiya 4:11; VaEfeso 5:18.

  •   Kunogona kuita kuti munhu agume ava murombo uye ava nezvirwere zvinouraya.​—Zvirevo 23:21, 31, 32.

  •   Kunwisa nekudhakwa kunogumbura Mwari.​—Zvirevo 23:20; VaGaratiya 5:19-21.

Munhu angazonzi anwisa kana zvaita sei?

 Munhu anozonzi anwisa kana zvava kuita kuti aite zvinhu zvinogona kumukuvadzisa kana kukuvadzisa vamwe. Bhaibheri parinotaura nezvekudhakwa haringorevi munhu anenge ati rabada, asi kana ava kudzedzereka, avhiringidzika, ava kungoita nharo kana kuti ava kutadza kutaura zvakanaka, anenge atodhakwa. (Jobho 12:25; Pisarema 107:27; Zvirevo 23:29, 30, 33) Munhu ‘akanwisa’ kunyange asina kudhakwa, zvinogona kupedzisira zvamupinza mumatambudziko.​—Ruka 21:34, 35.

Kutosiyana naro zvachose

 Bhaibheri rinoratidzawo zvingazoita kuti muKristu atorega kunwa zvachose:

  •   Kana zvichizogumbura vamwe.​—VaRoma 14:21.

  •   Kana kunwa kuchiita kuti atyore mutemo wenyika.​—VaRoma 13:1.

  •   Kana asingazogoni kuzvidzora pakunwa kwaanoita. Vaya vane dambudziko rekunwa vanofanira kutora matanho akasimba ekukurira dambudziko ravo.​—Mateu 5:29, 30.