Enda pane zvauri kuda

Jesu Ndiye Mesiya Anotaurwa Muuprofita Here?

Jesu Ndiye Mesiya Anotaurwa Muuprofita Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Hongu. Paaiva panyika, Jesu akazadzisa uprofita hwakawanda hwaitaura ‘nezvaMesiya Mutungamiriri,’ uyo aizova “Muponesi wenyika.” (Dhanieri 9:25; 1 Johani 4:14) Kunyange pashure pekunge afa, Jesu akaramba achizadzisa uprofita hune chekuita naMesiya.​—Pisarema 110:1; Mabasa 2:34-36.

 Zita rekuti “Mesiya” rinorevei?

 Shoko rechiHebheru rekuti Ma·shiʹach (Mesiya) uye rechiGiriki racho rekuti Khri·stos (Kristu) ese anoreva “Munhu akazodzwa.” Saka, “Jesu Kristu” zvinoreva kuti “Jesu, Munhu akazodzwa,” kana kuti “Jesu, Mesiya.”

 Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, munhu aitanga aiswa mafuta mumusoro wake kuti azoita basa rinokosha. (Revhitiko 8:12; 1 Samueri 16:13) Jesu akasarudzwa naMwari kuti ave Mesiya uye ichi chinzvimbo chakakura. (Mabasa 2:36) Jesu akazodzwa nemweya mutsvene waMwari kwete nemafuta.​—Mateu 3:16.

 Zvinoita here kuti vanhu vanopfuura mumwe chete vazadzise uprofita hwaMesiya?

 Hazviiti. Sezvinoita mafingerprint ayo anongova emunhu mumwe chete, uprofita hwakazadzika hweBhaibheri, hunongoratidza Mesiya mumwe chete, kana kuti Kristu. Zvisinei, Bhaibheri rinoyambira kuti “vanaKristu venhema nevaprofita venhema vachamuka uye vachaita zviratidzo zvikuru nezvishamiso kuti kana zvichibvira vatsause kunyange vakasarudzwa.”​—Mateu 24:24.

 Mesiya anogona kuzooneka mune ramangwana here?

 Aiwa. Bhaibheri rakagara rataura kuti Mesiya aizova wedzinza raMambo Dhavhidhi weIsraeri. (Pisarema 89:3, 4) Zvisinei, magwaro echiJudha anoratidza dzinza raDhavhidhi haasisiko, pamwe akaparara vaRoma pavakakunda Jerusarema muna 70 C.E. a Kubvira ipapo, zvakanga zvisisiri nyore kuti munhu ape umboo hunoratidza kuti aiva mudzinza reumambo raDhavhidhi. Asi magwaro iwayo aivapo panguva yakararama Jesu, uye kunyange vavengi vake havana kuramba kuti aiva muzukuru waDhavhidhi.​—Mateu 22:41-46.

 MuBhaibheri mune uprofita hungani hune chekuita naMesiya?

 Hatikwanisi kunyatsotaura kuti uprofita hwaMesiya hungani nenhamba chaiyo. Semuenzaniso, nzira yekuverenga nayo uprofita inogona kusiyana kunyange pauprofita hunotozivikanwa kuti ndehwaMesiya. Mashoko ari pana Isaya 53:2-7 anotaura zvinhu zvakasiyana-siyana nezvaMesiya. Vamwe vanogona kuti mashoko ese ari mumavhesi acho uprofita humwe chete, asi vamwe vanogona kuverenga chimwe nechimwe seuprofita.

 Humwe uprofita hwaMesiya hwakazadziswa

Uprofita

Pahwakanyorwa

Pahwakazadziswa

Wedzinza raAbrahamu

Genesisi 22:17, 18

Mateu 1:1

Ndewedzinza raIsaka mwanakomana waAbrahamu

Genesisi 17:19

Mateu 1:2

Akaberekerwa murudzi rwevaIsraeri rwaJudha

Genesisi 49:10

Mateu 1:1, 3

Ndewedzinza reumambo raMambo Dhavhidhi

Isaya 9:7

Mateu 1:1

Akaberekwa nemhandara

Isaya 7:14

Mateu 1:18, 22, 23

Akaberekerwa kuBhetrehema

Mika 5:2

Mateu 2:1, 5, 6

Anonzi Emanueri b

Isaya 7:14

Mateu 1:21-23

Kuberekwa kwake kwaisashamisira

Isaya 53:2

Ruka 2:7

Vana vadiki vakaurayiwa paakazvarwa

Jeremiya 31:15

Mateu 2:16-18

Akadanwa kubva muIjipiti

Hosiya 11:1

Mateu 2:13-15

Anonzi weNazareta c

Isaya 11:1

Mateu 2:23

Pane nhume yakamugadzirira nzira

Maraki 3:1

Mateu 11:7-10

Akazodzwa saMesiya muna 29 C.E. d

Dhanieri 9:25

Mateu 3:13-17

Mwari akaratidza kuti Mwanakomana wake

Pisarema 2:7

Mabasa 13:33, 34

Akashingairira imba yaMwari

Pisarema 69:9

Johani 2:13-17

Akazivisa mashoko akanaka

Isaya 61:1

Ruka 4:16-21

Ushumiri hwake muGarireya hwaiva chiedza chikuru

Isaya 9:1, 2

Mateu 4:13-16

Aiita zvishamiso saMosesi

Dheuteronomio 18:15

Mabasa 2:22

Akataura pfungwa dzaMwari saMosesi

Dheuteronomio 18:18, 19

Johani 12:49

Akaporesa urwere hwevakawanda

Isaya 53:4

Mateu 8:16, 17

Haana kuzvikudza

Isaya 42:2

Mateu 12:17, 19

Akanzwira tsitsi vaitambura

Isaya 42:3

Mateu 12:9-20; Mako 6:34

Akaratidza kururama kwaMwari

Isaya 42:1, 4

Mateu 12:17-20

Mupi zano anoshamisa

Isaya 9:6, 7

Johani 6:68

Akazivisa zita raJehovha

Pisarema 22:22

Johani 17:6

Aitaura achishandisa mifananidzo

Pisarema 78:2

Mateu 13:34, 35

Mutungamiriri

Dhanieri 9:25

Mateu 23:10

Vakawanda havana kumutenda

Isaya 53:1

Johani 12:37, 38

Dombo rinogumbura

Isaya 8:14, 15

Mateu 21:42-44

Akarambwa nevanhu

Pisarema 118:22, 23

Mabasa 4:10, 11

Akavengwa pasina chikonzero

Pisarema 69:4

Johani 15:24, 25

Akapinda muJerusarema achikudzwa akatasva dhongi

Zekariya 9:9

Mateu 21:4-9

Akarumbidzwa nevana

Pisarema 8:2

Mateu 21:15, 16

Akauya muzita raJehovha

Pisarema 118:26

Johani 12:12, 13

Akatengeswa neshamwari

Pisarema 41:9

Johani 13:18

Akatengeswa nezvidimbu 30 zvesirivha e

Zekariya 11:12, 13

Mateu 26:14-16; 27:3-10

Shamwari dzake dzakamutiza

Zekariya 13:7

Mateu 26:31, 56

Zvapupu zvenhema zvakamupomera

Pisarema 35:11

Mateu 26:59-61

Akaramba akanyarara pamberi pevaimupomera

Isaya 53:7

Mateu 27:12-14

Akapfirwa mate

Isaya 50:6

Mateu 26:67; 27:27, 30

Akarohwa mumusoro

Mika 5:1

Mako 15:19

Akazvamburwa

Isaya 50:6

Johani 19:1

Haana kuramba kurohwa

Isaya 50:6

Johani 18:22, 23

Vatungamiriri vehurumende vakaronga kumuuraya

Pisarema 2:2

Ruka 23:10-12

Akarovererwa padanda mumaoko nemakumbo

Pisarema 22:16

Mateu 27:35; Johani 20:25

Vanhu vakakandira nguo dzake mijenya

Pisarema 22:18

Johani 19:23, 24

Akaverengwa pamwe nevatadzi

Isaya 53:12

Mateu 27:38

Akatukwa

Pisarema 22:7, 8

Mateu 27:39-43

Akatambudzikira vatadzi

Isaya 53:5, 6

1 Petro 2:23-25

Akaita searambwa naMwari

Pisarema 22:1

Mako 15:34

Akapiwa vhiniga uye nduru kuti anwe

Pisarema 69:21

Mateu 27:34

Akanzwa nyota ava kuda kufa

Pisarema 22:15

Johani 19:28, 29

Akaisa simba rake reupenyu mumaoko aMwari

Pisarema 31:5

Ruka 23:46

Akapa upenyu hwake

Isaya 53:12

Mako 15:37

Akafa kuti atisunungure pachivi

Isaya 53:12

Mateu 20:28

Mapfupa ake haana kutyorwa

Pisarema 34:20

Johani 19:31-33, 36

Akabvoorwa

Zekariya 12:10

Johani 19:33-35, 37

Akavigwa nevapfumi

Isaya 53:9

Mateu 27:57-60

Akamutswa kubva kuvakafa

Pisarema 16:10

Mabasa 2:29-31

Nzvimbo yemunhu akamutengesa yakapiwa mumwe munhu

Pisarema 109:8

Mabasa 1:15-20

Akagara kuruoko rwerudyi rwaMwari

Pisarema 110:1

Mabasa 2:34-36

a McClintock and Strong’s Cyclopedia rinoti: “Hapana mubvunzo kuti magwaro aiva nemazita emhuri uye madzinza evaJudha akaparara pakaparadzwa Jerusarema.”

b Zita rechiHebheru rekuti Emanueri, iro rinoreva kuti “Mwari anesu,” rinonyatsoratidza basa raJesu saMesiya. Kuuya kwaakaita panyika uye mabasa aakaita akaratidza kuti Mwari anoda vashumiri vake.​—Ruka 2:27-32; 7:12-16.

c Shoko rekuti “Nazareta” rinofanira kunge richibva pashoko rechiHebheru rekuti neʹtser, rinoreva kuti “bukira.”

d Kuti uwane mamwe mashoko anotsanangura zviri muBhaibheri pamusoro pegore ra29 C.E. rakasvika Mesiya, ona nyaya ine musoro unoti “Kuzivisa Kunoita Uprofita hwaDhanieri Kusvika kwaMesiya.”

e Uprofita uhwu huri mubhuku raZekariya, asi mumwe munyori weBhaibheri Mateu anoti “zvakataurwa pachishandiswa muprofita Jeremiya.” (Mateu 27:9) Zvinoita sekuti dzimwe nguva bhuku raJeremiya raiiswa pekutanga pamabhuku eMagwaro ainzi “Zvakanyorwa nevaprofita.” (Ruka 24:44) Mateu anofanira kunge akashandisa zita rekuti “Jeremiya” achireva mabhuku iwayo ese, ayo aisanganisirawo raZekariya.