Enda pane zvauri kuda

Pane Akamboona Mwari Here?

Pane Akamboona Mwari Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Hapana munhu akamboona Mwari. (Eksodho 33:20; Johani 1:18; 1 Johani 4:12) Bhaibheri rinoti “Mwari Mudzimu,” kana kuti Mweya saka hazviiti kuti aonekwe nemunhu wenyama.​—Johani 4:24; 1 Timoti 1:17.

 Ngirozi ndidzo dzinogona kumuona nokuti dzine muviri wakafanana newake. (Mateu 18:10) Pane vamwe vachamutswa voenda kudenga asi pakumutswa kwacho vachange vava nemiviri yemweya ichaita kuti vakwanise kuona Mwari.​—VaFiripi 3:20, 21; 1 Johani 3:2.

Pane panganziwo munhu wenyama ava kuona Mwari here?

 Kakawanda Bhaibheri rinofananidza kuona nokuzarurirwa kana kuti kubatsirwa kunzwisisa zvinhu. (Isaya 6:10; Jeremiya 5:21; Johani 9:39-41) Saka kana munhu akatenda muna Mwari omunamata, munhu wacho anenge ava kuona Mwari. (VaEfeso 1:18) Bhaibheri rinotaura zvatingaita kuti titende muna Mwari.

Ingawani Bhaibheri rinoti Mosesi, Abrahamu nevamwe vakaona Mwari?

 MuBhaibheri pazvinonzi vanhu vakaona Mwari, chavaiona ingirozi dzaimiririra Mwari kana kuti vakaoneswa Mwari vachiita sokunge vari kurota. Tinoona izvi kana tikatarisa kuri kubva nekuri kuenda nyaya yacho.

Ngirozi.

Kare kare, Mwari aitumira ngirozi dzake kuti dzinotaura nevanhu dzichimumiririra. (Pisarema 103:20) Somuenzaniso Mwari akambotaura naMosesi ari mugwenzi raibvira, uye Bhaibheri rinoti ‘Mosesi akafukidza musoro wake nokuti akatya kutarisa Mwari wechokwadi.’ (Eksodho 3:4, 6) Izvi hazvirevi kuti akaona Mwari nokuti kuri kutangira nyaya yacho kunoratidza kuti akaona “ngirozi yaJehovha.”​—Eksodho 3:2.

 Bhaibheri parinoti Mwari naMosesi vaitaurirana ‘zviso zvavo zvakatarisana’ riri kureva kuti vaitaura vose sezvinongoita shamwari neshamwari. (Eksodho 4:10, 11; 33:11) Mwari akashandisa ngirozi kuti dzipe Mosesi mutemo saka hatingati akaona chiso chaMwari. (VaGaratiya 3:19; Mabasa 7:53) Kunyange zvakadaro, Mosesi aitenda zvakasimba muna Mwari zvokuti Bhaibheri rinomuti “aiona Uyo asingaoneki.”​—VaHebheru 11:27.

 Mwari akataurawo naAbrahamu achishandisa ngirozi sezvaakanga amboita naMosesi. Kana munhu akaverenga Bhaibheri asingadzamisi pfungwa anogona kufunga kuti Abrahamu akaona Mwari. (Genesisi 18:1, 33) Zvisinei, kuri kuenda nenyaya kunoratidza kuti “varume vatatu” vakashanyira Abrahamu vaiva ngirozi dzakanga dzatumwa naMwari. Abrahamu akaziva kuti varume vacho vaimiririra Mwari saka akataura navo sokunge ari kutaura naJehovha.​—Genesisi 18:2, 3, 22, 32; 19:1.

Vanhu vakaita zvokuoneswa.

Somuenzaniso, Bhaibheri parinoti Mosesi nevamwe vaIsraeri “vakaona Mwari waIsraeri” rinenge richireva kuti vakaita zvokuoneswa sokunge vari kurota. (Eksodho 24:9-11) Izvi ndizvo zvinenge zvichirehwa parinotaurawo kuti vaprofita ‘vakaona Jehovha.’ (Isaya 6:1; Dhanieri 7:9; Amosi 9:1) Munyaya dzacho dzose vaprofita vacho pavaiona Mwari vaiita sokunge vari kurota.​—Isaya 1:1; Dhanieri 7:2; Amosi 1:1.