Enda pane zvauri kuda

Mwari Utatu Here?

Mwari Utatu Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Zvitendero zvakawanda zvechiKristu zvinodzidzisa kuti Mwari Utatu. Asi chimboona zvinotaurwa nebhuku rinonzi Encyclopædia Britannica: “Shoko rokuti Utatu kana kuti dzidziso yacho hazviwaniki muTestamende Itsva . . . Dzidziso iyi yakatanga zvishoma nezvishoma kwemazana emakore uye pachiwanzova nokukavadzana chaizvo nezvayo.”

 Kutaura chokwadi, Mwari anotaurwa nezvake muBhaibheri hapana paanomborondedzerwa sechikamu pana vanamwari vatatu. Ona zvinotaurwa nemavhesi aya eBhaibheri:

 “Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete.”​—Dheuteronomio 6:4.

 “Imi, mune zita rokuti Jehovha, imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.”​—Pisarema 83:18.

 “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.”​—Johani 17:3.

 “Mwari anongova mumwe chete.”​—VaGaratiya 3:20.

 Sei zvitendero zvakawanda zvechiKristu zvichiti Mwari Utatu?