Enda pane zvauri kuda

Zita raMwari ndiJesu Here?

Zita raMwari ndiJesu Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Jesu pachake aizviti “Mwanakomana waMwari.” (Johani 10:​36; 11:4) Jesu haana kumbozviti ndiMwari Wemasimbaose.

 Jesu aitonyengetera kuna Mwari. (Mateu 26:​39) Uye paaidzidzisa vateverei vake kunyengetera, Jesu akati: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.”​—Mateu 6:9.

 Jesu akataura zita raMwari paakataura mashoko akanga ari mune imwe ndima yeMagwaro ekare yaiti: “Inzwa, haiwa iwe Israeri, Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete.”​—Mako 12:​29; Dheuteronomio 6:4.