Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ko Kana Ndisingachadi Zvekurarama?

Ko Kana Ndisingachadi Zvekurarama?

 “Makore mashoma adarika, ndaishungurudzika zvakanyanyisa zvekuti ndainzwa sekuti ndiri kungogara ndichiedza kudzimura moto. Pese pandainzwa saizvozvo, ndaifunga kuzviuraya. Kutaura chokwadi, ndakanga ndisingadi kufa. Ndaingoda kuti kurwadziwa kwandaiita kupere.”—Jonathan, 17.

 Pane imwe ongororo yakaitwa pavana vanenge 14 000 vari kusekondari, anenge mumwe chete pa5 vega vega akataura kuti ainge ambofunga kuzviuraya mumwedzi 12 yainge yadarika. a Zvii zvaungaita kana uchimbonzwa sekuti kufa kuri nani?

  •   Imbomira. Gara wazviudza kuti hausi kuzokurumidza kuita zvinenge zvangouya mupfungwa. Kunyange zvazvo matambudziko ako achiita sekuti akanyanya kukuwandira, pane rubatsiro rwaunogona kuwana kuti uakunde.

 Unogona kunzwa sekuti matambudziko ako haagadzirisiki. Asi kunzwa saizvozvo hakurevi kuti ndizvo zvazviri chaizvo. Kune nzira dzakawanda dzekugadzirisa nadzo dambudziko rako. Kana ukawana rubatsiro rwauri kuda, dambudziko rako rinogona kupera nekukurumidza.

  •  Zvinotaurwa neBhaibheri: “Tinoomerwa munzira dzese, asi hatiomerwi zvekutadza kufamba; tinovhiringidzika, asi kwete zvekushaya pekubuda napo.”—2 VaKorinde 4:8.

     Zvaungaita: Kana uri kugara uchingofunga nezvekuzviuraya, tsvaga kuti rubatsiro rupi rwaunogona kuwana. Pamwe unogona kufonera vanobatsira vanhu vanenge vachida kuzviuraya (suicide-prevention hotline) kana kuenda kuchipatara. Vanhu vanoshanda ikoko vakadzidziswa kubatsira vanhu uye vanonyatsoda kukubatsira.

  •   Taura nemumwe munhu. Pane vanhu vane hanya newe uye vanoda kukubatsira avo vanosanganisira shamwari dzako uye vemumhuri mako. Vanogona kunge vasiri kuziva zvauri kusangana nazvo, saka vaudze.

 Vamwe vanhu vanoda magirazi kuti vaone zvakanaka. Saizvozvowo, shamwari inogona kukubatsira kuti uve nemaonero akanaka uye uvezve nechido chekurarama.

  •  Zvinotaurwa neBhaibheri: “Shamwari yechokwadi . . . yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

     Zvaungaita: Paunokurukura nemumwe munhu unogona kutanga uchiti: “Pane zvinhu zviri kundinetsa mazuva ano. Zvinoita here kuti ndikuudze nezvazvo?” Kana kuti unogona kuti: “Ndine dambudziko randiinaro randisiri kukwanisa kugadzirisa ndega. Ungandibatsirawo here?”

  •   Enda kunoona chiremba. Zvirwere zvakadai sekuora mwoyo kana kuti depression zvinogona kuita kuti munhu aone sekuti kufa kuri nani. Chinofadza ndechekuti zvirwere izvozvo zvinorapika.

 Kufanana nechirwere cheflu icho chinogona kuita kuti usada kudya, depression inogona kukuita kuti usada zvekuramba uchirarama. Asi zvirwere zvacho zviri zviviri zvinorapika.

  •  Zvinotaurwa neBhaibheri: “Vanhu vane utano hwakanaka havadi chiremba, asi vaya vanorwara vanomuda.”—Mateu 9:12.

     Zvaungaita: Wana nguva yakakwana yekurara uye yekuekisesaiza, uye ramba uchidya zvekudya zvine utano. Kuva neutano hwakanaka kunogona kubatsira kuti unzwe zviri nani.

  •   Nyengetera. Bhaibheri rinoti Musiki wedu “mukuru kupfuura mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvese.” (1 Johani 3:20) Wadii kunyengetera kwaari nhasi chaiye? Shandisa zita rake rekuti Jehovha, uye taura zvichibva pamwoyo.

 Mimwe mitoro inonyanya kurema zvekuti haukwanisi kuitakura wega. Musiki wako, Jehovha, anoda kukubatsira.

  •  Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zvikumbiro zvenyu ngazviziviswe Mwari . . . uye rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwese ruchachengetedza mwoyo yenyu nepfungwa dzenyu.”—VaFiripi 4:6, 7.

     Zvaungaita: Pane kuudza Jehovha nezvematambudziko ako, funga nezvechinhu chimwe chete chakanaka chaunogona kumutenda nezvacho nhasi. (VaKorose 3:15) Kuva munhu anoonga kuchakubatsira kuti uise pfungwa dzako pazvinhu zvakanaka.

 Kana uchifunga kuti kufa kuri nani, tsvaga rubatsiro. Ndizvo zvakaitwa naJonathan uyo akataura mashoko ari patangira nyaya ino. Anoti: “Ndaifanira kutaura nevabereki vangu kakawanda uye kuwana rubatsiro kuna vanachiremba. Asi iye zvino ndava nani chaizvo. Kunyange zvazvo ndichimbosurukirwa dzimwe nguva, iye zvino handichanetseki nepfungwa dzekuda kuzviuraya.”

a Ongororo iyi yakaitwa muna 2019 nesangano rinonzi U.S. Centers for Disease Control and Prevention.