Enda pane zvauri kuda

Nei Vabereki Vangu Vasingandipiwo Nguva Yokumbofara?

Nei Vabereki Vangu Vasingandipiwo Nguva Yokumbofara?

Funga nezvemuenzaniso uyu:

Uri kuda kuenda kupati asi hauna chokwadi kana vabereki vako vachizokubvumira kuendako. Chii chaungaita pane zviri pasi apa?

  1.  USAVAKUMBIRA—INGOENDA

  2.  USAVAKUMBIRA—INGOREGA KUENDA

  3.  VAKUMBIRE—WOONA KUTI VANOTI KUDII

 1. USAVAKUMBIRA—INGOENDA

 Chikonzero chingaita kuti usarudze kuita izvi: Unoda kuratidza shamwari dzako kuti hapana anokurambidza zvokuita. Unozviona senge unoziva kudarika vabereki vako kana kuti hauremekedzi zvavanenge vataura.—Zvirevo 14:18.

 Zvinozoitika kubva pane zvawasarudza: Shamwari dzako dzinogona kuona sokuti uri muhombe asi vachaonawo chimwe chinhu pauri chokuti hauna kuvimbika. Kana usina kuvimbika kuvabereki vako ndizvo zvaunogona kuitawo kushamwari dzako. Kana vabereki vako vakazozvibata, vacharwadziwa uye vachaona sokuti uri munyengeri uye havazokuitiri zvavaimbokuitira!—Zvirevo 12:15.

 2. USAVAKUMBIRA—INGOREGA KUENDA

 Chikonzero chingaita kuti usarudze kuita izvi: Unenge waona kuti zvichaitwa kupati yacho hazvisi zvinhu zvaunofarira kana kuti haufariri kushamwaridzana nevanhu vanenge vari ikoko. (1 VaKorinde 15:33; VaFiripi 4:8) Asiwo, ungangoda kuenda asi uchishaya kuti woudza sei vabereki vako.

 Zvinozoitika kubva pane zvawasarudza: Kana ukasaenda nemhaka yokuti pane zvisina kunaka zvinogona kuitika kupati ikoko, zvichaita kuti uwane chokupindura shamwari dzako kana dzikakubvunza. Asi kana ukarega kuenda nemhaka yokuti washaya kuti woudza sei vabereki vako, unozopedzisira wava kunetseka uri kumba, uchingozviti ndiwe wega usiri kunakidzwa vamwe vachinakidzwa.

 3. VAKUMBIRE—WOONA KUTI VANOTI KUDII

 Chikonzero chingaita kuti usarudze kuita izvi: Unobvuma kuti vabereki vako vane kodzero yokukuudza zvokuita uye unoremekedza maonero avo. (VaKorose 3:20) Unoda vabereki vako uye haudi kuvarwadzisa nokusvova pamba usina kuvaudza. (Zvirevo 10:1) Kuvaudza kuchakupawo mukana wokutaura zvauri kuda.

 Zvinozoitika kubva pane zvawasarudza: Vabereki vako vachaona kuti unovada uye unovaremekedza. Uye vakaona kuti zvauri kukumbira zvinoita, vanogona kukubvumira kuenda.

Zvikonzero Zvinoita Kuti Vabereki Varambe

Kufanana nevanhu vari kurinda munhu achishambira, vabereki vako vanogona kunyatsoona dambudziko rausiri kuona

 Chimwe chikonzero chingaenzanisirwa seizvi: Kana kuri kunzi wasarudza kunoshambira, ungada kushambira paunenge uchionekwa nemumwe munhu anenge ari panzvimbo yakakwirira. Chikonzero nei? Nemhaka yokuti paunenge uchinakidzwa nokushambira unogona kutadza kuona njodzi. Asi munhu anenge akakutarisa ari panzvimbo yakakwirira anogona kukurumidza kuona njodzi. Ndizvo zvinoitikawo kuvabereki, nemhaka yekuti vane ruzivo rwakawanda uye vasangana nezvinhu zvakawanda muupenyu, vanogona kuona njodzi yausiri kuona. Kungofanana nemunhu anenge achikutarisa paunenge uchishambira, chinangwa chevabereki vako hachisi chokuti usanakidzwa, asi ndechokukubatsira kuti usapinda mumatambudziko anozoita kuti usafara muupenyu.

 Hona chimwe chikonzero: Vabereki vako vanoda chaizvo kukudzivirira. Rudo rwavanarwo ndirwo rwunoita kuti vakubvumire kana vachiona zvichiita kana kukurambidza kana zvisingaiti. Kana ukavakumbira kuti uite chimwe chinhu, vanotanga vazvibvunza kuti vaone kana zvichiita kuti vakubvumire nokuti ndivo vanozozvidavirirawo pane zvinenge zvaitika kwauri. Kana vagutsikana uye vaona kuti hapana dambudziko raungazosangana naro vanobva vakubvumidza.

Zvaungaita Kuti Vabereki Vako Vakubvumire

Zvaunogona kuita

 Taura chokwadi: Zvibvunze kuti: ‘Nei ndiri kuda kuendako? Inyaya here yokuti ndinofarira zviri kunoitwa ikoko kana kuti ndinoda kunge ndiri pane chikwata chezera rangu? Imhaka yekuti kune mukomana kana musikana wandinofarira achange ariko here?’ Saka udza vabereki vako chokwadi. Vakabva neko kumhunga hakuna ipwa. Saka kunyange ukada kuvanza vanogona kuona zvauri kuda kuendera. Vachakutenda paunotaura chokwadi uye uchaona kuti mazano avanokupa achakubatsira. (Zvirevo 7:1, 2) Asi kana ukasataura chokwadi, zvichaita kuti vasakuvimba uye mikana yokuti ubvumirwe kuita zvaunoda inenge yava mishoma.

 Ziva nguva yokutaura: Usanetsa vabereki vako nokuvakumbira zvinhu panguva yavanenge vachangosvika vachibva kubasa kana kuti pavanenge vakabatikana vachiita zvimwe zvinhu. Taura navo panguva yavanenge vagadzikana. Asi usamirira kusvikira nguva yapera zvokuti unozopedzisira wava kuvanetsa uchida mhinduro. Vabereki vako havadi zvokumhanyiswa pakuita chisarudzo. Taura navo pachine nguva, kuti vawane nguva yokufunga.

 Mashoko ako: Usarova imbwa wakaviga mupinyi. Nyatsovaudza zvauri kuda kuita. Vabereki pavanokubvunza kuti: “Ndivanaani vachange variko?” “Kuchange kuine munhu mukuru here achange achiona nezvepati yacho?” kana kuti “Uchadzoka nguvai?” havafariri mhinduro yokuti “Handizivi.”

 Mafungiro ako: Usaona vabereki vako sevavengi. Vaone sevanhu vari kukutsigira, nokuti pane zvose zvinoitika kwauri vanobatanidzwawo. Kana ukavaona sevanhu vanokutsigira zvichaita kuti urege kukaka nharo navo uye zvichaita kuti vade kuteerera zvauri kutaura.

 Ratidza vabereki vako kuti wava kufungawo semunhu mukuru kuburikidza nokugamuchira zvisarudzo zvavo uye kuzviremekedza. Kana ukaita izvi vachakuremekedza. Uye nguva inotevera, zvichaita kuti vakubvumire pane zvaunovakumbira.