Zvirevo 11:1-31

  • Vane mwero ndivo vane uchenjeri (2)

  • Munhu akatsauka pakutenda anoparadza vamwe (9)

  • “Kubudirira kana vanopa mazano vakawanda” (14)

  • Munhu anopa vamwe achabudirira (25)

  • Anovimba nepfuma yake achawa (28)

11  Chikero chinobiridzira chinosemesa Jehovha,Asi chiyero chakarurama* chinomufadza.+   Kana kuzvikudza kukavapo, kunyadziswa kunobva kwatevera,+Asi vane mwero ndivo vane uchenjeri.+   Vakarurama vanotungamirirwa nekurarama vasina chavanopomerwa,+Asi kunyengera kwevasina kutendeka kuchavaparadza.+   Pfuma haizobatsiri* pazuva rehasha,+Asi kururama ndiko kuchanunura parufu.+   Kururama kwemunhu asina chaanopomerwa kuchaita kuti gwara rake ritwasuke,Asi munhu akaipa achawa nemhaka yeuipi hwake.+   Kururama kwevakarurama kuchavanunura,+Asi vanyengeri vachakanganiswa nezvido zvavo pachavo.+   Munhu akaipa paanofa, tariro yake inoparara;Uye zvaaitarisira pamusana pesimba rake zvinopararawo.+   Munhu akarurama anonunurwa pamatambudziko,Uye munhu akaipa anotora nzvimbo yake.+   Nemuromo wake, munhu akatsauka pakutenda* anoparadza muvakidzani wake,Asi neruzivo, vakarurama vanonunurwa.+ 10  Kunaka kwevakarurama kunoita kuti guta rifare,Uye vakaipa pavanoparara, panova nekupembera.+ 11  Nekuda kwechikomborero chevakarurama guta rinokwidziridzwa,+Asi miromo yevakaipa inorikoromora.+ 12  Munhu wese anozvidza* muvakidzani wake haana pfungwa,*Asi munhu anonyatsonzwisisa anoramba akanyarara.+ 13  Munhu anotaura zvinosvibisa zita remumwe anofamba achifumura nyaya dzemumwe wake,+Asi munhu akavimbika* anochengeta mashoko aanoziva.* 14  Kana pasina kutungamirira kweunyanzvi,* vanhu vanowa,Asi panova nekubudirira* kana vanopa mazano vakawanda.+ 15  Munhu wese anoita kuti munhu waasingazivi atore chikwereti muzita rake zvichamuipira,+Asi munhu wese anoramba* kupinda muchibvumirano chekubatana maoko anenge akachengeteka. 16  Mukadzi ane unhu* anowana rukudzo,+Asi varume vane utsinye, vanopamba pfuma. 17  Murume ane mutsa* anoita zvinomubatsira,*+Asi munhu ane utsinye anozviunzira dambudziko.*+ 18  Munhu akaipa anowana mubayiro wekunyengera,+Asi uya anodyara kururama anowana mubayiro wechokwadi.+ 19  Munhu anotsigira kururama zvakasimba achawana upenyu,+Asi uya anodzingirirana nezvakaipa achawana rufu. 20  Vaya vane mwoyo isina kururama vanosemesa Jehovha,+Asi vaya vasina chavanopomerwa munzira dzavo vanomufadza.+ 21  Iva nechokwadi neizvi: Munhu akaipa haazoregi kurangwa,+Asi vana vevakarurama vachapukunyuka. 22  Sezvakaita rin’i yegoridhe iri pamhino yenguruve,Ndizvo zvakaita mukadzi ane runako asi asina kuchenjera. 23  Chido chemunhu akarurama chinoguma mune zvakanaka,+Asi zvinotarisirwa nevakaipa zvinoguma nekuratidzwa hasha. 24  Mumwe anopa zvakawanda* asi anoguma ava nezvakawanda;+Mumwe anonyima zvaanofanira kupa, asi anopedzisira ava murombo.+ 25  Munhu akasununguka kupa vamwe achabudirira,*+Uye munhu wese anozorodza vamwe* achazorodzwawo.+ 26  Vanhu vachatuka munhu anonyima zviyo,Asi vachakomborera munhu anozvitengesa. 27  Uya anoshingaira kuita zvakanaka anenge achitsvaga kufarirwa,+Asi uya ari kutsvaga zvakaipa, izvozvo hazvimbotadzi kuuya paari.+ 28  Anovimba nepfuma yake achawa,+Asi vakarurama vachabudirira semashizha akasvibirira.+ 29  Munhu wese anounzira mhuri yake dambudziko,* achagara nhaka yemhepo,+Uye benzi richava muranda wemunhu ane mwoyo wakachenjera. 30  Zvibereko zvemunhu akarurama muti weupenyu,+Uye uya anowana vanhu* akachenjera.+ 31  Kana munhu akarurama panyika achipiwa mubayiro,Ko kuzoti munhu akaipa uye mutadzi!+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “chiyero chedombo chakakwana.”
Kana kuti “Zvinhu zvinokosha hazvizobatsiri.”
Kana kuti “asingadi Mwari.”
Kana kuti “anoshora.”
Kana kuti “njere.”
ChiHeb., “akatendeka pamweya.”
ChiHeb.,“anofukidza nyaya.”
Kana kuti “kweuchenjeri.”
Kana kuti “neruponeso.”
ChiHeb., “anovenga.”
Kana kuti “akanaka.”
Kana kuti “Murume ane rudo rusingachinji.”
Kana kuti “anoitira mweya wake zvakanaka.”
Kana kuti “anozvinyadzisa.”
ChiHeb., “anoparadzira.”
ChiHeb., “achakodzwa.”
ChiHeb., “anopa vamwe mvura yekunwa yakawanda.”
Kana kuti “anonyadzisa mhuri yake.”
Kana kuti “mweya.”