Zvirevo 6:1-35

  • Ngwarira kubvumira munhu kutora chikwereti muzita rako (1-5)

  • “Iwe simbe, enda kusvosve” (6-11)

  • Munhu asina zvaanobatsira uye akaipa (12-15)

  • Zvinhu zvinomwe zvinovengwa naJehovha (16-19)

  • Ngwarira mukadzi akaipa (20-35)

6  Mwanakomana wangu, kana wakabvumira muvakidzani wako kutora chikwereti uchivimbisa kuzomubhadharira,+Kana wakabatana maoko nemutorwa uchibvumirana naye,+   Kana wakateyiwa nezvawakavimbisa,Wakabatwa nemashoko emuromo wako,+   Ita izvi, mwanakomana wangu, uzvisunungure,Nekuti wakawira muruoko rwemuvakidzani wako: Enda unozvininipisa, ukurumidze kuteterera muvakidzani wako.+   Usarega maziso ako achibatwa nehope,Kana kuti maziso ako achitsimwaira.   Zvipukunyutse sezvinoita mhara muruoko rwemuvhimi,Sezvinoita shiri muruoko rwemubati weshiri.   Iwe simbe, enda kusvosve;+Cherechedza nzira dzaro uve akachenjera.   Kunyange zvazvo risina mutungamiriri, mutariri, kana mutongi,   Rinogadzirira zvekudya zvaro muzhizha,+Uye rinounganidza zvekudya zvaro nguva yekukohwa.   Iwe simbe, kusvikira riini wakarara ipapo? Uchamuka riini pawakarara? 10  Kumboti rarei, kumboti tsimwairei,Kumboti zororei wakapeta maoko,+ 11  Urombo huchabva hwauya pauri semauyiro anoita gororo,Uye nhamo ichauya pauri semauyiro anoita munhu akabata chombo.+ 12  Munhu asina zvaanobatsira uye akaipa anofamba-famba achitaura zvisina kururama;+ 13  Anochonya neziso rake,+ achiita zviratidzo netsoka yake, achinongedza neminwe yake. 14  Nemwoyo unonyengera,Anongogara achironga zvakaipa+ uye achiita kuti vanhu vakakavadzane.+ 15  Saka dambudziko richamuwira asingafungiri;Achapwanywa munguva pfupi pfupi zvekusakwanisa kuporazve.+ 16  Kune zvinhu zvitanhatu zvinovengwa naJehovha;Tingati kune zvinhu zvinomwe zvinomusemesa* zvinoti: 17  Maziso anozvikudza,+ rurimi runoreva nhema,+ uye maoko anodeura ropa risina mhosva,+ 18  Mwoyo unoronga mazano akaipa,+ uye tsoka dzinomhanyira zvakaipa, 19  Chapupu chenhema chinongotaura zvekunyepa chete,+Uye munhu wese anoita kuti hama dzipesane.+ 20  Mwanakomana wangu, chengeta murayiro wababa vako,Uye usaramba kudzidzisa kwaamai* vako.+ 21  Gara wakazvisungirira pamwoyo wako;Zvisungirire muhuro mako. 22  Paunofamba, zvichakutungamirira;Paunorara, zvichakurinda;Uye paunomuka, zvichataura newe.* 23  Nekuti murayiro irambi,+Uye mutemo chiedza,+Uye kutsiurwa kwaunoitwa uchirayirwa* ndiyo nzira inoenda kuupenyu.+ 24  Zvichakuchengetedza pamukadzi akaipa,+Parurimi runotsvetera rwemukadzi nzenza.*+ 25  Usachiva runako rwake mumwoyo mako+Kana kurega achikukwezva nemaziso ake anoyevedza, 26  Nekuti pfambi inoita kuti murume asare nechingwa chimwe chete chaicho,+Asi mukadzi wemunhu anourayisa.* 27  Munhu angaisa mazimbe emoto muhomwe yepachipfuva nguo dzake dzikasatsva here?+ 28  Kana kuti munhu angafamba pamazimbe emoto tsoka dzake dzikasatsva here? 29  Ndizvo zvakafanana nemunhu anorara nemudzimai wemuvakidzani wake;Hapana angamubata* akatadza kurangwa.+ 30  Vanhu havashore mbavhaKana ikaba kuti iwane chekudya* kana iine nzara. 31  Asi kana ikabatwa, ichadzorera zvapetwa kanomwe;Icharipa nezvinhu zvese zvinokosha zvemumba mayo.+ 32  Munhu wese anoita upombwe nemukadzi haana pfungwa;*Munhu anoita izvozvo anozviparadza.*+ 33  Achangova nemaronda ega ega nekuzvidzwa,+Uye nyadzi dzake hadzizombobviswi.+ 34  Nekuti godo rinoita kuti murume wemunhu aviruke nehasha;Haazonzwi tsitsi kana ava kutsiva.+ 35  Haabvumi kuripwa;*Haambofari nechipo chako, pasinei nekuti chakakura sei.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “zvinosemesa mweya wake.”
Kana kuti “mutemo waamai.”
Kana kuti “zvichakudzidzisa.”
Kana kuti “uchirangwa.”
ChiHeb., “mutorwa.” Ona Zvi 2:16.
Kana kuti “anoteya mweya unokosha.”
Kureva, mudzimai wemuvakidzani.
Kana kuti “igutse mweya wayo.”
Kana kuti “njere.”
Kana kuti “anoparadza mweya wake.”
Kana kuti “rudzikinuro.”