Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaungaita Kuti Uderedze Kunyanya Kunetseka

Zvaungaita Kuti Uderedze Kunyanya Kunetseka

 

“Ndaiita sokuti ndiri kumhanya panzvimbo imwe chete uye pasina kwandiri kusvika. Kakawanda ndaishanda maawa 16 pazuva kusanganisira Mugovera neSvondo. Zvaindirwadza chaizvo nokuti ndaiwana mwana wangu atorara. Izvi zvanga zvava kutondirwarisa.”Kari, Finland.

DAMBUDZIKO raKari harisi rake oga. Sangano rokuUK rinobatsira vane zviri kuvashungurudza rinoti, pavashandi 5 vokuBritain 1 wavo anoti kunyanya kunetseka (stress) zvichikonzerwa nebasa kwakambomurwarisa uye 1 pa4 anoti kuwandirwa nebasa kwakambomuchemedza. Rimwe gore upfumi pahwanga hwakaderera, vanhu vainyorerwa mishonga yokuderedza kunyanya kunetseka nanachiremba yakawedzerawo zvakanyanya.

Ndechipi chakambonyanya kukunetsa?

  • Kutyira ramangwana, panyaya dzemari kana zvimwewo

  • Kuwandirwa nezvokuita

  • Kusawirirana nevamwe

  • Dambudziko randakambosangana naro

Zvakaita kuti uite sei?

  • Ndirware-rware

  • Ndivhiringidzike

  • Nditadze kunyatsorara

  • Ndinyanye kusuwa (depression)

  • Ndirasikirwe neshamwari

Pane zvinotanga kuitika mumuviri wako paunotanga kunyanya kunetseka. Mahomoni anotanga kuita kuti kufema, kurova kwehana uye kufamba kweropa zviwedzere. Uyewo masero eropa uye zvokudya zvinenge zvakachengetwa nomuviri zvinodirana mutsinga dzeropa. Pazvinoitika, muviri wako unenge uchigadzirira kukunda chinhu chiri kuita kuti unyanye kunetseka. Kana chinhu chacho chisisipo muviri wako unotanga kushanda semazuva ose. Asi kana chichiripo, ucharamba uchinetseka woita semota yakatsikwa mafuta ichingoita ruzha asi isiri kufamba. Saka kuziva zvokuita kana uri kunyanya kunetseka kuchachengetedza utano uye pfungwa dzako.

Kuderedza Kunyanya Kunetseka

Kungonetsekawo zvako hakuna kuipa. Sangano reAmerican Psychological Association rakati: ‘Kunyanya kunetseka kwakafanana nemakakirwo etambo dzegitare: kana dzakadembera zvinoridzwa zvacho zvinobuda zvakaneta; kana dzakakakiswa zvinoridzwa zvacho zvinorwadza nzeve uye tambo dzacho dzinogona kudambuka. Kunyanya kufunga kunogona kuurayisa asi kufunga zviri pakati nepakati kune zvakwakanakira. Saka chinokosha ndechokuziva kuti ungaderedza sei kunyanya kunetseka.’

Chimwewo ndechokuti tinosiyana paunhu kunyange pautano. Zvinoita kuti mumwe anyanye kunetseka hazvisi izvo zvinoita kuti mumwe anetseke. Asi unogona kunge uine dambudziko rokunyanya kunetseka kana basa rako richikutadzisa kumbofema kana kuita zvimwe zvinhu zvinokosha.

Kuti vaderedze dambudziko iri vamwe vanonwa doro, kushandisa madhiragi kana kusvuta. Vamwe vanochinja madyiro avaiita, kupedza nguva yakawanda vari paTV kana kuti pakombiyuta nepo zvinhu izvi zvichitowedzera dambudziko racho. Saka, todii kuti tideredze dambudziko iri?

Vakawanda vakaderedza dambudziko iri nokushandisa mazano omuBhaibheri. Mazano acho angakubatsirawo here? Funga nezvazvo paunenge uchiverenga zvinhu 4 zvinowanzokonzera kuti munhu anyanye kunetseka.

1 KUTYIRA RAMANGWANA

Hapana asingatyiri ramangwana. Bhaibheri rinoti: ‘Tose tinowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.’ (Muparidzi 9:11) Ungaitei kuti ukunde dambudziko iri? Edza zviri pasi apa.

  • Udza womumhuri kana shamwari yaunovimba nayo zviri kutsi kwemwoyo wako. Ongororo dzinoratidza kuti tikaramba tichitsigirwa nehama neshamwari hatizonyanyi kunetseka. Ichokwadi kuti, “shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

  • Usaramba uchinyanya kufunga nezvedambudziko rako. Kuita izvozvo hakuna zvakawanda zvakunobatsira kunze kwokutowedzera dambudziko. Zvaunenge uchityira zvinogona kusaitika! Ndokusaka Bhaibheri richiti: “Musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nokuti zuva rinotevera richava nokuzvidya mwoyo kwaro.”—Mateu 6:34.

  • Vimba nesimba romunyengetero. Pana 1 Petro 5:7 panoti: ‘Kanda kuzvidya mwoyo kwako kwose pana Mwari, nokuti iye ane hanya newe.’ Mwari anoratidza kuti ane hanya nokuita kuti tive norugare mupfungwa uye nokutivimbisa kuti haazombosiyi vaya vanoenda kwaari vachida kunyaradzwa uye kubatsirwa panguva dzakaoma.—VaHebheru 13:5; VaFiripi 4:6, 7.

2 KUWANDIRWA NEZVOKUITA

Kuenda kubasa, kuenda kuchikoro, kutarisira vana kana vabereki vakwegura zvinogona kuita kuti unyanye kunetseka. Asiwo, hazviiti kuti urege kuita zvimwe zvezvinhu izvi. (1 Timoti 5:8) Saka ungaitei kuti uderedze dambudziko racho?

  • Zvipewo nguva yokuzorora. Bhaibheri rinoti: “Zviri nani kuzorora zvishoma pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri asi uchidzingana nemhepo.”—Muparidzi 4:6.

  • Nyora pasi zvinhu zvinokosha zvauchada kutanga kuita, uye rarama upenyu hunoenderana nezvauri. (VaFiripi 1:10) Ita kuti upenyu hwako husava netwakawanda-wanda nokuderedza zvaunotenga kana nguva yaunopedza uchishanda.—Ruka 21:34, 35.

Kari, ambotaurwa patangira nyaya ino ndizvo zvaakaita. Akati, “Ndakaona kuti ndairarama upenyu hwokushamisira.” Akatengesa bhizimisi rake achibva atanga kushanda basa raiita kuti awane nguva yakawanda nemhuri. Anoti, “Upenyu hwedu hwati dererei, asi ini nomudzimai wangu hatisisina zvinhu zvaiita kuti tinyanye kunetseka uye tava nenguva yakawanda yokuva nehama neshamwari. Kugadzikana mupfungwa kwandinako kunokosha chaizvo kudarika chero bhizimisi rinobhadhara zvakadii.”

3 KUSAWIRIRANA NEVAMWE

Kusawirirana nevamwe kunyanya kumabasa kunogona kukonzera kuti unyanye kunetseka. Kana uchisangana nedambudziko rakadaro pane zvinhu zvakati kuti zvinogona kukubatsira.

  • Kana mumwe munhu akakugumbura edza kuzvidzora. Usakuchidzira moto. “Mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.”—Zvirevo 15:1.

  • Edza kutaura nemunhu wacho muri moga uye taura naye noruremekedzo.—Mateu 5:23-25.

  • Edza kunzwisisa mafungiro ake panyaya yacho. Kuita izvozvo ‘kuchadzora kutsamwa kwako’ nokuti unenge wava kuona zvinhu semaonerwo azviri kuitwa nemumwe wako. (Zvirevo 19:11) Zvinotibatsirawo kuti tizvione semaonerwo atinoitwa nevamwe.

  • Edza kukanganwira. Kukanganwira kwakanaka. Kunobatsirawo kuti tive noutano hwakanaka. Muna 2001 imwe ongororo yakaitwa yakati, ‘kuramba uine chigumbu mumwoyo kunowedzera mikana’ yokuti ubatwe nechirwere chemwoyo uye cheBP nepo kukanganwira nemwoyo wose kunoita kuti usanyanya kunetseka.—VaKorose 3:13.

4 KUSANGANA NEMATAMBUDZIKO

Nieng, wokuCambodia akasangana nematambudziko akawanda. Muna 1974 akakuvara pakaputika bhomba pane imwe nzvimbo inomhara ndege. Gore rakatevera racho, akafirwa nevana vaviri, amai vake uye murume wake. Muna 2000, imba yake nezvose zvaivamo zvakatsva nomoto uye papera makore matatu murume wake wechipiri akabva ashaya. Panguva iyi akafunga zvokuzviuraya.

“Zviri nani kuzorora zvishoma pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri asi uchidzingana nemhepo”

Pasinei nezvose izvi, Nieng akakwanisa kuderedza dambudziko rake rokunyanya kunetseka. Akaita zvakaitwa naKari zvokuverenga Bhaibheri uye zvakamubatsira chaizvo zvokuti akazosarudza kushandisa nguva yake kubatsirawo vamwe. Zvakaitika kuna Nieng zvinotiyeuchidza ongororo yakaitwa nevanhu vokuBritain muna 2008. Vaongorori ava vakaona kuti imwe nzira yokuti tikwanise ‘kukunda kunyanya kunetseka’ ndeyokubatsirawo vamwe uye zano iroro ndiro rakanguri rataurwa neBhaibheri kare kare.—Mabasa 20:35.

Nieng avawo netariro yokuti zvinhu zvichanaka mune ramangwana apo pachange pasisina matambudziko ari kutishungurudza. Kuchava ‘norugare rukuru’ pasi rose.—Pisarema 72:7, 8.

Mazano anoshanda okuti uderedze kunyanya kunetseka uye kuva netariro yeramangwana haatengwi uye anowanikwa muBhaibheri. Mamiriyoni evanhu ari kubatsirwa chaizvo nokushandisa zviri mubhuku iroro. Newewo unogona kubatsirwa.