Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaunofanira Kuziva Nezvemarariya

Zvaunofanira Kuziva Nezvemarariya

World Health Organization inofungidzira kuti muna 2013, vanhu vanodarika 198 miriyoni vakabatwa nemarariya uye vanenge 584 000 vakaurayiwa nayo. Pavana 6 voga voga vaifa, 4 vacho vaiva nemakore ari pasi pe5. Pasi rose, nyika dzinenge 100 dziri mungozi yokuti vagari vemo vanenge 3,2 bhiriyoni vanogona kubatwa nechirwere ichi.

1 CHII CHINONZI MARARIYA?

Marariya inokonzerwa nokurumwa nemosikito ine utachiona hwemarariya. Inoita kuti munhu anzwe kupiswa, kupindwa nechando, kudikitira, kutemwa nemusoro, kunzwa kuda kurutsa, kungonzwa muviri wakati rukutu, kana kuti kurutsa. Dzimwe nguva izvi zvingaitika pashure pemazuva 2 kusvika ku3, zvichienderana nokuti unenge warumwa nemosikito ine utachiona hwakaita sei uye kuti marariya yacho yava nenguva yakareba sei iri mumuviri mako.

2 MARARIYA INOPARARIRA SEI?

  1. Utachiona hunokonzera marariya hunonzi Plasmodia uye kana munhu akarumwa nemosikito hadzi inonzi Anopheles, inenge iinahwo, utachiona hwacho hunobva hwapinda muropa rake.

  2. Utachiona hwacho hunobva hwapinda mumasero echiropa, hwobva hwaberekana.

  3. Kana sero rechiropa rikaputika, rinobudisa utachiona hwacho, hwobva hwapinda mumasero matsvuku eropa. Hunobva hwaramba huchiberekana imomo.

  4. Kana masero matsvuku eropa aya akaputika anobudisa utachiona hwacho uye hunobva hwapinda zvakare mune mamwe masero matsvuku.

  5. Kuputika kwemasero matsvuku aya kunoramba kuchiitika. Zviratidzo zvemarariya zvinotanga kuoneka nguva dzose panoputika masero matsvuku aya.

3 UNGAZVIDZIVIRIRA SEI?

Kana uchigara munzvimbo ine marariya . . .

  • Shandisai mosquito net. Inofanira

    • kufafaidzwa mushonga.

    • kunge isina maburi kana kubvaruka.

    • kunyatsopfinyirwa mumetiresi.

  • Garai muchifafaidza mumba menyu.

  • Kana zvichiita, isai tumasefa pamadhoo nepamahwindo, maair-conditioner kana kuti mafeni, kuti musanyanya kurumwa.

  • Pfekai mbatya dzine ruvara rwakajeka uye dzinonyatsovhara muviri wose.

  • Pose pazvinoita, musapinda mumahuswa, mumvura yakajenga, nokuti mosikito ndomadzinoberekera.

  • Kana ukabatwa nemarariya, kurumidza kunorapwa.

Kana uri kuronga kuenda kunzvimbo ine marariya . . .

  • Tanga watsvaka mashoko kuti unzwe kuti nzvimbo yauri kuenda yakamira sei. Mhando yeutachiona hwemarariya hunosiyana nzvimbo nenzvimbo saka mishonga yacho inosiyanawo. Uyewo zvinokosha kubvunza chiremba wako zvinhu zvinogona kukanganisa utano hwako.

  • Paunenge washanya munzvimbo ine marariya tevedzera mazano ataurwa munyaya ino.

  • Kana ukabatwa nemarariya, enda kunorapwa nekukurumidza. Yeuka kuti marariya inozotanga kuoneka pashure pevhiki imwe chete kusvika ku4.