Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | UPENYU HWAURI KURARAMA NDIHWO HWAWAIDA HERE?

Dambudziko: Kunyanya Kuwandirwa Nezvokuita

Dambudziko: Kunyanya Kuwandirwa Nezvokuita

KUMBA vana vari kukuda, ukuwo waunoshandira ane basa raari kuda kuti uite. Wawakaroorana naye ane zvaari kuda kuti uite. Apa uri kuedza kuchengeta mubereki wako ari kurwara. Izvi hazvisiri izvo zvawainge wakaronga kuti upenyu hwako huve, asi zvakumomotera. Ungati, “Ndoita seiko nhai? Zvandiwandira!” Hapasi pose paunogona kuitira vanhu zvose zvavanenge vachida. Saka woita sei?

MUENZANISO WEMUBHAIBHERI: MOSESI

Mosesi ndiye chete aingova mutongi wevaIsraeri, saka angadaro akafunga kuti hapana mumwe munhu aigona kumubatsira. Asi tezvara vake vakamuti: “Zvauri kuita hazvina kunaka. Chokwadi uchaneta.” Vakamuti aigona kusarudza varume vanokwanisa vaizoita basa rokutonga nyaya dzese diki, asi nyaya hombe dzounzwa kwaari. Zvakabatsirei? Tezvara vake vakamuvimbisa kuti: “Uchabva wakwanisa kuzvitsungirira, uyewo, vanhu ava vose vachaenda kudzimba dzavo norugare.”—Eksodho 18:17-23.

ZVINOITWA NADELINA

Sezvambotaurwa munyaya yokutanga, Delina ane chirwere chinonzi dystonia. Anochengetawo hanzvadzi dzake 3 dzinorwara nepfungwa. Anoti, “Ndinoona kuti kusazvinetsa nokufunga kuti chii chichaitika mangwana uye kusaverengera pakuita zvinhu kunondibatsira kuti ndisanyanya kunetseka. Kuudza vamwe nezvedambudziko rangu kunoita kuti ndibatsirwe. Murume wangu anondibatsirawo. Uyewo, mangwanani oga oga ndine nguva shomanana yandinenge ndichiita zvegadheni. Izvi zvinoita kuti ndigutsikane chaizvo.”

“Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa.”—Muparidzi 3:1

ZVAUNGAITA

Kana uchiwandirwa nezvokuita muupenyu, chimboedza zvinotevera:

  • Edza kutsvaka mumwe munhu anokubatsira. Somuenzaniso, une vana here vaunogara navo vanogona kukubatsira? Pane here veukama kana kuti shamwari vanogara pedyo vanogona kukubatsira?

  • Udza vamwe zvaunoda kuitirwa. Somuenzaniso, taura newaunoshandira kana basa rakawandisa kupfuura zvaunogona kuita. Izvi hazvirevi hazvo kuti womuudza kuti kana akaramba kuderedza basa ucharisiya. Chingomutsanangurira dambudziko rauri kusangana naro. Zvimwe angaderedza basa rako.

  • Nyora mabasa aunofanira kuita pavhiki. Pane mamwe here aunogona kupawo vamwe kuti vakubatsire?

  • Kana ukakokwa kunotandara hapasi pose paunofanira kubvuma. Kana usingagoni kuenda nemhaka yokuti hauna nguva kana kuti wakaneta, unogona kuvatsanangurira zvakanaka kuti hausi kukwanisa.

Zvinonyanya Kukosha: Kana ukaedza kuita zvinhu zvose unogona kupedzisira usina chawaita.