Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kukurumidza kutaurirana kwakakosha

Hama Yako Painobatwa Nechirwere Chisingarapiki

Hama Yako Painobatwa Nechirwere Chisingarapiki

DOREEN akarohwa nehana murume wake Wesley uyo aiva nemakore 54, paakanzi aiva nebundu muuropi. * Vanachiremba vakamuti asarirwa nemwedzi mishoma ari mupenyu. Doreen anoti, “Zvakandiomera kuti ndizvibvume. Ndakaita mavhiki ndichiita sendakabatwa nechiveve. Ndaiita senge ndiri kurota, nekuti zvakaitika ndisingafungiri.”

Zvakaitwa naDoreen ndizvo zvinowanzoita vakawanda. Chirwere chisingarapiki chinogona kungobata chero ani zvake. Asi zvinonyaradza kuti vakawanda vari kuzvipira kubatsira hama yavo inenge yabatwa nechirwere chisingarapiki. Asi kuita izvi ibasa. Zvii zvingaitwa nevemumhuri kuti vanyaradze uye vachengete hama yavo inenge ichirwara? Chii chingabatsira vanenge vachichengeta murwere kuti vasaodzwa mwoyo nezvinenge zvichiitika? Zvii zvinogona kuitika kumurwere paanenge ava pedyo nekufa? Chekutanga, ngatimboonai kuti sei zvava kunyanya kuoma mazuva ano kuchengeta munhu ane chirwere chisingarapiki.

KUCHINJA KWAITA ZVINHU

Makore ekuma1900, vanhu vaisararama kwenguva refu, uye ndizvo zvaiitikawo kunyange munyika dzakabudirira. Vanhu vaikurumidza kufa nemhaka yezvirwere zvinotapuriranwa kana kuti netsaona. Vashoma ndivo vaikwanisa kuenda kuchipatara, asi vakawanda vaichengetwa nemhuri dzavo uye vaifira pamba.

Asi kuvandudzika kuri kuita unyanzvi hwekurapa kuri kuita kuti vanhu vararame makore akati wandei. Kare, zvimwe zvirwere zvaigona kuita kuti munhu akurumidze kufa, asi iye zvino munhu anogona kutorarama kwemakore akawanda. Asi izvi hazvirevi kuti panenge pawanika mushonga wekurapa zvirwere izvi. Kazhinji kacho humwe urwere hunoita kuti munhu asare aremara asingachakwanisi kuita kana chinhu. Iye zvino, kuchengeta varwere vakadaro kwakaoma.

Saka varwere vakawanda vava kufira kuchipatara. Mazuva ano vanhu vakawanda havazivi zvinoitika murwere paanenge ava pedyo nekufa uye havasati vamboona munhu achifa. Saka nenyaya yekusaziva, vamwe vanoguma vava kutya, zvoita kuti vatadze kunyatsochengeta murwere zvakanaka. Zvii zvaungaita?

GARA WARONGA

Sezvakaitika kuna Doreen, vanhu vakawanda vanopererwa kana hama yavo ikabatwa nechirwere chinouraya. Paunenge uchishungurudzika kudaro uye uchitya, chii chingakubatsira kugadzirira zviri mberi? Mumwe mushumiri waMwari akanyengetera achiti: “Tiratidzei nzira yokunyatsoverenga nayo mazuva edu kuti tive nomwoyo wakachenjera.” (Pisarema 90:12) Saka nyengetera kuna Jehovha Mwari kuti akuratidze kuti ndezvipi zvakanaka zvaungaita ‘mumazuva’ mashoma awasarirwa nawo uine hama yako iri kurwara.

Izvi zvinoda kunyatsoronga. Kana murwere achiri kugona kutaura uye achida kutaura nezvazvo, zvakanaka kumubvunza kuti ndiani waanoda kuti azomumiririra paanenge asisakwanisi kutaura. Kuti kusanzwisisana kuite kushoma, munofanira kubudirana pachena pazvinhu zvakadai sekuti anoda here kunogara muchipatara, kupiwa mimwe mishonga, kana kuti kusiyiwa akadaro kana mwoyo wake usingachapombi ropa. Kuita izvi kunobatsirawo kuti vamwe vasazosara vava kuzvipa mhosva nezvavanenge vasarudza kuti zviitirwe murwere. Kukurumidza kuita izvi kunobatsira mhuri kuti iise pfungwa pakuchengeta murwere. Bhaibheri rinoti, “Pasina kurangana, zvirongwa hazvibudiriri.”​—Zvirevo 15:22.

KUBATSIRA KWAUNGAITA

Basa guru pakuchengeta murwere nderekumunyaradza. Murwere anenge ava pedyo nekufa anoda kugara achiratidzwa rudo uye kuti tinoda kumubatsira. Ungazviita sei? Muverengere bhuku raanofarira kana kuti muimbire nziyo dzinomusimbisa uye dzaanofarira. Vakawanda vanonzwa zviri nani kana mumwe wemumhuri yavo akavabata ruoko, otaura navo zvinyoro-nyoro.

Kana vanhu vakauya kuzoona murwere, zvakanaka kumuudza kuti ndivanaani. Imwe ongororo yakati: “Papfungwa 5 dzemunhu, yekunzwa ndiyo inozopedzisira kushanda. Kunyange paanenge achiita seakarara, [murwere] anokwanisa kunzwa. Saka usataura zvinhu zvawaisazotaura dai anga akamuka.”

Kana zvichiita, nyengetera naye. Bhaibheri rinoti muapostora Pauro nevamwe vake vakamboita nguva yavakanga vari pakaoma zvekuti vaigona kutofa. Vakakumbira chii? Pauro akakumbira shamwari dzake kuti: “Imiwo munogona kubatsira nokutitetererera kwenyu.” (2 VaKorinde 1:8-11) Kunyengetera nemwoyo wese kunobatsira chaizvo panguva dzakaoma uye panguva yekuti munhu anenge anyanya kurwara.

BVUMA KUTI NDIZVO ZVIRIPO

Kungoziva kuti hama yangu iri kufa kunorwadza, nekuti Mwari akatisika kuti tirarame nekusingaperi. (VaRoma 5:12) Ndosaka Shoko raMwari richiti rufu “muvengi.” (1 VaKorinde 15:26) Saka zvingori matiri kuti tinombokanganwa kuti hama yedu ichazofa.

Asi kana vanhu vemumhuri vakagara vagadzirira, zvinogona kuvabatsira kuti vasanyanya kutya uye vaite zvose zvavanogona pakuchengeta murwere. Zvimwe zvinogona kuitika zvakanyorwa mubhokisi rakanzi “ Mavhiki Ekupedzisira Emurwere” uye zvinowanzoitika kune vakawanda.

Pashure pekunge hama yako yafa, zvakanaka kutaura neshamwari yako yepedyo yaikubatsira kuchengeta murwere. Uyezve vanhu vaichengeta murwere uye mhuri yakafirwa vanoda kuramba vachinyaradzwa uye kubatsirwa kuziva kuti hama yavo yazorora uye haisi kutambura. Musiki wedu ane rudo anotiudza kuti “vakafa havana kana chavanoziva.”​—Muparidzi 9:5.

MUNYARADZI MUKURU

Tinofanira kubvuma kubatsirwa nemunhu wese

Zvakakosha kuti uvimbe naMwari, kwete chete panguva yaunenge uchirwarirwa asiwo kunyange murwere wacho ashaya. Mwari anogona kuita kuti vamwe vakunyaradze. Doreen anoti, “Ndakaona kuti ndinofanira kubvuma kubatsirwa nemunhu wese. Rubatsiro rwatakapiwa rwakakura chaizvo. Ini nemurume wangu takanyatsoona kuti ndiJehovha aiti, ‘Ndinemi kuti ndikubatsirei panguva iyi yakaoma.’ Handimbozvikanganwi.”

Jehovha Mwari ndiye Munyaradzi mukuru zvechokwadi. Sezvo ari iye akatisika, anonyatsoziva kurwadziwa uye kusurukirwa kwatinoita. Anoda chaizvo kutibatsira uye kutisimbisa. Ane simba rekuita izvi uye anotivimbisa kuti achatobvisa rufu zvachose uye achamutsa mabhiriyoni evanhu vakafa. (Johani 5:28, 29; Zvakazarurwa 21:3, 4) Kana izvi zvaitika, tose tichataura sezvakaita Pauro paakati: “Rufu, kukunda kwako kuri kupi? Rufu, kuruma kwako kuri kupi?”​—1 VaKorinde 15:55.

^ ndima 2 Mazita akachinjwa.