Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW LIBRARY

Tanga Kushandisa JW Library​—Android

Tanga Kushandisa JW Library​—Android

JW Library App inotibatsira pakuverenga uye pakudzidza Bhaibheri. Ungaita sei kuti uone zvinhu zviri paApp iyi? Unogona kutsvaira screen uchibva kuruboshwe, kana kuti unogona kubaya bhatani rinenge riri pakona.

 Bible

Pakanzi Bible, panoita kuti ugone kuverenga uye kudownlodha maBhaibheri. Kuti utange kuverenga baya bhuku reBhaibheri, wozobaya chitsauko chauri kuda. Unogonawo kuona mashoko emuzasi, mareferences, uyewo kuti mamwe maBhaibheri anoti kudii.

Kana wava kuda imwe vhesi, tsvairazve kubva kuruboshwe, wobayazve pakanzi Bible, uye unobva wadzokera pane mabhuku eBhaibheri ose.

 Publications

Pakanzi Publications panobudisa mabhuku, mavhidhiyo nezvimwewo zvekuteerera. Baya bhuku racho, wobaya nyaya yaunoda, wotanga kuverenga. Paunenge uchiverenga, unogonawo kuona mavhesi arimo. Kana ukabaya vhesi yacho mashoko ayo anobva abuda. Kana yabuda, ibaye futi kuti uone chitsauko chacho chose muBhaibheri.

Kana wava kuda rimwe bhuku, tsvairazve uchibva kuruboshwe, wobayazve pakanzi Publications wotsvaga bhuku rauri kuda.

 Daily Text

Kuti uverenge rugwaro rwezuva tsvairazve pascreen uchibva kuruboshwe, wobaya pakanzi Daily Text.

 Online

Chikamu chakanzi Online chine mawebsite edu atinoshandisa.

 Kuti Uwane Zvitsva Zviripo

Gara uine version itsva yeJW Library.

Zvakanaka kuti ushandise version itsva yeAndroid inopindirana nefoni kana tablet rako. Kuti uwane mamwe mashoko, baya apa: https://support.google.com/nexus/answer/4457705.

Kana uchida kugara uine version itsva yeJW Library, unogona kuita kuti tablet rako kana kuti foni kuti zvigare zvichiwana maautomatic app updates. Kuti uwane mamwe mashoko baya apa: https://support.google.com/googleplay/answer/113412.