Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW LIBRARY

Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa​—JW Library (Windows)

Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa​—JW Library (Windows)

JW Library inoshanda pamafoni, matablet nemakombuyita ane maoperating system anotevera:

  • Android 7.0 kana kupfuura

  • iOS 15.0 kana kupfuura

  • macOS ine M1 kana kupfuura

  • Windows 10 Version 1903 kana kupfuura

Kuti JW Library ishande zvakanaka, dzimwe nguva unofanira kushandisa foni, tablet kana kombiyuta ine operating system yakati kwirei. Saka edzai kuita kuti operating system yepachigadzirwa chamunoshandisa isasara kumashure. Kana foni yenyu yanyanya kusara kumashure, JW Library inogona kushanda asi munenge musisakwanisi kuwana zvinhu zvitsva zvinenge zvavapo.

 

Nokufamba kwenguva mimwe mitauro ichange ichiwedzerwa. Kuti uone mitauro inenge yawedzerwa, baya pakanzi Mutauro.

Macolour aya anoenderana nezvikwata 8 zvinotsanangurwa paMubvunzo 19 mukabhuku kanonzi Zviri muShoko raMwari.

 

JW Library inoshanda zvakafanana. Asi maapudheti ayo anobudiswa panguva dzakasiyana-siyana zvichienderana nokuti uri kushandisa Android here, Windows, Apple here, zvichingunodaro.

 

Aiwa. Kana ukabvisa JW Library, woiisazve mufoni mako patsva, mabookmark ako nezvawanga wamaka hauzozvioni. Asi kana ukabvisa bhuku mufoni mako, woridhaunirodha patsva, mabookmark nezvawanga wakamaka unozviwana zviripo.

 

Unogona kubatsirwa nemumwe anoziva JW Library. Kana zvaramba taura nehofisi yebazi iri pedyo nekwaunogara.