Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Johani 16:33—“Ini Ndakakunda Nyika”

Johani 16:33—“Ini Ndakakunda Nyika”

 “Ndakakutaurirai zvinhu izvi kuti muve nerugare nekuda kwangu. Muchasangana nematambudziko munyika, asi shingai! Ini ndakunda nyika.”—Johani 16:33, Bhaibheri—Shanduro Yenyika Itsva.

 “Ndakakuudzai zvinhu izvi kuitira kuti muve norugare mandiri. Panyika muchatambudzika asi tsungai mwoyo. Ini ndakakunda nyika.”—Johani 16:33, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

Zvinorehwa naJohani 16:33

 Jesu akaudza vadzidzi vake mashoko aya kuti vazive kuti naivowo vanokwanisa kufadza Mwari pasinei nematambudziko uyewo kupikiswa.

 “Ndakakutaurirai zvinhu izvi kuti muve nerugare nekuda kwangu.” a Mashoko anotevera ari muvhesi iyi anoratidza kuti kuva nerugare kuri kutaurwa hakurevi kuti munhu haachasangani nematambudziko muupenyu hwake. Asi rugare rwuri kutaurwa nderwemumwoyo nemupfungwa. Rugare irworwo runovapo “nekuda” kwaJesu uyo akavimbisa kuti achatumira mweya mutsvene. “Mubatsiri” iyeye ane simba, aizoita kuti vateveri vaJesu vakwanise kutsungirira matambudziko ese avaizosangana nawo.—Johani 14:16, 26, 27.

 “Muchasangana nematambudziko munyika, asi shingai!” Jesu akanyatsoratidza kuti vateveri vake vaizosangana nematambudziko akadai sekusabatwa zvakanaka uye kupikiswa. (Mateu 24:9; 2 Timoti 3:12) Asi kunyange zvakadaro vaiva nechikonzero chaiita kuti ‘vashinge’ kana kuti ‘vatsunge mwoyo.’—Johani 16:33, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

 “Ini ndakunda nyika.” Murugwaro urwu shoko rekuti “nyika,” rinoreva vanhu vakaipa vasina ushamwari naMwari. b 1 Johani 5:19 inoti: “Nyika yese iri musimba reakaipa,” kureva Satani. Vanhu vari ‘munyika’ vane mafungiro uye maitiro anopesana nezvinodiwa naMwari.—1 Johani 2:15-17.

 Satani nenyika yake vakaedza kuita kuti Jesu asaite zvaidiwa naMwari, zvaisanganisira kudzidzisa vanhu nezvaMwari uye kupa upenyu hwake serudzikinuro. (Mateu 20:28; Ruka 4:13; Johani 18:37) Asi Jesu haana kubvumira kuti nyika ikanganise mafungiro ake, yoita kuti arambe Mwari. Akaramba akavimbika kusvikira parufu. Saka Jesu aikwanisa kutaura kuti akanga akunda nyika, uye kuti Satani ‘mutongi wenyika, haana simba’ paari.—Johani 14:30.

 Jesu akataura zvaakaita, kuratidza vateveri vake kuti naivowo vanogona kuramba vakavimbika kunyange kana Satani nenyika yake vakaedza kuparadza kutenda kwavo. Jesu aitoti: “Kana ndakakunda nyika, nemiwo munozvigona.”

Mashoko akapoteredza Johani 16:33

 Jesu akavaudza mashoko iwayo muusiku hwake hwekupedzisira asati afa. Aiziva kuti akanga ava pedyo kuurayiwa saka akashandisa mukana iwoyo kuudza vaapostora vake vakatendeka mashoko anokosha. Akavaudza zvinhu zvavaifanira kuramba vachiyeuka. Vakanga vasisazomuonizve uye vaizotambudzwa kunyange kutourayiwa chaiko. (Johani 15:20; 16:2, 10) Mashoko iwayo anogona kunge akaita kuti vaapostora vatye, saka Jesu akapedzisa nekuvaudza mashoko ari pana Johani 16:33 kuti avakurudzire uye avasimbise.

 Muenzaniso waJesu uyewo mashoko aakataura anogonawo kukurudzira vateveri vake mazuva ano. VaKristu vese vanokwanisa kuramba vakavimbika kuna Mwari pasinei nematambudziko avanosangana nawo.

a Mashoko echiGiriki akashandurwa kuti “nekuda kwangu,” anogonawo kunzi “pamwe neni.” Anopa pfungwa yekuti vateveri vaJesu vaigona kuva nerugare kana vakaramba vari pamwe naye.

b Shoko iri rekuti “nyika” rinoreva zvakafanana neriri pana Johani 15:19 uye 2 Petro 2:5.