Enda pane zvauri kuda

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Batsirai Vana Venyu Kuti Vasakanganiswa Nezvinhu Zvinotyisa Zvinobuda Munhau

Batsirai Vana Venyu Kuti Vasakanganiswa Nezvinhu Zvinotyisa Zvinobuda Munhau

 Nhau dzezvinhu zvinotyisa dzinobuda paTV, pamafoni, matablet nepamakombiyuta. Dzimwe nguva, panenge patori nemavhidhiyo anonyatsoratidza maitikiro anenge aita zvinhu zvacho.

 Uye vana vanenge vachiona zvinhu izvozvo.

 Mungabatsira sei vana venyu kuti vasanyanya kunetseka pavanoona zvinhu zvinotyisa zvinobuda munhau?

 Vana vanokanganiswa sei nezvinhu zvinotyisa zvinobuda munhau?

  •   Vana vakawanda vanonetseka pavanoona zvinhu zvinotyisa munhau. Vamwe vana vanogona kuomerwa nekutaura manzwiro avanenge vachiita, asi zvinhu zvinotyisa zvinenge zvabuda munhau zvinogona kuita kuti vanetseke chaizvo. a Vanogona kutowedzera kunetseka kana vakaona kuti vabereki vavo vari kunetsekawo nezvenyaya yacho.

  •   Vana vanogona kusanyatsonzwisisa zvinhu zvavanoona munhau. Semuenzaniso, vamwe vanogona kufunga kuti zvinhu zvavaona munhau zvichatoitika kumhuri yavo. Uye vechidiki vanoramba vachidzokorora kuona vhidhiyo inoratidza zvinhu zvinotyisa zvakaitika vanogona kufunga kuti zvinhu zvacho zviri kuramba zvichingoitika.

  •   Vana vanogona kutadza kunzwisisa kana zviri kubuda munhau zviri izvo zvakanyatsoitika. Vanogona kusaziva kuti kubudisa nhau ritori bhizinesi rinowanisa vamwe vanhu mari yakawanda zvichibva pakuti nhau dzacho dzaonekwa nevanhu vakawanda zvakadii. Saka vezvenhau vanogona kuwedzeredza tumwe tunhu panyaya yacho vachiitira kuti vakawanda vade kuziva zvakawanda, voramba vachiiona.

  Mungabatsira sei vana venyu kuti vasakanganiswa nezvinhu zvinobuda munhau?

  •   Itai kuti vasanyanye kuona kana kuteerera nhau dzinotyisa. Izvi hazvirevi kuti vana venyu havafaniri kuziva zviri kuitika munyika. Asi hazvina kunaka kuti varambe vachidzokorora kuona kana kuteerera nhau dzezvinhu zvinotyisa.

     “Dzimwe nguva ini nemurume wangu tinotaura zvinhu zvinenge zvabuda munhau, tisingambofungi nezvekukanganisa kwazvinoita vana vedu vanenge vachitinzwa.”—Maria.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kunetseka kuri mumwoyo wemunhu kunouremedza.”—Zvirevo 12:25.

  •   Nyatsoteererai, uye pindurai muchiratidza kuti munovanzwira tsitsi. Kana zvakaomera mwana wenyu kuti ataure nezvenyaya yacho, munogona kuita kuti aite zvekudhirowa mapikicha. Pamunotaura nemwana wenyu, shandisai mashoko aanonzwisisa asi musataure zvimwe zvinhu nezvenyaya yacho zvaasingafaniri kuziva.

     “Tinoona sekuti mwanasikana wedu anoti gadzikanei kana tikagara pasi toteerera zvaanenge achitaura. Kungomuudza kuti, ‘Ndiwo mamiriro atoita zvinhu, saka tava kufanira kujaira zviripo,’ hakuna zvakunomubatsira.”—Sarahi.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Kurumidza kuteerera, nonoka kutaura.’—Jakobho 1:19.

  •   Batsirai vana venyu kuti vanzwisise zvavanoona munhau. Semuenzaniso, nyaya inotaura nezvekubiwa kwemunhu inogona kubudiswa nenzira inoita kuti munhu afunge kuti zvinhu izvozvo zvichatoitika. Tsanangurirai vana venyu zvamakatoita kuti vagare vakachengeteka. Uye yeukai kuti nyaya dzinotyisa dzinobudiswa munhau hadziwanzogari dzichiitika.

     “Batsira vana vako kuti vasanyanya kunetseka. Kakawanda, zvinhu zvatinoisa mupfungwa dzedu ndizvo zvatinogara tichifunga, saka kana tikabatsira vana vedu kuti vafunge zvinhu zvakanaka, havazonyanyi kunetseka.”—Lourdes.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu ane mwoyo wakachenjera anopa muromo wake njere uye anowedzera kunyengetedza pamiromo yake.”—Zvirevo 16:23.

a Kana vaine zviri kuvadya mwoyo, vana vadiki vanogona kutanga kunyorovesa machira vakarara kana kuramba kuenda kuchikoro kana kuramba kubva panenge paine vabereki vavo.