Enda pane zvauri kuda

Kurera Vana

Zvaungaita Kuti Uve Mubereki Akanaka

Zvaungaita Kuti Uve Baba Vakanaka

Mabatiro auri kuita mudzimai wako iye zvino anoratidza kuti uchazova baba vakaita sei.

Vabereki Vanofanira Kuzivei Nezvekuendesa Vana Kukireshi?

Mibvunzo 4 yekufunga nezvayo paunenge uchisarudza kuti woendesa mwana kukireshi here?

Chii Chinoita Kuti Munhu Ave Mubereki Akanaka?

Ungabatsira sei vana vako kuti vazogona kuzvisarudzira voga?

Mwana Wangu Anofanira Kuva Nefoni Inoenda paIndaneti Here?

Zvibvunze mibvunzo iyi kuti uzive kana wagadzirira kuti mwana wako ave nefoni uye kana mwana wako achikwanisa kuzoishandisa zvakanaka.

Kudzidzisa Vana Kushandisa Mafoni Zvakanaka

Kunyange vana vari nyanzvi pakushandisa mafoni vanoda kubatsirwa nevabereki vavo kuti vashandise mafoni neuchejeri.

Chengetedzai Mwana Wenyu Kuti Asaona Zvinonyadzisira

Zviri nyore kuti vana vaone zvinhu zvinonyadzisira. Zvamunofanira kuziva uye zvamunofanira kuita kuti muchengetedze mwana wenyu.

Nei Zvichikosha Kuti Vagare Vachiverenga?—Chikamu 1: Chii Chiri Nani: Kuverenga Kana Kuona Mavhidhiyo?

Vana vakawanda vanofarira kuona mavhidhiyo. Vabereki vangakurudzira sei vana kuti vagare vachiverenga?

Nei Zvichikosha Kuti Vana Vagare Vachiverenga?—Chikamu 2: Chii Chiri Nani: Bhuku Repafoni Kana Kuti Rakaprindwa?

Chii chiri nani kuti vana vashandise pavanoverenga, foni here kana kuti bhuku rakaprindwa? Zvese zviri zviviri zvine zvazvakanakira.

Batsirai Vana Venyu Kuti Vasakanganiswa Nezvinhu Zvinotyisa Zvinobuda Munhau

Vabereki vangaitei kuti vabatsire vana vavo kuti vasakanganiswa nezvinhu zvavanoona munhau?

Mhuri Dzinofara—Zvamunoita

Kana muchida kuti vana venyu vaite zvamunotaura, munofanira kuita zvinoenderana nezvamunotaura.

Zvamungaita Kana Mwana Wenyu Akaremara

Ona matambudziko matatu aungatarisana nawo uye kuti mazano ouchenjeri omuBhaibheri angakubatsira sei.

Kudzidzisa

Kubatsirwa Kunoitwa Vana Kana Vakaita Zvinhu Zvinoita Kuti Vashandise Pfungwa

Zvinobatsira kupfuura kurongera vana zvekuita kana kuvaita kuti vaone TV.

Zvakanakira Kupa Vana Mabasa Epamba

Munopa vana venyu mabasa epamba here? Kuvapa mabasa kunovabatsira kuti vazive kuti kushanda nesimba kunokosha uye zvichaita kuti vafare.

Ko Kana Mwana Wangu Ari Kubhowekana?

Kana mwana wako ari kungoswera pamba asina zvekuita, funga nezvezvinhu izvi.

Kudzidzisa Vana Kuti Vaitire Vamwe Mutsa

Chimbofunga nzira nhatu dzaungabatsira nadzo vana vako kuti vasava nepfungwa yokuda kungozvifunga ivo pachavo.

Dzidzisa Vana Vako Kuonga

Kunyange vana vadiki vanogona kudzidziswa kutaura kuti maita basa pavanenge vaitirwa zvinhu zvakanaka.

Dzidzisai Vana Venyu Kuzvibata

Mwana wenyu anoziva chokwadi nezvebonde here? Dzidza mitemo yaMwari uye zvaunofanira kuudza vana vako.

Kuva Netsika Dzakanaka

Kana mukadzidzisa vana venyu kuva netsika dzakanaka zvichavabatsira mune remangwana.

Kushanda Nesimba

Munhu anofanira kudzidza kushanda nesimba achiri mudiki here kana kuti akura?

Kudzidzisa Kwamungaita Mwana Wenyu

Kuranga kunobatanidza zvinopfuura kungopa mitemo uye kupanicha.

Kushingirira

Kana vana vakadzidziswa kushingirira, vanokwanisa kuzokunda matambudziko muupenyu.

Kubatsira Kwamungaita Mwana Kana Akundikana

Kukundikana kuita zvimwe zvinhu kunowanika. Dzidzisa vana vako kuti vave nemaonero akanaka uye vabatsire kugadzirisa pavanokanganisa.

Mungabatsira Sei Mwana Wenyu Kuti Apase?

Ona zvaungaita kuti uzive chiri kuita kuti mwana wako afoire uye kuti ungamukurudzira sei kuverenga.

Ndodii Kana Mwana Wangu Achishungurudzwa Nevamwe?

Mazano 5 anogona kubatsira mwana wako paanosangana nevanhu vanenge vachida kumunetsa.

Kubatsira Mwana Wako Paanenge Achiyaruka

Mazano emuBhaibheri mashanu anogona kubatsira kuti nguva iyi inowanzonetsa isaomera vana.

Vana Vangadzidza Sei Kuda Mwari?

Ungadzidzisa sei mwana wako zvinosvika pamwoyo uchishandisa Bhaibheri?

Kutaura Nevana Nezvenyaya Yerusarura

Kukurukura nemwana wenyu zvinoenderana nezera rake, kunogona kumudzivirira kuti asakanganiswa nenyaya yerusarura.

Vabereki Vangadzidzisa Sei Vana Vavo Nezvebonde?

Bhaibheri rine mazano akawanda anokubatsirai pakutaura nevana venyu nezvebonde uye pakuvadzivirira pavanhu vanoda zvokubhinya.

Kudzidzisa Mwana Wako Nyaya Dzepabonde

Vechidiki vari kutanga kuziva nyaya dzepabonde vachiri vana. Zvii zvaunofanira kuziva? Ungaitei kuti udzivirire vana vako?

Taura Nevana Vako Nyaya Dzebonde

Zvinokosha kuti vabereki vataure nevana vavo nyaya dzebonde. Ona kuti mungakurukura sei nyaya iyi inonyadzisa.

Dzivirirai Vana Venyu

Kuda naSarudzai vari kudzidziswa kuti vangaita sei kuti vazvidzivirire.

Kudzidzisa Vana Zvinotaurwa neBhaibheri Nezvedoro

Vabereki vanofanira kudzidzisa vana vavo nyaya iyi inokosha riini uye vangazviita sei?

Kuranga

Kudzidzisa Vana Kuzvininipisa

Dzidzisa mwana wako kuzvininipisa asi asingazozvitarisiri pasi.

Tsika Dzakaendepi?

Dzidziso dzaipiwa kuma1960 nezvokurera vana ndidzo dzava kuvakanganisa here?

Unofanira Kuranga Sei Vana Vako?

Bhaibheri rinotsanangura zvinhu zvitatu zvinoita kuti chirango chinyatsoshanda.

Kudzidzisa Vana Kuti Vateerere

Iwe nemwana wako munogara muchinetsana nekuti anenge asingadi kuita zvaunomuudza here? Mazano 5 okukubatsira pakurera vana.

Kuzvidzora

Nei kuzvidzora kuchikosha, uye tingaitei kuti tive vanhu vanozvidzora?

Kuzvininipisa

Kana vana vakadzidziswa kuzvininipisa zvichavabatsira iye zvino kunyange pavanokura.

Mungaita Sei Kana Mwana Achishusha?

Mungaita sei kana mwana wenyu achishusha? Mazano ari muBhaibheri anogona kukubatsirai.

Kana Ukanyeperwa Nemwana Wako

Unofanira kuitei kana mwana wako akanyepa? Nyaya iyi inotaura mazano ari muBhaibheri anogona kukubatsira kuti udzidzise mwana wako chazvakanakira kutaura chokwadi.