Enda pane zvauri kuda

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Vana Nemafoni—Chikamu 1: Mwana Wangu Anofanira Kuva Nefoni Inoenda paIndaneti Here?

Vana Nemafoni—Chikamu 1: Mwana Wangu Anofanira Kuva Nefoni Inoenda paIndaneti Here?

 Vana vakawanda vane mafoni, a uye vakawanda vavo vanomashandisa kuenda paIndaneti pavanenge vari vega. Zvakaipirei kuti mwana wako ave nefoni inoenda paIndaneti? Ko zvakanakirei? Unofanira kumubvumira kushandisa foni yake kwenguva yakareba sei zuva rega rega?

 Zvaunofanira kuziva

 Zvazvakanakira

  •   Vana vanonzwa vakachengeteka, uye vabereki havazonyanyi kunetseka. Vamwe amai vane vana vaviri vari kuyaruka, vanonzi Bethany vanoti, “Tiri kurarama munyika inotyisa. Zvakakosha kuti vana vagare vachikwanisa kutaura nevabereki vavo.”

     Vamwe amai vanonzi Catherine vanowedzerawo vachiti, “Unokwanisa kuona kunenge kuine mwana wako uchishandisa mamwe mapurogiramu epafoni yake. Kana ari kudhiraivha unokwanisawo kuona kuti ari kumhanya zvakadii.”

  •   Anobatsirawo pane zvekuchikoro. Vamwe amai vanonzi Marie vakati, “Vana vanotumirwa homuweki pachishandiswa e-mail kana kuti mameseji, uyewo vanokwanisa kushandisa nzira idzi kutaura nevadzidzisi vavo.”

 Zvazvakaipira

  •   Kupedza nguva yakawanda vari pafoni. Vechidiki vanowanzopedza maawa akawanda vari pamafoni avo. Nguva inoshandiswa nevamwe vabereki vari pamafoni avo yakatoenzana nenguva yavanoshandisa vachitaura nevana vavo. Mumwe anopa vanhu mazano akati dzimwe mhuri dzava kuita sedzine “vanhu vasingazivani vanoungana zuva rega rega asi vachiramba vakangotarisa mafoni avo.” b

  •   Kuona zvinonyadzisira. Maererano neimwe tsvakurudzo, inopfuura hafu yevana vari kuyaruka inotsvaga zvinhu zvinonyadzisira mwedzi wega wega. Izvi hazvitomboshamisi kana tichitarisa kuti zvava nyore sei kuti munhu aone zvinhu zvinonyadzisira achishandisa foni yake. Vamwe baba vane vana vaviri vari kuyaruka vanonzi William vanoti, “Kunyange zvazvo vasina chinangwa ichocho, vabereki pavanobvumira mwana wavo kuti ave nefoni, vanenge vachitoita sevavhura chitoro chine zvinhu zvinonyadzisira chekuti mwana anokwanisa kungopinda chero nguva.”

  •   Kutadza kugara usina foni. Vanhu vakawanda vanoda mafoni avo zvakanyanyisa. Kana vakasaona pane foni yavo, vanotanga kunetseka, kushaya zvekuita, kana kutorwara chaiko. Vamwe vabereki vakaona kuti vana vavo vanorasa unhu pavanenge vachishandisa mafoni. Carmen anoti, “Dzimwe nguva pandinenge ndichida kutaura nemwanakomana wangu, anobva apindurudza maziso kana kuti kungotaura mashoko asina ruremekedzo nekuti anenge asiri kuda kukanganiswa zvaanenge achiita.”

  •   Zvimwewo zvazvakaipira. Kushandisa foni kunoisawo munhu panjodzi yekushungurudzwa nevamwe paIndaneti nekutumirwa mameseji ane zvinhu zvinonyadzisira, uye kunogonawo kuita kuti munhu ave nezvirwere zveutano zvinokonzerwa nemagariro aanenge akaita paanoshandisa foni uyewo kusawana nguva yakakwana yekurara. Vamwe vechidiki vanoviga zvinhu zvavanenge vasingadi kuti vabereki vavo vaone vachishandisa mapurogiramu anonzi maghost app. Mapurogiramu aya anenge achiratidza zvinhu zvakanaka zvakadai secalculator asi kuseri kunenge kuine zvinhu zvisina kunaka.

     Daniel, ane mwanasikana ari kuyaruka, akati: “Foni inoenda paIndaneti inopa mukana wekuti munhu akwanise kuwana zvinhu zvakanaka nezvakaipa.”

 Zvaunofanira kuzvibvunza

  •   ‘Mwana wangu anofanira kuva nefoni inoenda paIndaneti here?’

     Bhaibheri rinoti: “Munhu ane njere anofungisisa nhanho imwe neimwe.” (Zvirevo 14:15) Uchifunga izvi, zvibvunze kuti:

     ‘Zvakanaka here kuti ndipe mwana wangu foni ndichiitira kuti anzwe akachengeteka kana kuti nezvimwewo zvikonzero? Ndanyatsofunga nezvezvazvakanakira uye zvazvakaipira here? Haakwanisi here kushandisa foni isingaendi paIndaneti?’

     Vamwe baba vanonzi Todd vanoti, “Mafoni asingaendi paIndaneti achiri kuwanikwa uye anokwanisa kushandiswa kufona kana kutumira mwana wako meseji. Uye mafoni aya haanyanyi kudhura.”

  •   ‘Mwana wangu anoziva kuishandisa zvakanaka here?’

     Bhaibheri rinoti: “Mwoyo wemunhu akachenjera unomutungamirira munzira yakarurama.” (Muparidzi 10:2) Uchifunga izvi, zvibvunze kuti:

     ‘Ndinokwanisa kuvimba nemwana wangu here? Anondiudza zvese asina chaanovanza here? Anondivanzira zvimwe zvinhu zvakadai sekuti shamwari dzake ndivanaani here? Anomboratidza kuti anokwanisa kuzvidzora here paanenge achishandisa zvinhu zvakadai seTV, tablet, kana kombiyuta?’ Vamwe amai vanonzi Serena vanoti, “Foni inoenda paIndaneti ine zvakanaka zvainogona kushandiswa asi inogonawo kukanganisa munhu. Funga kuti nezera rine mwana wako ava kukwanisa kushandisa foni zvakanaka here.”

  •   Ndagadzirira here?’

     Bhaibheri rinoti: “Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo.” (Zvirevo 22:6) Uchifunga izvi, zvibvunze kuti:

     ‘Ndinoziva zvakawanda here nezvezvakaita foni yacho kuti ndibatsire mwana wangu kunzwisisa uye kudzivisa njodzi dzinogona kuvapo paanoishandisa? Ndinoziva here zvekuita pafoni yemwana wangu kuti asakwanise kuona zvimwe zvinhu zvisina kukodzera? Ndingabatsira sei mwana wangu kuti aite zvisarudzo zvakanaka paanenge achishandisa foni?’ Vamwe baba vambotaurwa vanonzi Daniel vakati, “Vabereki vakawanda vanopa vana vavo mafoni anoenda paIndaneti uye havazombotarisi kuti ari kushandiswa sei.”

 Pfungwa inokosha ndeiyi: Vana vanoda kudzidziswa kushandisa mafoni avo zvakanaka. Rimwe bhuku rinonzi Indistractable rinoti vana vakawanda vanoomerwa nekushandisa mafoni avo zvine mwero kunyanya kana vabereki vasingazivi kuti vari kuashandisa sei kana kuti vasingavapi mazano anovabatsira kuashandisa zvakanaka.

a Munyaya ino, shoko rekuti “foni” rinoreva foni inokwanisa kuenda paIndaneti.

b Kubva mubhuku rinonzi Disconnected, rakanyorwa naThomas Kersting.