Enda pane zvauri kuda

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Nei Zvichikosha Kuti Vana Vagare Vachiverenga?—Chikamu 1: Chii Chiri Nani: Kuverenga Kana Kuona Mavhidhiyo?

Nei Zvichikosha Kuti Vana Vagare Vachiverenga?—Chikamu 1: Chii Chiri Nani: Kuverenga Kana Kuona Mavhidhiyo?

 Vana venyu pavanenge vasina zvekuita ndezvipi zvavanofarira: kuona mavhidhiyo here kana kuti kuverenga mabhuku? Vanomhanyirira kutora foni here kana kuti bhuku?

 Vanhu vava nemakore vasingachafariri zvekuverenga nemhaka yekuti vava kunyanya kufarira kuona TV uye mavhidhiyo nezvimwewo zvinobudiswa paIndaneti. Muna 1990, mumwe mukadzi anonzi Jane Healy akabudisa bhuku rinonzi Endangered Minds. Akanyora kuti: ”Vanhu vachapedzisira vasingachatomboverengi.”

 Pakanyorwa mashoko iwayo, hapana aimbofunga kuti ndizvo zvaizoitika. Pava nemakore 30, uye vamwe vadzidzisi vari munyika dzine vanhu vanonyanya kushandisa zvinhu zvakadai semafoni nemakombiyuta vakaona kuti vechidiki vakawanda havanyatsogoni kuverenga sezvaiita vanhu kare.

Zviri munyaya ino

 Nei zvichikosha kuti vana vagare vachiverenga?

  •   Kuverenga, kunoita kuti munhu afungidzire zviri kuitika. Semuenzaniso, paunenge uchiverenga nyaya, unogona kufungidzira kuti manzwi evanhu vari kutaurwa akaita sei. Vanhu vacho vakaita sei? Ko nzvimbo yavari yakaita sei? Munyori anotsanangura zvimwe zvinhu , asi muverengi anenge achifanira kufungidzira zvimwe zvese zvisina kutaura nemunyori.

     Vamwe amai vanonzi Laura vakati: “Patinoona mavhidhiyo, tinenge tichiona zvakafungidzirwa nemumwe munhu.” Vakatiwo, “Kunyange zvazvo kuona mavhidhiyo kuchinakidza, kuverenga kwakanakira kuti kunokubatsira kufungidzira zvinenge zvakanyorwa nemumwe munhu.”

  •   Kuverenga kunoita kuti munhu ave neunhu hwakanaka. Vana pavanoverenga, zvinovabatsira kuti vadzidze kunyatsofunga pavanosangana nematambudziko, voona kuti vangaagadzirisa sei. Uyewo, kuti munhu akwanise kuverenga, anofanira kuisa pfungwa pamwe chete. Pavanoita izvi, zvinovabatsira kuva nemwoyo murefu, kuzvidzora, uye kunzwira vamwe tsitsi.

     Kuverenga kunobatsira sei mwana kuti adzidze kunzwira vamwe tsitsi? Vamwe vanotsvakurudza vakaona kuti vana pavanonyatsoverenga nyaya, zvinovabatsira kuti vafunge nezvemanzwiro evanhu vavanenge vachiverenga nezvavo. Izvozvo, zvinogona kubatsira vana kuti vanzwire vamwe tsitsi.

  •   Kuverenga kunoita kuti munhu adzamise pfungwa. Vanhu vanofarira kuverenga, havaverengi vachingomhanya kuti vapedze, asi dzimwe nguva vanombomira, vodzokorora pavanenge vabva kuverenga kuti vanyatsonzwisisa pfungwa dzemunyori. Kazhinji kacho, izvi zvinoita kuti vayeuke zvavanenge vaverenga uye vabatsirwe nazvo.—1 Timoti 4:15.

     Vamwe baba vanonzi Joseph, vanoti: “Paunoverenga, zviri nyore kunzwisisa zvinorehwa nemashoko acho, wobva wazvibatanidza nezvawagara uchitoziva, woona zvidzidzo zvirimo. Kashoma kuti munhu adzamise pfungwa saizvozvo paanenge achiona mavhidhiyo kana mafirimu.”

 Pfungwa inokosha ndeiyi: Kunyange zvazvo mavhidhiyo ainewo zvaanobatsira, vana vako vanogona kurasikirwa chaizvo kana vakasawana nguva yekuverenga.

 Zvamungaita kuti vana vafarire kuverenga

  •   Tangai vachiri vadiki. Vamwe amai vanonzi Chloe, vane vanakomana vaviri, vanoti: “Takatanga kuverengera vana vedu vachiri mudumbu, uye takaramba tichidaro pavakanga vaberekwa. Tinofara kuti takaramba tichivaverengera. Nekufamba kwenguva, vakanga vava kugara vachiverenga, uye zvaitovanakidza.”

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kubvira paucheche wakaziva zvinyorwa zvitsvene.”—2 Timoti 3:15.

  •   Rongai zvinhu mumba menyu nenzira ichaita kuti vana vade kuverenga. Itai kuti zvive nyore kuti vana venyu vade kuverenga nekuisa mabhuku panzvimbo dzavanomaona. Vamwe amai vanonzi Tamara vane vana 4, vanoti: “Tsvagai mabhuku angafarirwa nevana venyu moarongedza pedyo nepavanorara.”

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, kunyange kana akwegura haazobvi mairi.”—Zvirevo 22:6.

  •   Itai kuti vasanyanya kuenda paIndaneti. Vamwe baba vanonzi Daniel vakaona zvakanaka kuti pave nemamwe manheru ekuti hapana anobvumirwa kubata foni kana tablet yake. Vanoti: “Kunyange zvazvo hwaiva usiku humwe chete pavhiki, izvi zvaiita kuti tisava nechinovhiringidza nekuti taisabatidza TV. Taizvipa nguva yekuverenga, pamwe chete semhuri kana kuti mumwe nemumwe achizviverengera ega.”

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “[Ivai] nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe.”—VaFiripi 1:10.

  •   Ivai muenzaniso wakanaka. Karina, vamwe amai vane vanasikana vaviri vanoti: “Pamunoverengera vana venyu nyaya, itai kuti vaone sekunge kuti zviri kutoitika kuburikidza nekuvaverengera zvine upenyu muchiratidza kuti muri kunakidzwa nenyaya yacho. Kana muchifarira kuverenga, vana venyu vanogona kupedzisira vava vatevedzerawo zvamunoita.”

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ramba uchishingairira kuverenga paruzhinji.”—1 Timoti 4:13.

 Havasi vana vese vachafarira kuverenga. Asi pamunoramba muchivakurudzira, vanogona kuzopedzisira vava kuzvifarira. Vamwe baba vanonzi David, vane vanasikana vaviri, vakatoita zvinopfuura ipapo. Vanoti: “Ndaiverenga mabhuku andaiona vanasikana vangu vachiverenga kuitira kuti ndizive zvavaifarira uye ndiwane nyaya dzekutaura navo. Taiva nekachikwata kedu kekuverenga. Zvainakidza!”