Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinoti Chii Nezvokuisirwa Ropa?

Bhaibheri Rinoti Chii Nezvokuisirwa Ropa?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri rinorayira kuti tisadya ropa. Saka hatifaniri kudya kana kuisirwa ropa. Ona mavhesi aya:

  •   Genesisi 9:4. Pashure peMafashamo, Mwari akabvumira Noa nemhuri yake kuti vadye nyama asi akavarayira kuti vasadya ropa. Mwari akaudza Noa kuti “Nyama bedzi ine mweya wayo—iro ropa rayo—musaidya.” Murayiro uyu unoshanda kuvanhu vose kubvira panguva iyoyo nemhaka yokuti tose takabva kuna Noa.

  •   Revhitiko 17:14. “Hamufaniri kudya ropa renyama chero ipi zvayo, nokuti mweya wenyama yemarudzi ose ndiro ropa rayo. Munhu wose anoridya achaparadzwa.” Kuna Mwari mweya kana kuti upenyu zviri muropa uye ndezvake. Kunyange zvazvo mutemo uyu wakanga wakapiwa rudzi rwevaIsraeri chete, unoratidza kuti mutemo waMwari wokurambidza kudya ropa yaiva nyaya yakakura.

  •   Mabasa 15:20. ‘Regai ropa.’ Mwari akapa vaKristu murayiro wakafanana newaakapa Noa. Nhoroondo yezvakaitika kare inoratidza kuti vaKristu vepakutanga-tanga vaisadya ropa, kunyange kurishandisa pakurapwa.

Nei Mwari achitirayira kuti tirege ropa?

 Kuisirwa ropa kunogona kukanganisa utano hwemunhu. Asi chinonyanya kukosha ndechokuti Mwari anotirayira kuti tirege ropa nemhaka yokuti rinomiririra chinhu chitsvene kwaari.—Revhitiko 17:11; VaKorose 1:20.