Enda pane zvauri kuda

Sei Zvapupu zvaJehovha Zvisingabvumi Kuwedzerwa Ropa?

Sei Zvapupu zvaJehovha Zvisingabvumi Kuwedzerwa Ropa?

Nhema dzinowanzotaurwa nevanhu

 Nhema: Zvapupu zvaJehovha zvinofunga kuti vanachiremba havagoni kubatsira, saka kana vakarwara havaendi kuchipatara.

 Chokwadi: Kana isu kana kuti voukama vakarwara tinotsvaka kurapwa kwakanakisisa. Tinotsvaka vanachiremba vanoziva basa uye vanorapa pasina kuwedzerwa ropa. Tinofara chaizvo nokufambira mberi kuri kuitika panyaya dzokurapa. Kutaura zvazviri, nzira dzinoshandiswa pakurapa Zvapupu pasina kuwedzerwa ropa dzava kushandiswawo kubatsira vamwe vasiri Zvapupu. Munyika dzakawanda, murwere anogona kusarudza kana asingadi kuwedzerwa ropa izvo zvinomudzivirira pazvirwere zvinokonzerwa nokunge awedzerwa ropa, kana kutadza kupindirana kweropa nomuviri wake.

 Nhema: Zvapupu zvaJehovha zvinoti kutenda ndiko kunoita kuti murwere apore.

 Chokwadi: Hatiiti zvokunamatira.

 Nhema: Dzimwe nzira dzokurapwa nadzo pasingawedzerwi ropa dzinodhura.

 Chokwadi: Kurapwa usingawedzerwi ropa kwakachipa. a

 Nhema: Zvapupu zvakawanda kusanganisira vana, zvinofa gore rimwe nerimwe nemhaka yokuramba kuwedzerwa ropa.

 Chokwadi: Idzi ndidzo nhema dzisina kana nomusoro. Vanachiremba vanovhiya vanogara vachivhiya mwoyo, mizongoza uye kuisira munhu dzimwe nhengo dzomuviri uye vanozviita vasingashandisi ropa. b Varwere kusanganisira vana vanorapwa vasingawedzerwi ropa, vanopora kufanana nevarwere vanenge vawedzerwa ropa kana kuti vanotokurumidza kudarika vawedzerwa ropa. c Ndiani anoziva kuti kana murwere akawedzerwa ropa achararama asi akasawedzerwa ropa achafa? Hakuna anozviziva.

Sei Zvapupu zvaJehovha zvisingabvumi kuwedzerwa ropa?

 Iyi haisi nyaya yokuti vanachiremba vanoti kudii asi kuti inyaya yokuti Mwari anoti kudii. Testamende Yekare neTestamende Itsva zvinotipa murayiro wakajeka wokuti tisadya ropa. (Genesisi 9:4; Revhitiko 17:10; Dheuteronomio 12:23; Mabasa 15:28, 29) Uyewo, kuna Mwari ropa rinomirira upenyu. (Revhitiko 17:14) Saka kusadya kwedu ropa kana kuriwedzerwa haisi nyaya yokungoteerera Mwari chete asi kuti tinenge tichimuremekedza somunhu akatipa upenyu.

Kuchinja mafungiro

Kuvhiya kwakakura uye kusiri nyore kuri kuitwa zvakanaka pasina kuwedzera munhu ropa

 Pane imwe nguva, vezvoutano vaiti kurapa pasina kuwedzerwa ropa kwakaipa uye kwakangofanana nokuzviuraya asi iye zvino vava kuchinja mafungiro avo. Somuenzaniso, muna 2004, imwe nyaya yakabudiswa mubhuku rezveutano yakati “nzira dzakawanda dzinoshandiswa pakurapa Zvapupu zvaJehovha ndidzo dzichange dzava kutoshandiswa nevakawanda mumakore ari kutevera.” d Imwe nyaya yakabuda mubhuku rinonzi Heart, Lung and Circulation muna 2010 yakati “‘kuvhiyiwa munhu asingawedzerwi ropa’ hakufaniri kungoitwa kuZvapupu zvaJehovha chete asi kuti kunofanira kuitirwa vanhu vose.”

 Zviuru zvakawanda zvavanachiremba zvava kushandisa nzira dzokuti murwere asarasikirwa neropa rakawanda paanenge achivhiyiwa uye pakuvhiyiwa kwacho havamuwedzeri ropa. Nzira idzi dzokurapa pasina kuwedzerwa ropa dzava kutoshandiswa munyika dziri kusimukira uye vamwe varwere vanenge vasiri Zvapupu zvaJehovha vari kutokumbira kurapwa kwakadaro.

a Ona bhuku rinonzi Transfusion and Apheresis Science, Volume 33, No. 3, peji 349.

b Ona bhuku rinonzi The Journal of Thoracic and Cardiovascular Surgery, Volume 134, No. 2, mapeji 287-288; Texas Heart Institute Journal, Volume 38, No. 5, peji 563; Basics of Blood Management, peji 2; uye Continuing Education in Anaesthesia, Critical Care & Pain, Volume 4, No. 2, peji 39.

c Ona bhuku rinonzi The Journal of Thoracic and Cardiovascular Surgery, Volume 89, No. 6, peji 918; uye Heart, Lung and Circulation, Volume 19, peji 658.

d Continuing Education in Anaesthesia, Critical Care & Pain, Volume 4, No. 2, peji 39.