Enda pane zvauri kuda

MuKristu Anogona Here Kuenda Kuchipatara Kuti Anorapwa?

MuKristu Anogona Here Kuenda Kuchipatara Kuti Anorapwa?

Mhinduro yeBhaibheri

 Hongu. Jesu paakataura kuti “vanhu vakagwinya havadi chiremba, asi vanorwara vanomuda,” airatidza kuti vateveri vake vanogona kuenda kuchipatara kuti vanorapwa. (Mateu 9:12) Kunyange zvazvo Bhaibheri risiri bhuku rezvokurapa, rine mashoko anobatsira vaya vanoda kufadza Mwari.

Mibvunzo yaungazvibvunza

 1. Ndinonzwisisa here marapirwo andichaitwa? Bhaibheri rinotiudza kuti tiongorore zvinhu panzvimbo ‘pokutenda mashoko ose.’—Zvirevo 14:15.

 2. Ndinofanira kumbonzwa vamwe vanachiremba here kuti vanotiwo chii? “Vanhu vazhinji vanopa mazano” vanogona kubatsira, kunyanya kana dambudziko rauinaro rakakura.—Zvirevo 15:22.

 3. Marapirwo andichaitwa achaita kuti ndityore murayiro weBhaibheri ‘wokurega ropa’ here?—Mabasa 15:20.

 4. Kurapa kwacho kuchange kuchibatanidza zvemidzimu here? Bhaibheri rinorambidza “tsika yokuita zvemidzimu.” (VaGaratiya 5:19-21) Kuti uone kana kurapa kwacho kuchizobatanidza zvemidzimu, funga nezvemibvunzo iyi:

  •   Anorapa wacho anoita zvemidzimu here?

  •   Zviri kunzi ndezvechivanhu zvakonzera chirwere chacho here kana kuti pane vanhu vari kukuroya?

  •   Pakushandisa mishonga yacho panourayiwa mhuka uye poshandiswa ropa here, kana kudeketera kana kuita tumwe tumitemo tusinganzwisisiki?

 5. Ndava kunyanya kunetseka nezveutano hwangu here? Bhaibheri rinoti: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vose.” (VaFiripi 4:5) Kuva munhu anonzwisisa kuchakubatsira kuti uise pfungwa dzako pazvinhu “zvinokosha kupfuura zvimwe,” zvakadai sezvinhu zvokunamata.—VaFiripi 1:10; Mateu 5:3.